Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Dzidza Ukure

Dzidza Ukure
  1. 1. Tairidzidziswa tichakambaira.

    Nyange taiva vaduku tainzwisisa.

    Baba vairiverenga ndorara.

    Zvino ndareba ndichiri netsika yacho.

    Uye ndiri ndega ndinotora bhuku racho.

    Ndinoyeuka zvarinoti ndinoda kuti ndigosimba.

    (KORASI)

    Dzidza ukure,

    Semuti wasimwa pahova dzemvura.

    Dzidza ukure.

    Hausvavi uye uchabudirira.

    Dzidza ukure,

    Semuti wanyatsodzikisa midzi.

    Dzidza ukure.

    Uchakura zvekusamboona chinhu.

  2. 2. Ndichatii pachamuka mukana,

    Ndikarambira avo ndinodzidza navo?

    Nemashoko ose ari pachena.

    Handityi, ndakazvidzidza ndiri kacheche.

    Kana ndiri ndega, ndinotora bhuku racho.

    Ndinoyeuka zvarinoti ndinoda kuti ndigosimba.

    (KORASI)

    Dzidza ukure,

    Semuti wasimwa pahova dzemvura.

    Dzidza ukure.

    Hausvavi uye uchabudirira.

    Dzidza ukure,

    Semuti wanyatsodzikisa midzi.

    Dzidza ukure.

    Uchakura zvokusamboona chinhu.

    (BHIRIJI)

    Zvose zvandiinazvo

    Zvingangova nechimwe

    Chandinogona kubatsira nacho mumwe munhu.

    (KORASI)

    Dzidza ukure.

    Dzidza ukure.

    Dzidza ukure.

    Dzidza ukure.

    Dzidza ukure,

    Semuti wasimwa pahova dzemvura.

    Dzidza ukure.

    Hausvavi uye uchabudirira.

    Dzidza ukure,

    Semuti wanyatsodzikisa midzi.

    Dzidza ukure.

    Uchakura zvokusamboona chinhu.