Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndingaenda Kuna Ani?

Ndingaenda Kuna Ani?

Dhaunirodha:

  1. 1. Nyika ino yaoma,

    Asi ndina Jesu.

    Anondifudza,

    Ndonzwa kuzorodzwa.

    Ndinovimba naye,

    Ndonzwa inzwi rake.

    Ofamba mberi,

    Handimborasiki.

    (SUMO YEKORASI)

    Handingambote’reri

    Inzwi randisingazivi.

    Handidi kubviswa,

    Munzira yeupenyu

    (KORASI)

    Ndingaenda kuna’ni,

    Kune mashoko eupenyu?

    Ndingenda kuna’ni?

    Pane ‘nzwi randanzwa,

    Rati buda mudanga.

    Harisi raJesu, hand’budi.

  2. 2. Ndakachengeteka

    Mumapapiro ake,

    Jehovha Mwari, makaita henyu.

    Mwana wenyu ndiye

    Nzira neupenyu,

    Ane hanya neni,

    Nehama dzese.

    (SUMO YEKORASI)

    Handingacheuki

    Panodaidzira muvengi.

    Handidi kutsauswa

    Ndine mufudzi mumwe

    (KORASI)

    Ndingaenda kuna’ni,

    Kune mashoko eupenyu?

    Ndingaenda kuna’ni?

    Pane’nzwi randanzwa,

    Rati buda m’danga.

    Harisi raJesu, hand’budi.

    (KORASI)

    Ndingaenda kuna’ni,

    Kune mashoko eupenyu?

    Ndingaenda kuna’ni?

    Pane’nzwi randanzwa,

    Rati buda m’danga.

    Harisi raJesu, hand’budi.

    Ndingaenda kuna’ni?

    Mune mashoko asingaperi-peri.