Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Bhuku raZekariya

Zvitsauko

1 2 3 4 5 6 7 8 9 10 11 12 13 14

Zviri Mubhuku Racho

  • 1

    • Kukumbirwa kuti vadzoke kuna Jehovha (1-6)

      • ‘Dzokai kwandiri uye ini ndichadzoka kwamuri’ (3)

    • Chiratidzo 1: Vatasvi vemabhiza pakati pemiti yemikute (7-17)

      • “Jehovha achanyaradzazve Ziyoni” (17)

    • Chiratidzo 2: Nyanga ina nemhizha ina (18-21)

  • 2

    • Chiratidzo 3: Murume ainge akabata tambo yekuyeresa (1-13)

      • Jerusarema richayerwa (2)

      • Jehovha achava rusvingo “rwemoto kumativi ese” (5)

      • Kugunzva mboni yeziso raMwari (8)

      • “Marudzi mazhinji achauya kuna Jehovha” (11)

  • 3

    • Chiratidzo 4: Mupristi mukuru anochinjwa nguo dzake (1-10)

      • Satani anorwisa Mupristi Mukuru Joshua (1)

      • ‘Ndichaunza mushumiri wangu anonzi Nhungirwa!’ (8)

  • 4

    • Chiratidzo 5: Chigadziko chemarambi nemiorivhi miviri (1-14)

      • ‘Hazviitwi nesimba, asi nemweya wangu’ (6)

      • Musashora zuva rezvinhu zvidiki (10)

  • 5

    • Chiratidzo 6: Gwaro riri kubhururuka (1-4)

    • Chiratidzo 7: Mudziyo weefa (5-11)

      • Mukadzi ari mukati macho anonzi Uipi (8)

      • Mudziyo wacho unoendeswa kuShinari (9-11)

  • 6

    • Chiratidzo 8: Ngoro ina (1-8)

    • Nhungirwa achava mambo uye mupristi (9-15)

  • 7

    • Jehovha anoshora kutsanya kwekunyepedzera (1-14)

      • “Maitsanyira ini here?” (5)

      • ‘Itiranai zvakarurama, uye ratidzanai rudo rusingachinji, muchinzwirana tsitsi’ (9)

  • 8

    • Jehovha anopa Ziyoni rugare nechokwadi (1-23)

      • Jerusarema, “guta rechokwadi” (3)

      • “Tauriranai chokwadi” (16)

      • Kutsanya kunochinja kuva mabiko (18, 19)

      • ‘Ngatitsvagei Jehovha nemwoyo wese’ (21)

      • Varume gumi vanobata nguo yemuJudha (23)

  • 9

    • Mitongo yaMwari pamarudzi ari pedyo (1-8)

    • Kuuya kwamambo weZiyoni (9, 10)

      • Mambo anotasva dhongi uye anozvininipisa (9)

    • Vanhu vaJehovha vachasunungurwa (11-17)

  • 10

    • Kumbirai Jehovha kuti akunayisirei mvura, kwete vanamwari venhema (1, 2)

    • Jehovha anobatanidza vanhu vake (3-12)

      • Mutungamiriri anobva kuimba yaJudha (3, 4)

  • 11

    • Zvinhu zvinokonzerwa nekuramba mufudzi akanaka waMwari (1-17)

      • “Fudza makwai ari kungochengeterwa kuurayiwa” (4)

      • Tsvimbo mbiri: Kufarirwa naKubatana (7)

      • Mubhadharo wemufudzi: masirivha 30 (12)

      • Mari yacho inokandwa munzvimbo inochengeterwa pfuma (13)

  • 12

    • Jehovha achadzivirira Judha neJerusarema (1-9)

      • Jerusarema, ‘dombo rinorema’ (3)

    • Kuchema uya akabayiwa (10-14)

  • 13

    • Kubviswa kwezvidhori uye vaprofita venhema (1-6)

      • Vaprofita venhema vachanyara (4-6)

    • Mufudzi acharohwa (7-⁠9)

      • Chikamu chechitatu chichanatswa (9)

  • 14

    • Kunamata kwechokwadi kuchadzorerwa (1-21)

      • “Gomo reMiorivhi richatsemuka nepakati” (4)

      • “Pachava naJehovha mumwe chete, uye achava nezita rimwe chete” (9)

      • Denda richauya pavavengi vaJehovha (12-15)

      • Kuita Mutambo Wematumba (16-19)

      • Hari dzese dzekubikira dzichava tsvene kuna Jehovha (20, 21)