Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndinosimukazve

Ndinosimukazve

Dhaunirodha:

  1. 1. Ndakasurukirwa zvisingamboiti.

    Jehovha, chokwadi ndakatadza.

    Handichina simba rekuti ndipfu’rire.

    Mwoyo wangu wazosuwa kumba.

    (KORASI)

    Ndinofunga zvinhu zvamakandidzidzisa—

    Chokwadi chiri muShoko renyu.

    Nyange ndikagumburwa, nyange ndikawa,

    Nd’nosimukazve.

  2. 2. Ndinoziva vanondida,

    Vane hanya neni.

    Vanoda Jehovha zvikuru.

    Shoko renyu rinovhenekera tsoka dzangu,

    Ndidzoke munzira yeupenyu.

    (BHIRIJI)

    Kwese kwand’noenda, nezvandoona, zvinondiyeuchidza:

    Kuguma kwasvika.

    (KORASI)

    Jehovha Mwari, baba, dai mandinzwawo,

    Mandibatsirawo, ndaomerwa.

    Pandinowa kazhinji, munoziva,

    Nd’nosimukazve.

    (BHIRIJI)

    Jehovha anozviziva; ndinomboda kusimudzwa.

    Haangooni kushaya simba kwangu chete.

    Ano’nawo zvand’nogona.

    (KORASI)

    Saka kuImba yoUmambo nhasi nd’ri kuenda,

    Ndidzoke kwangu chaiko.

    Nyange ndikagumburwa, nyange ndikawa, nd’chasimukazve.

    Nd’nosimukazve.