Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndinotenda Nezvakasikwa naMwari

Ndinotenda Nezvakasikwa naMwari

Dhaunirodha:

  1. 1. Maruva ’kanaka pachikomo,

    Nemakomo kure, mhepo ichivhuvhuta,

    Inzwa kudziya kwekamushana,

    Makore neshiri, zvichipesana—

    (SUMO YEKORASI)

    Ndimbori ani

    Kuona zvese izvi?

    Ndinoitei

    Kuti nditendewo?

    (KORASI)

    Ndinoda kutenda,

    She Jehovha nd’chiti:

    ‘Ndinotenda

    Munotida kwazvo.’

    Ndinomira,

    Ndotarisa, nd’chimbodzamisa pfungwa.

    Handiregi kutenda zvaakaita.

    Ndinoda kutenda.

    Ndinoda kutenda.

  2. 2. Denga rinotsvuka, zuva rorereka.

    Ndogutsikana, ibasa renyanzvi!

    Usiku tinonzwa karwiyo kerwizi,

    Mwedzi nenyeredzi zvinotamba mimhanzi—

    (SUMO YEKORASI)

    Ndimbori ani

    Kuona zvese izvi?

    Ndoda kuratidza

    Zvakandikoshera.

    (KORASI)

    Ndinoda kutenda,

    She Jehovha nd’chiti:

    ‘Ndinotenda

    Munotida kwazvo.’

    Ndinomira,

    Ndotarisa, nd’chimbodzamisa pfungwa.

    Handiregi kutenda zvaakaita.

    Ndinoda kutenda.

    (BHIRIJI)

    Uchenjeri hwenyu, simba,

    Kunaka mune zvose,

    Nerudo rwenyu—

    Ndinopererwa;

    Ndichapa kutenda.

    (KORASI)

    Ndinoda kutenda,

    She Jehovha nd’chiti:

    ‘Ndinotenda

    Munotida kwazvo.’

    Ndinomira,

    Ndotarisa, nd’chimbodzamisa pfungwa.

    Handiregi kutenda zvaakaita.

    Ndinopa kutenda.

    Ndinopa kutenda.

    Ngatitendeiwo.