Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zuva Rimwe Nerimwe Rine Zvaro

Zuva Rimwe Nerimwe Rine Zvaro

Dhaunirodha:

  1. 1. Paradhiso ichauya, ndinozviziva,

    Uye ndinonyatsobvuma, zvinhu zvichanaka.

    Asi pane dzimwe nguva,

    Ndinombotadza kuona,

    Kuti Mwari anondida, pandinenge ndapererwa.

    As’ iye ari pedyo.

    (KORASI)

    Ndinonyengetera nd’chichema.

    Pfungwa dzikashushikana,

    Ndinotarisa kwaari.

    Handisi ndega; iye aripo.

    Ndine mashoko ake

    Nehama dzinondida.

    Zuva rimwe nerimwe rine zvaro.

    Nhasi nd’nofunga zvanhasi,

    Ndoona zvamangwana mangwana.

    Ndinogadzikana

    Zuva nezuva.

  2. 2. Inzwa zvandinokuudza;

    Ziva ndinokuda.

    Tarisa zvakanaka,

    Kwete nhamo dzeupenyu.

    Zvipo zvaMwari funga.

    Mwana wake akakupa.

    Usazeze; vimba naye;

    Akatipa tirarame.

    Saka usambotya.

    (KORASI)

    Nyengetera; muudze.

    Pfungwa dzikashushikana,

    Titarise kwaari.

    Hatisi tega; iye aripo.

    Tine mashoko ake

    Nehama dzinotida.

    Zuva rimwe nerimwe rine zvaro.

    Nhasi funga zvanhasi,

    Uone zvamangwana mangwana.

    Tinogadzikana

    Zuva nezuva.

    KORASI)

    Nyengetera; muudze.

    Pfungwa dzikashushikana,

    Titarise kwaari.

    Hatisi tega; iye aripo.

    Tine mashoko ake

    Nehama dzinotida.

    Zuva rimwe nerimwe rine zvaro.

    Nhasi funga zvanhasi;

    Uone zvamangwana mangwana;

    Tinogadzikana

    Zuva nezuva​—

    Zuva nezuva.