Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kudanana Sehama

Kudanana Sehama

Dhaunirodha:

  1. 1. Kwese kwaunoenda, unoita seuri kumba.

    Nekuti kwese ikoko, kune vanhu vaMwari.

    Vanokuda,

    Kukuda,

    Sehama yavo.

    Vanokuda.

  2. 2. Hama nehanzvadzi m’nyika yese,

    Idai Jehovha neMwana wake.

    Vak’pei rudo​—

    Mese muve,

    Rudzi rwune rudo,

    Rwune rudo.

    (KORASI)

    Baba vanotipa tese​—

    Hapana anosiyiwa.

  3. 3. M’sango dema nyange mumakomo,

    Mumaguta ane mari nepazvitsuwa,

    Unodiwa

    Nevanhu vese vaJehovha.

    Vanokuda.

    (KORASI)

    Baba vanotipa tese​—

    Hapana anosiyiwa.

    (BHIRIJI)

    Asi nyika haina rudo​—

    Inotyisa zvechokwadi.

    Tinofara kuziva Mwari

    Wechokwadi nevanhu vake!

  4. 4. Jesu akavadzidzisa kuda.

    Serudzi rumwe vanoratidza rudo

    rwaJehovha​—

    Ndoovanhu vekwako vese ava.

    Vanokuda.

    Vanokuda.