Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Tumari Tuviri Tudiki”

“Tumari Tuviri Tudiki”

Dhaunirodha:

  1. 1. Pamwoyo

    Anodawo kupa.

    Paanouya,

    Ane tumari twake tuviri.

    Anoona,

    Vamwe vane zvizhinji.

    Jehovha ‘chatambira

    Chipo cha’uya nacho here?

    (KORASI)

    Ingava pfuma,

    Simba kana nguva.

    Jah anoona chipo chako.

    Zvingava zvishoma,

    Ipa zvaunazvo.

    Ukapa nemwoyo wese,

    Uchafara.

  2. 2. Pavanoona

    Achipa chipo chake.

    Vamwe vangaona

    Sechisingambokoshi kuna Jah.

    Iye anofara,

    Nyange chiri chidiki.

    Mukuona kwaMwari,

    Apa kutopfuura vese.

    (KORASI)

    Ingava pfuma,

    Simba kana nguva.

    Jah anoona chipo chako.

    Zvingava zvishoma

    Ipa zvaunazvo.

    Ukapa nemwoyo wese,

    Uchafara.

    (BHIRIJI)

    Anokoshesa zvatinogona.

    Anoziva zvatiri pamwoyo.

    Haatienzanisi.

    (KORASI)

    Ingava pfuma,

    Simba kana nguva.

    Jah anoona chipo chako.

    Zvingava zvishoma,

    Ipa zvaunazvo.

    Tikapa nemwoyo wese,

    Tichafara.

    Tisambozvienzanisa.