Zvakangoitika Zvega Here?
Natural Systems
Kuyevedza Uye Zvinhu Zvinoshamisa Zvinoitwa Nemhuka—Zvakangoitika Zvega Here?
Mhuka dzinoyevedza uye dzinoita zvinhu zvinoshamisa.
Photosynthesis—Zvakangoitika Zvega Here?
Chii chinonzi photosynthesis, uye inotibatsira sei?
Mashandisiro Anoita Zvinhu Zvipenyu Simba—Zvakangoitika Zvega Here?
Mashandisiro anoita zvinhu zvipenyu simba ane zvaanoratidza here nezvematangiro akaita upenyu?
Zvipuka Zvinobaka Chiedza—Zvakangoitika Zvega Here?
Zvimwe zvipuka zvinobaka chiedza uye zvinoita izvozvo zvisingashandisi simba rakawanda serinoshandiswa nezvinhu zvakagadzirwa nevanhu zvinobaka chiedza. Zvinozviita sei?
Muviri Wemunhu
Kupatsanuka Kunoita Masero—Zvakangoitika Zvega Here?
Mwana ari mudumbu paanenge achikura, masero anoramba achipatsanuka kusvika ava mhando dzinopfuura 200.
Matakurirwo Anoitwa Oxygen—Zvakangoitika Zvega Here?
Dzidza nezvekuti oxygen inopinda sei mumuviri medu uye kuti inoendeswa sei kunhengo dzakasiyana-siyana dzemumuviri medu.
Mhuka Dzisingagari Mumvura
Musinga Wenzou—Zvakangoitika Zvega Here?
Vezvesayenzi vanoshamiswa nezvinokwanisa kuitwa nemusinga wenzou. Ona kuti chii chinoita kuti musinga uyu ukwanise kuita zvinhu izvi zvinoshamisa.
Pfungwa dzeTsindi Dzekunzvimbo Dzine Chando—Zvakangoitika Zvega Here?
Tarisa uone zvainoita kuti pfungwa dzayo dzirambe dzichishanda zvakanaka.
Mvere dzeMbiti Yemugungwa
Dzimwe mhuka dzemumvura dzinotoda mafuta akawanda kuti dzirambe dzichidziyirwa. Asi zvinoitwa nembiti yemugungwa zvakasiyana nezvinoitwa nedzimwe mhuka.
Rurimi Rwekatsi—Zvakangoitika Zvega Here?
Katsi dzinozivikanwa nekugara dzichizvichenesa. Chii chinoita kuti dzikwanise kudaro?
Mashandiro Anoita Ndebvu Dzekatsi
Nei masayendisiti achigadzira michina inoshanda semashandiro endebvu dzekatsi?
Kufembedza Kunoita Imbwa
Zvii zvinoitwa nemhino yembwa zvinoita kuti nyanzvi dzesainzi dzide kuitevedzera pakugadzira zvinhu?
Kushandisa Maungira Kunoita Chiremwaremwa—Zvakangoitika Zvega Here?
Zvingaitika sei kuti mhuka inoona nechimwe chinhu chisiri maziso ayo?
Dzihwa Rinonama reHozhwa
Guruu rakagadzirwa pachitevedzerwa dzihwa rehozhwa rinogona kuzoshandiswa pakuopareta, zvekuti vanachiremba vanenge vasingachasoni vanhu.
Zvisikwa Zvemumvura
Ganda reShark—Zvakangoitika Zvega Here?
Chii chinoita kuti zvipukanana zvisanamira paganda reshark?
Kudzika Pasi Pemvura Kunoita Cuvier’s Beaked Whale—Zvakangoitika Zvega Here?
Mhuka idzi dzinofema oxygen dzinodzika pasi pasi pemvura dzoramba dziripo kwenguva yakareba uye dzinenge dzisingafemi. Dzinozvigona sei izvozvo?
Ganda rePilot Whale Rinozvichenesa Rega
Nemhaka yei makambani ane zvikepe achifarira zvinoitwa nehove iyi?
Kushandisa Maungira Kunoita Dolphin—Zvakangoitika Zvega Here?
Nyanzvi dzesainzi dziri kuedza kutevedzera zvinoitwa nemhuka idzi kuti dzizive zvakadzipoteredza.
Dzihwa reHagfish—Zvakangoitika Zvega Here?
Rinosemesa zvipuka zvinenge zvichida kuidya asi nyanzvi dzesainzi dzinoshamiswa naro. Nemhaka yei?
Ganda reSea-Cucumber
Chii chinoita kuti chipuka ichi chemumvura chikwanise kuchinja ganda racho kuti ripfave kana kuomarara?
Kukandira Kunoita Hove Inonzi Grunion—Zvakangoitika Zvega Here?
Ona kuti kuziva kwainoita nguva uye nzira yekukandira mazai ayo zvinobatsira sei kuti rudzi urwu rwehove rurambe ruripo.
Zvakaita Mazino Ehozhwa Inonzi Limpet
Chii chinoita kuti mazino elimpet asimbe kudaro kutopfuura shinda dzedandemutande?
Guruu reBarnacle
Guruu remabarnacle rinonzi rakasimba chaizvo. Nyanzvi dzesainzi dzakatozozvizivawo munguva shoma yapfuura kuti zvinombofamba sei.
Tutambo Twehozhwa Inonzi Marine Mussel
Hozhwa idzi dzinonamira pazvinhu dzichishandisa tutambo tutete tete. Kunzwisisa mashandiro anoita tutambo utwu kunogona kubatsira pakugadzira zvinhu zvinenge zvichida kunamirwa pazvivako kana kuti pakubatanidza nyama nemabhonzo.
Shepi Yematemhe Ehozhwa
Zvakaita matemhe ehozhwa zvinodzidzivirira.
Kuchinja Mavara Kunoita Cuttlefish
Mainjiniya ari kuedza kutevedzera zvinoitwa necuttlefish nekugadzira hembe dzinokwanisa kuchinja mavara pasina kana sekondi.
Ruoko Runoshamisa rweOctopus
Pavakaongorora ruoko rweoctopus, mainjiniya akabva agadzira ruoko rwerobhoti rwunokwanisa kuita zvakawanda.
Muswe weSeahorse
Seahorse ihove ine muswe unoshamisa uye mainjiniya anoita zverobotics ari kuutevedzera pakugadzira zvinhu.
Kunamira Kunoita Hove Inonzi Remora—Zvakangoitika Zvega Here?
Chii chinoita kuti hove iyi ikwanise kunamirira pane zvimwe zvisikwa zvemugungwa?
Madyiro Anoita Hove Inonzi Manta Ray—Zvakangoitika Zvega Here?
Hove inonzi Manta Ray inosefa sei zvekudya zvayo kubva mumvura?
Shiri
Kurira Kunoita Shiri—Zvakangoitika Zvega Here?
Chii chinoita kuti shiri dzikwanise kurira zvakasiyana-siyana uye zvichinakidza chaizvo?
Rurimi Rweshiri Inonzi Tsodzo—Zvakangoitika Zvega Here?
Kashiri aka kanonwa zvimvura zveruva pasina kana simba rakanoshandisa.
Kudhaivha Kweshiri Inonzi Gannet—Zvakangoitika Zvega Here?
Chii chinoita kuti shiri idzi dzisakuvara nekuzvikanda mumvura zvakasimba kudaro kwadzinoita?
Mavara Eshiri Asingacheneruki
Zvakaita mavara eminhenga yeshiri zviri kubatsira sei pakugadzirwa kwezvinhu zvisingacheneruki?
Mapapiro Ezizi
Zvakaita mapapiro ezizi zvinogona kubatsira pakugadzira magwenya emagetsi asina ruzha paanotenderera.
Kubhururuka Kweshiri Inonzi Bar-Tailed Godwit
Ziva nezveshiri iyi yakabhururuka kwemazuva masere, chinova chinhu chakashamisa vanhu zvikuru.
Panokandirirwa Mazai Neshiri Inonzi Mallee—Zvakangoitika Zvega Here?
Shiri iyi inogadzira pekukandirira mazai panodziya. Inoita sei kuti parambe pachidziya pasinei nekuchinja kunenge kuchiita mwaka?
Mhuka Dzinokandira Mazai
Muswe weChidhambakura | NdiMwari Akasika Here?
Chidhambukura ichi chinojamba sei kubva pasi kuenda kumadziro?
Mazino Egarwe
Mazino aro ane simba kudarika simba remazino eshumba, asi anogona kunzwa chero chinhu chidiki-diki chinenge chaagumha. Rinozviita sei?
Kurira Kwedatya Rinonzi Japanese Tree Frog—Zvakangoitika Zvega Here?
Mikono yemaJapanese Tree Frog inorira sei kuti ikwezve makadzi?
Zvipukanana
Kubhururuka Kunoita Nyuchi—Zvakangoitika Zvega Here?
Chipuka chidiki kudaro chinogona sei kubhururuka kudarika vatyairi vendege?
Kumhara Kunoita Nyuchi
Kumhara kunoita nyuchi kunobatsira sei pakugadzirwa kwemaflying robots?
Nei Masvosve Asingavharirani Nzira Paanofamba?
Masvosve haavharirani nzira paanofamba. Anozviita sei?
Mutsipa Wesvosve
Kapuka aka kanozvigona sei kusimudza zvinhu zvinorema kukadarika?
Kuzvichenesa Kunoita Svosve
Svosve iri rinofanira kugara rakachena kuti rirarame. Rinozviita sei?
Chinoita Kuti Svosve rekuSahara Desert Risatsva Nezuva
Svosve iri rinokwanisa kushingirira kupisa kwezuva kupfuura dzimwe mhuka. Chii chinoita kuti rikwanise kuita izvi?
Upenyu Hwenyenze
Zvipembenene izvi zvinoshamisa. Zvinongooneka kwemavhiki mashoma kamwe chete mumakore 13 kana kuti 17.
Chii Chinoita Kuti Mhashu Dzisabonderana?
Chii chinobatsira mhashu kuti dzisabonderana padzinobhururuka?
Rwendo Runoitwa nemaMonarch Butterfly—Zvakangoitika Zvega Here?
Rwendo rwakaoma runoitwa nemonarch butterfly runoratidza kuti pane akaita kuti zvidaro here?
Mapapiro eCabbage White Butterfly
Mainjiniya akatevedzera chii pamapapiro ecabbage white butterfly zvakavabatsira kuti vagadzire masolar panel anobudisa simba rakawanda?
Zvakaita Goko Rechinyamututa Chinonzi Diabolical Ironclad Beetle—Zvakangoitika Zvega Here?
Chii chinoita kuti chinyamututa ichi chisapwanyika pachinotsimbirirwa nezvinorema?
Mafambiro echiNyamututa
Chinyamututa chinoziva sei kwachiri kuenda? Uye chii chatinogona kudzidza kubva pamafambiro achinoita?
Kubhururuka kweNhunzi Inonzi Fruit Fly
Nhunzi iyi inokwanisa kupidiguka-pidiguka sezvinoita ndege diki dzehondo dzinonzi mafighter jets, uye inokwanisa kuzviita munguva iri pasi pesekondi.
Miti, Maruva Nezvimwewo
Ganda Repomelo Risingatsemuki—Zvakangoitika Zvega Here?
Nyanzvi dzesainzi dziri kuda kushandisa sei ruzivo rwavakawana pakusatsemuka kunoita pomelo?
Ruvara Runopenya rweBlue rwePollia Berry
MaPollia berry haana muto weblue, asi ndiwo chete ane ruvara rweblue runopenya kupfuura rwemimwe michero yese. Chii chinoita kuti ave neruvara rwakadaro?
Kutakurwa Nemhepo Kunoitwa Mhodzi yeDandelion—Zvakangoitika Zvega Here?
Mhodzi yedandelion inotakurwa nemhepo isingashandisi simba rakawanda kupfuura rinoshandiswa nemaparashutu.