Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Harinonoki!” (Rwiyo Rwegungano ra2023)

“Harinonoki!” (Rwiyo Rwegungano ra2023)

(Habhakuki 2:3)

Dhaunirodha:

  1. 1. Zvamakasika, zvinoshamisa.

    Zvotidzidzisa nezvekumirira.

    Nyika yaora, asi hatityi.

    Ichava itsva panguva chaiyo.

    (KORASI)

    Baba, tamirira nemwoyo murefu,

    Kuona paradhiso.

    Tishingiseiwo, tisaora mwoyo.

    Zuva renyu rasvika,

    ‘Harinonoki!’

  2. 2. Baba tasuwa vakafa vedu.

    Muchashevedza vokupindurai.

    Munovasuwa, muchavamutsa.

    Tizadzeiwo nemwoyo murefu.

    (KORASI)

    Baba, tamirira nemwoyo murefu,

    Kuona paradhiso.

    Tishingiseiwo, tisaora mwoyo.

    Zuva renyu rasvika,

    ‘Harinonoki!’

  3. 3. Muri kutsvaga, vanhu vasara.

    Movapa mukana wekuti vapone.

    Toshanda nemi, tovadzidzisa.

    Tibatsirei, tivanzwire tsitsi.

    (KORASI)

    Baba, tamirira nemwoyo murefu,

    Kuona paradhiso.

    Tishingiseiwo, tisaora mwoyo.

    Zuva renyu rasvika,

    ‘Harinonoki!’

    Baba, takamirira!

(Onawo VaK. 1:11.)