Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nyatsozvibvuma

Nyatsozvibvuma

Dhaunirodha:

  1. 1. Unonyengetera,

    Unoparidza,

    Wakavimbika pane zvese.

    Zvinokunetsa tingasazviona,

    Asi Jehovha anozviona.

    (SUMO YEKORASI)

    Pavanokuendesa kumatare,

    Hausi wega.

    Unotikurudzira tese,

    Mwari anewe.

    (KORASI)

    ‘Ndine chokwadi

    Rufu kana hurumende hazvivhari rudo rwaJah.’

    ‘Ndine chokwadi

    Rufu kana upenyu hazvivhari rudo rwaJah.’

    Nyatsozvibvuma.

    Mwari anokuda.

  2. 2. Wakatendeka,

    Hautsauke,

    Unovimba naJah

    Mumiedzo.

    Nyangwe vavengi vakarwisa shoko,

    Vari kwauri vakawanda.

    (SUMO YEKORASI)

    Pavanokuendesa kumatare,

    Hausi wega.

    Unotikurudzira tese,

    Mwari anewe.

    (KORASI)

    ‘Ndine chokwadi

    Rufu kana hurumende hazvivhari rudo rwaJah.’

    ‘Ndine chokwadi

    Rufu kana upenyu hazvivhari rudo rwaJah.’

    Nyatsozvibvuma

    Mwari anokuda.

    Anokuda.

    (BHIRIJI)

    Zvakanyorwa: ‘Uchatambudzirwa kumuda’

    Oo-o, Mwari wako.

    ‘Nyangwe zvakadaro, zvese izvi unozvikunda’

    Oo-o, unokunda.