Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 A2

Zvakaita Bhaibheri Rino Rakadzokororwa

Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki yakabudiswa muChirungu muna 1950, uye Bhaibheri rese rakazara reShanduro yeNyika Itsva rakazobudiswa muna 1961. Kubvira ipapo, mamiriyoni evanhu vemitauro inopfuura 210 ari kubatsirwa nekuverenga shanduro iyi yakarurama inoverengeka zvakanaka yakashandurwa kubva mumitauro yakatanga kushandiswa pakunyora Magwaro.

Asi nekupindana kwemakore, mitauro yanga ichichinja. Komiti Inoshandura Bhaibheri reNyika Itsva iripo iye zvino yakaona kuti ine zvayaifanira kuita nekuchinja uku kwemitauro kuti inyatsobatsira vaverengi vemazuva ano. Saka pane zvakati wandei zvakachinja pamanyorerwo nepamashoko akashandiswa mushanduro ino, zvichiitwa nezvikonzero zvinotevera:

  • Kushandiswa kwemutauro wemazuva ano, unonzwisisika. Rimwe remashoko asisanyanyi kunzwisiswa mazuva ano nderekuti “kudzingisa.” Saka rakatsiviwa nerekuti “kuchecheudza.” (Genesisi 17:11) Shoko rechiGiriki rekuti por·nei′a, munzvimbo dzakawanda rakashandurwa kuti “upombwe,” rinova ndiro shoko rinowanzoshandiswa nevanhu kana vachitaura nezvevanhu vanosangana pabonde zvisiri pamutemo. Shoko rekuti “kusazvibata” rava kunzi “tsika dzakafumuka.” (VaGaratiya 5:19-21) Rekuti “kunambwa” harichanyanyi kuzivikanwa nevakawanda, saka rava kunzi “kubata pamuviri” kana kuti “kuva nepamuviri.” (Jobho 3:3; Ruka 2:21) Shoko rekuti “kuchochora,” iro risinganyanyi kuzivikanwa, rakachinjwa. Mune dzimwe nzvimbo rava kunzi “kuchiva” kana kuti “kuva nemakaro.”—VaRoma 7:7; VaKorose 3:5.

  • Kujekesa mamwe mashoko emuBhaibheri. Mamwe mashoko aishandiswa mushanduro dzaimbovapo dzechiShona dzeShanduro yeNyika Itsva aiwanzoda kutsanangurwa kuti anyatsonzwisiswa. Semuenzaniso, shoko rechiHebheru rekuti “Sheori” nerechiGiriki rekuti “Hadhesi,” anoshandiswa muBhaibheri achireva guva. Mashoko aya haazivikanwi nevakawanda uye rekuti “Hadhesi” rine zvinhu zviviri zvarinoreva zvichibva pakushandiswa kwaraiitwa mudzidziso dzechiGiriki. Saka mashoko acho ari maviri akatsiviwa neshoko rekuti “Guva,” zvinova ndizvo zvairehwa nevanyori veBhaibheri. Mashoko ekuti “Sheori” uye “Hadhesi” akaiswa mumashoko emuzasi.—Pisarema 16:10; Mabasa 2:27.

    Mushanduro dzaivapo, shoko rechiHebheru rekuti neʹphesh uye rechiGiriki rekuti psy·kheʹ aishandurwa pese paaiwanika achinzi “mweya.” Nemhaka yekusanyatsonzwisiswa kunoitwa shoko iri rekuti “mweya,” mashanduriro aya aibatsira muverengi kuti aone kuti vanyori veBhaibheri vakafemerwa vaishandisa sei mashoko aya aiva mumitauro yarakatanga kunyorwa nayo. Zvichienderana nezvinenge zvichitaurwa, mashoko acho anogona kunge achitaura (1) munhu, (2) upenyu hwemunhu, (3) zvinhu zvipenyu, (4) zvinoshuviwa nemunhu uye kuda kwake chekudya, uye pamwe pacho, (5) kunyange munhu akafa. Sezvo shoko rekuti “mweya” risingawanzoshandiswi muchiShona panenge pachitaurwa zvinhu izvi, pakasarudzwa kuti mashoko aya emumitauro yakatanga kunyorwa nayo Bhaibheri ashandurwe zvichienderana nezvaanenge achireva, kazhinji kacho pachiiswa mashoko emuzasi anenge achiti “Kana kuti ‘mweya.’” (Ona mienzaniso iri pana, Genesisi 1:20; 2:7; Revhitiko 19:28; Pisarema 3:2; Zvirevo 16:26; Mateu 6:25.) Asi mune dzimwe nhetembo kana kuti mudzimwe ndima dzinonyanya kuzivikanwa, shoko rekuti “mweya” rakasiyiwa riri mundima, riine mashoko emuzasi anoti, “Ona Tsanangudzo Yemashoko” kana kuti achiratidza kuti rinogona kunyorwa neimwe nzira.—Dheuteronomi 6:5; Jobho 33:28; Pisarema 131:2; Zvirevo 2:10; Mateu 22:37.

    Ndizvo zvakaitwawo neshoko rekuti “itsvo,” iro rakasiyiwa rakadaro kana pachitaurwa nezvenhengo yacho chaiyo. Asi parinoshandiswa richifananidzira chimwe chinhu sepana Pisarema 7:9 uye 26:2 naZvakazarurwa 2:23, pakaiswa mashoko acho ezviri kurehwa ekuti “pfungwa dzakadzama,” shoko racho chairo rekuti “itsvo” rikaiswa mumashoko emuzasi.

    Mamwe mashoko akadai sekuti, “kukora,” “nyama,” uye “nyanga,” akashandurwawo zvichienderana nezvairehwa. (Genesisi 49:20; Muparidzi 5:6; Jobho 16:15) Mamwe emashoko aya anotsanangurwa muchikamu chakanzi “Tsanangudzo Yemashoko emuBhaibheri.”

  • Kujekesa kuti pamwe panotaurwa nezvevanhurume panenge pasiri kungoreva vanhurume chete. Mutauro wechiHebheru uye wechiGiriki unobudisa pachena kuti pari kutaurwa munhurume kana kuti munhukadzi. Asi dzimwe nguva kana mashoko akashandurwa achiratidza kuti munhurume kana munhukadzi zvinorasa pfungwa iri kurehwa. Kazhinji muchiHebheru uye muchiGiriki, kana pachitaurwa zvinhu muuzhinji panoshandiswa shoko rinongoreva vanhurume chete, asi hadzisi nguva dzese pazvinenge zvichireva vanhurume chete. Semuenzaniso, kunyange zvazvo mashoko ekuti “vanakomana vaIsraeri” achigona kushandiswa pachitaurwa nezvevanakomana 12 vaJakobho, kazhinji anenge achireva rudzi rwese rwaIsraeri, varume nevakadzi. (Genesisi 46:5; Eksodho 35:29) Saka mushanduro ino yakadzokororwa, mashoko acho aiwanzonyorwa achiti “vaIsraeri” kuratidza kuti pari kurehwa rudzi rwacho rwese.

    Zvinhu zvese zvakagadziridzwa muBhaibheri rino zvakanyatsoitwa nekungwarira uye pashure pekunyengetera, pachiremekedzwa zvikuru basa rakaitwa neKomiti Inoshandura Bhaibheri reNyika Itsva yaivapo pakutanga.

Zvimwe zviri muBhaibheri rino rakadzokororwa:

Bhaibheri rino rakadzokororwa rine mashoko emuzasi akati wandei. Mazhinji acho ari muzvikwata zvinotevera:

  • “Kana kuti” Aya mamwe mashoko aigona kushandiswa kushandura mashoko echiHebheru, echiAramaiki, kana kuti echiGiriki achibudisa pfungwa imwe cheteyo.—Genesisi 1:20, mashoko emuzasi ari pakanzi “nezvisikwa zvipenyu”; Joshua 1:8, “pasi pasi.”

  • “Dzimwe shanduro dzinoti” Aya mamwe mashoko akarurama anogona kushandiswa kushandura asi achireva zvakasiyana nezviripo.—Genesisi 21:6, “vachaseka neni”; Zekariya 14:21, “muKenani.”

  • “ChiHeb.; ChiAram.; ChiGir.” Aya mashoko akashandurwa shoko neshoko kubva muchiHebheru, chiAramaiki, kana kuti chiGiriki kana kuti pfungwa yacho yakangotorwa sezvairi kubva mumitauro yacho.—Genesisi 30:22, “abate pamuviri”; Eksodho 32:9, “vakaoma musoro.”

  • Tsanangudzo uye mamwe mashoko anobatsira kuziva zvimwe zvinhu Zvinoreva mazita (Genesisi 3:17, “Adhamu”; Eksodho 15:23, “Mara”); mashoko anotsanangura uremu uye urefu (Genesisi 6:15, “makubhiti”); mashoko anotsanangura kuti ndiani ari kutaurwa (Genesisi 38:5, “Akanga”); mashoko anoratidza kuti kune mamwe mashoko anobatsira ari muchikamu chakanzi “Mashoko Ekuwedzera” uye “Tsanangudzo Yemashoko emuBhaibheri.”—Genesisi 37:35, “Guva”; Mateu 5:22, “Gehena.”

Kwekutanga kweBhaibheri rino kune chikamu chakanzi, “Kusuma Shoko raMwari,” chinoratidza dzidziso dziri muBhaibheri dzinofanira kuzivikanwa nemunhu. Panoperera bhuku rekupedzisira reBhaibheri pane chikamu chinoti, “Kurongwa kweMabhuku eBhaibheri,” kwozotevera chinoti, “Indekisi Inobatsira Kutsvaga Mashoko muBhaibheri,” uye “Tsanangudzo Yemashoko emuBhaibheri.” Tsanangudzo Yemashoko inobatsira muverengi kuti anzwisise mamwe mashoko emuBhaibheri maererano nemashandisirwo aakaitwa muBhaibheri. Mashoko Ekuwedzera A ane zvikamu zvinoti: “Mashandurirwo Anoitwa Bhaibheri,” “ Zvakaita Bhaibheri Rino Rakadzokororwa,” “Bhaibheri Rakasvika Sei Kwatiri,” “Zita raMwari muMagwaro echiHebheru,” “Zita raMwari muMagwaro echiKristu echiGiriki,” “Vaprofita neMadzimambo eJudha neIsraeri,” uye “Upenyu hwaJesu Panyika.” Mashoko Ekuwedzera B ane mamepu, nemamwewo mashoko anobatsira vanhu vanoda kuverenga Bhaibheri vachitsvakurudza.

Panotangira bhuku rega rega remuBhaibheri pakaiswa mashoko anoratidza zviri muchitsauko chimwe nechimwe chebhuku racho, pamwe chete nemavhesi acho, zvichibatsira muverengi kuona zviri mubhuku racho rese. Pakati pepeji rimwe nerimwe pane magwaro anoenderana nezviri mundima. Pakangosarudzwa anonyanya kukosha kubva pane aiva mushanduro yekare.