Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndinokupai Zvakanakisisa Zvangu

Ndinokupai Zvakanakisisa Zvangu

Dhaunirodha:

  1. 1. Makatikudza

    Kutipa mwanakomana.

    Tamurera,

    Zvapfuura.

    Tinofadzwa

    Nezvaada.

    Takashandira zviripo.

    (KORASI)

    Kuenda kwake

    Kunorwadza mwoyo.

    Nzvimbo yakachengeteka,

    Iri mumaoko enyu,

    Zvino nariini.

    Nguva ichauya,

    Ndichazorodzwa pamwoyo.

    Ndokupai zvamunoda,

    Zvese zvakanakisisa.

  2. 2. Mwanasikana

    Tinomurera nerudo

    Kwemakore,

    Mumiedzo.

    Zvino ava

    Mudzimai

    Watiri kudada naye.

    (KORASI)

    Kuenda kwake

    Kunorwadza mwoyo

    Nzvimbo yakachengeteka,

    Iri mumaoko enyu,

    Zvino nariini.

    Nguva ichauya,

    Ndichazorodzwa pamwoyo.

    Ndokupai zvamunoda

    Zvese zvakanakisisa.