Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Upenyu Muparadhiso”

“Upenyu Muparadhiso”

Dhaunirodha:

  1. 1. Ndoona denga rinoyevedza, rinoshamisa kwazvo

    Ndingatyeiko, shamwari dziripo

    Huya ngatifarewo.

    Hande pam’soro pegomo tinonakidzwa.

    Zvipo zvatinazvo zvese Mwari atipa

    (SUMO YEKORASI)

    Asi zvino tamirira zuva

    (KORASI)

    Ratichanyatsoimba nemufaro pachaguma nyika.

    Jehovha paachatipa zvese zva’kavimbisa

    M’paradhiso!

  2. 2. Tinovaka nekudyara miti, ta’kutangazve patsva.

    Pasi rese vanhu vari kufara ndinonzwa ndazorodzwa.

    Tine misodzi yemfaro kwete yekutya

    Paradhiso yatosvika, mirira zuva

    (KORASI)

    Ratichanyatsoimba nemufaro pachaguma nyika.

    Jehovha paachatipa zvese zva’kavimbisa

    M’paradhiso!

    (BHIRIJI)

    Ndogara, ndichingofunga nezvaro zuva‘ri.

    Tawana upenyu hwataimirira hwasvika

    (KORASI)

    Patichanyatsoimba nemufaro pachaguma nyika.

    Jehovha paachatipa zvese zva’kavimbisa

    (KORASI)

    Tichanyatsoimba nemufaro pachaguma nyika.

    Jehovha paachatipa zvese zva’kavimbisa

    M’paradhiso!

    (MASHOKO EKUPEDZISIRA)

    Tawana—upenyu

    Chaihwo.

    Tawana—upenyu

    Chaihwo.

    Tawana—upenyu

    Chaihwo.

    Tawana—upenyu

    Chaihwo.