Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha Aneni

Jehovha Aneni

Jehovha Aneni

Dhaunirodha:

Mashoko Emushauri

1. Zuva parabuda ndagadzirira.

Ndikanyengetera ivai neni.

Vakatotiudza, musaparidza.

Ndinosarudza kutya Mwari.

(KORASI)

Kunge rwizi, mwoyo wangu uzere nerugare.

Mwari wangu aneni, handingambotyi.

Mwari wangu aneni, handingambotyi.

2. Ndadzoka kumba ndofunga ranhasi.

Pane wandaona afarira.

Ndibatsirei ndigomuonazve.

Anzwewo chokwadi chinonyaradza.

(KORASI)

Kunge rwizi, mwoyo wangu uzere nerugare.

Mwari wangu aneni, handingambotyi.

Mwari wangu aneni, handingambotyi.

(BHIRIJI)

Sekunge moto mumwoyo mangu,

Mashoko ake, ndoparidza.

Zita rake ndichazivisa.

Ndichatsunga kusvika pamugumo.

Hama dzangu dziri kurwisawo.

Kutenda kwangu, ndosimbisa.

Ndovimba naJah, ndomuimbira,

Nyika itsva yatova pedyo.

3. Ndakunorara ndonyengetera,

Ndinotenda kuti ndachengetwa.

Mangwana kunei, handizivi,

Asi Mwari haambondisiyi.

(KORASI)

Kunge rwizi, mwoyo wangu uzere nerugare.

Mwari wangu aneni, handingambotyi.

Mwari wangu aneni, handingambotyi.