Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha Anomira Nesu

Jehovha Anomira Nesu

Dhaunirodha:

  1. 1. Ndaimbonzwa ndichitya,

    Ndichinzwa ndisingambokoshi,

    Pasin’ anonditarisa.

    Iye zvino ndashinga.

    Akanditi, ‘Vimba neni.

    Nd’chakurwira ndirini.’

    Inini, anondida.

    (KORASI)

    Akandipa ushingi

    Ndisina kusimba,

    Ushingi ndisina inzwi,

    Ushingi kwakati ndo-o,

    Kushinga kusimuka,

    Kushinga kusatiza,

    Kushinga zvekubvuma kufa.

    Jehovh’ anomira neni.

    Anofamba neni

    Kuti ndione

    Kut’ akarurama.

    Ondibatsira,

    Ndisanetseke

    Zvandaita ndizvo.

  2. 2. Haakusii.

    Nyange kure nekumba,

    Achakutungamirira.

    Achakusimudza

    Nyange paunoti ndazvitadza

    Achakusimbisa.

    (KORASI)

    Achakupa

    Ushingi usina kusimba,

    Ushingi usina inzwi,

    Kushinga kwakasviba,

    Kushinga kusimuka,

    Kushinga kusatiza,

    Kushinga zvekubvuma kufa.

    Jehovh’ anomira nesu—

    Nguva dzese.

    Jehovh’ anomira nesu.

    Anofamba nesu

    Kuti tione

    Kut’ akarurama.

    Jehovh’ anomira nesu.

    Otibatsira,

    Tisanetseke

    Zvataita ndizvo.

    (KORASI)

    ’kandipa

    Ushingi ndisina kusimba,

    Ushingi ndisina inzwi,

    Ushingi kwakati ndo-o,

    Kushinga kusimuka,

    Kushinga kusatiza,

    Kushinga zvekubvuma kufa.

    Jehovh’ anomira nesu—

    Nguva, dzese.

    Jehovh’ anomira nesu—

    Nguva, dzese.

    Jehovh’ anomira nesu.