Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chengetedza Pfungwa Dzako

Chengetedza Pfungwa Dzako

Dhaunirodha:

  1. 1. Ndoda kui-ta zvakanaka

    Asi ndino mbozvibvunza

    Iniwo nezvandiri

    Ndingazvigona here?

    Usiku ndonyengetera

    Nekuti makanditi ndidaro

    Pandinombo netseka,

    baba m’nondiudza kuti

    (KORASI)

    Ndichengetedze pfungwa nemwoyo

    Ndingofunga zvakanaka,

    Ndosiyana nekuzvishora

    Nd’chachengete__dza pfungwa nemwoyo,

  2. 2. Ndoda kui-ta zvamunoda

    Asi ndoneta pandinoti

    Hupenyu hwakaoma

    Mungade’iwo pandiri

    Asi ndobu-da ndoenda

    Ndoudza vamwe nezveumambo

    Handikundwi ne k’suwa

    Jehovha, m’nondisimbisa.

    (KORASI)

    Nd’chachengetedza pfungwa nemwoyo

    Ndongofunga zvakanaka.

    Ndosiyana nekuzvishora

    Nd’chachengetedza pfungwa nemwoyo

    Ndowana mfa__ro

    (BHIRIJI)

    Ndicharamba nd’chirwisana

    Nepfungwa dzinoo-dza mwoyo

    Handichatyi, handinetseki.

    Jehovha, ndimi makandisimu__dza

    Oh____, Ma__ka__ndi__simu__dza.

    (KORASI)

    Nd’chachengetedza pfungwa nemwoyo

    Ndongofunga zvakanaka.

    Ndosiyana nekuzvishora.

    Nd’chachengetedza pfungwa nemwoyo.