Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mishonga Yemakwenzi—Inogona Kukubatsira Here?

Mishonga Yemakwenzi—Inogona Kukubatsira Here?

Mishonga Yemakwenzi—Inogona Kukubatsira Here?

KUBVIRA makarekare mishonga yemakwenzi yaishandiswa kurapa zvirwere. Mapepa ePapyrus aEbers, akanyorwa muIjipiti munenge muzana remakore rechi16 B.C.E., ane mazana emishonga yevanhu yaishandisirwa zvirwere zvakasiyana-siyana. Zvisinei, kazhinji mishonga yemakwenzi yaitsanangurirwa chizvarwa chimwe nechimwe nomuromo.

Kurapa nemakwenzi kwokuMadokero kunoita sekwakatanga nebasa romurapi wechiGiriki womuzana remakore rokutanga Dioscorides, uyo akanyora De Materia Medica. Rakava bhuku remishonga yokurapa raidarika ose kwemakore 1 600 akatevera. Munzvimbo dzakawanda dzenyika, mishonga yemakwenzi yekare ichiri kushandiswa. MuGermany, masangano ehurumende okuyamura pakurapwa anogona kutobhadhara munhu mari yemishonga yemakwenzi yaanenge anzi ashandise nachiremba.

Kunyange zvazvo dzimwe nguva zvichinzi mishonga yemakwenzi yagara ichishandiswa iyo vanhu vanoziva iri nani pane mishonga yemazuva ano yokurapa, naiyowo ine njodzi dzayowo. Saka mibvunzo inomutswa yokuti: Mazano api okushandisa uye zvii zvokungwarira zvinofanira kufungwa nomunhu paanenge achida kushandisa mishonga yemakwenzi? Uye pane mamiriro api neapi ezvinhu here ayo mamwe marapiro angava akanaka zvikuru kudarika mamwe? *

Kubatsira Kungaita Mishonga Yemakwenzi

Mishonga yemakwenzi inozivikanwa kuti inorapa nenzira dzakasiyana-siyana. Imwe inofungidzirwa kuti inobatsira muviri kurwisa zvirwere. Mimwe yacho inonzi inobatsira kugaya zvokudya, kurapa tsinga, inobatsira kurapa mudumbu, kana kudzora uwandu nemashandiro emakemikari omumuviri.

Mishonga yemakwenzi ingave nezvinovaka muviri pamwe nokurapa. Somuenzaniso, imwe miti inobatsira kuti muviri urase mvura, yakadai separsley, inewo chitsama chepotassium. Potassium yacho iri mumuriwo uyu inotsiva iya inokosha inenge yabuda pakurasa mvura kwomuviri. Saizvozvowo, muti unonzi valerian (Valeriana officinalis), wakashandiswa kubva kare kurapa kuvhunduka, une calcium yakawanda. Calcium yacho inogona kuita kuti mushonga wacho uwedzere kuderedza kuvhunduka.

Mashandisirwo Angaitwa Mishonga Yemakwenzi

Mishonga yemakwenzi inogona kushandiswa nenzira dzakawanda, zvakadai sokuisa mutii, kuuvirisa mumvura, unogadzirwa nezvinodhaka, uye unoiswa panenge pachirwadza. Yetii inogadzirwa nokudira mvura iri kuvira mumushonga wacho. Asi nyanzvi dzinoyambira kuti mishonga yemakwenzi inoshandiswa setii kazhinji kacho haifaniri kuviriswa mumvura. Yokuvirisa, inogadzirwa nezvinhu zvakadai semidzi yemakwenzi nemakwati, inoviriswa mumvura kuti ibudise muto wayo unorapa.

Zvakadini neiya inoiswa muzvinwiwa zvinodhaka? Rimwe bhuku rinotaura kuti iyi “mishonga inogadzirwa nedoro risina kuwedzerwa zvimwe kana kuti rakasanganiswa nezvimwe, kana brandy, kana vodka.” Kunozoitawo inoiswa panenge pachirwadza, iyo inogona kugadzirwa nenzira dzakasiyana-siyana. Inowanzoiswa panhengo dzomuviri dzinenge dzine chirwere kana dzinenge dzichirwadza.

Kusiyana nemavhitaminzi akawanda nemishonga, mishonga yakawanda yemakwenzi inoshandiswa sezvokudya uye inowanzodyiwa iri yoga. Inogonawo kudyiwa yakaputirwa, izvo zvingava nyore uye zvakati rerukei. Kana ukasarudza kushandisa mishonga yemakwenzi, kuchenjera kuishandisa uchitungamirirwa nenyanzvi.

Kubvira kare, mishonga yemakwenzi yange ichishandiswa muzvirwere zvakadai sechikosoro, chirungurira, kufufutirwa, kushaya hope, uye zvokumira mwoyo. Zvisinei, dzimwe nguva makwenzi anoshandiswawo kuzvirwere zvakakomba kwazvo—kwete kuzvirapa chete asiwo kuzvidzivirira. Somuenzaniso, muGermany neAustria, mushonga wegwenzi unonzi palmetto (Serenoa repens) unoshandiswa somushonga wokutanga pakurapa prostatic hyperplasia isiri yekenza (kuzvimba kweprostate gland). Mudzimwe nyika chirwere ichi chinozobata varume 50 kusvika ku60 muzana. Zvisinei, zvinokosha kuti kuzvimba kwacho kuongororwe nachiremba kuti pave nechokwadi chokuti chirwere chacho hachidi here kunyatsorapwa, sekenza.

Zvimwe Zvokungwarira

Kunyange zvazvo mushonga wemakwenzi ungaoneka sousina ngozi munzvimbo dzakawanda, zvinokurudzirwa kungwarira. Usarege kungwarira nokuti mushonga wacho wakanyorwa kuti “ndewomusango.” Imwe enisaikoropidhiya panyaya yemishonga yemakwenzi inoti: “Chinhu chisingafadzi panyaya yacho ndechokuti mamwe makwenzi ane ngozi zvachose. [Zvinosuwisa ndezvokuti] vamwe vanhu havambofungisisi kuti mushonga ungava nengozi here kana kuti kwete.” Makemikari ari mumakwenzi anogona kuchinja kurova kwemwoyo, kufamba kweropa, uye uwandu hweshuga. Saka, vanhu vane zvinetso zvemwoyo, zveBP yakakwirira, kana vane zvirwere zveshuga muropa vanofanira kungwarira zvikuru.

Zvisinei, zvakaipira makwenzi zvinooneka pazvirwere zvinomuka kana usingawirirani nawo. Izvi zvinosanganisira kutema kwemisoro, kuneta, kumira mwoyo, kana mapundu. Mishonga yemakwenzi inonziwo inotanga “dambudziko rokuti hosha isapora” nokukonzera zviratidzo zvinenge zvechikosoro kana zvimwe. Munhu anenge achishandisa mishonga yemakwenzi angaita seanotowedzera kurwara asati ava nani. Zvinowanzonzi izvi zvinokonzerwa netsvina ine chepfu inenge ichibudiswa mumuviri panotanga kushanda mishonga yemakwenzi mukurapa.

Kuuraya kunomboita mimwe mishonga yemakwenzi kunongoratidza kuti zvinoda kungwarira uye kubatsirwa nomunhu ane ruzivo. Somuenzaniso, mushonga wegwenzi rinonzi ephedra, unowanzoshandiswa kuitira kuderedza uremu, unogonawo kukwidza BP. Nzufu dzinodarika 100 dzakashumwa muUnited States dzinonzi dzakakonzerwa nemishonga yeephedra, kunyange zvazvo muongorori wezvirwere kuSan Francisco anonzi Steven Karch achiti: “Vanhu chete vandinoziva vakafa [vakashandisa ephedra], vakanga vaine zvirwere zvemwoyo kana kuti vakashandisa wakawandisa.”

Dr. Logan Chamberlain, munyori webhuku remishonga yemakwenzi, anoti: “Mushumo unenge wose mumakore achangodarika wokukuvadza kwemishonga yemakwenzi waiva wevanhu vasina kutevedzera mashandisirwo ayo. . . . Uwandu hunorayirwa kushandiswa pamishonga inovimbwa haukuvadzi uye hunotochengetedza. Usaita zvokufungidzira uwandu hwacho kutoti wapiwa mazano akanaka nenyanzvi yezvemishonga yemakwenzi yakadzidziswa.”

Nyanzvi yemishonga yemakwenzi Linda Page anonyevera kuti: “Kunyange pakurwarisa, uwandu hune mwero ndihwo hunofanira kushandiswa, kwete kuwanzisa. Mugumisiro uri nani kwazvo unogona kuwanwa nokuzvipa nguva yakawanda uye kuzvirapa zvishoma nezvishoma. Zvinotora nguva kuita kuti pavezve noutano hwakanaka.”

Rimwe bhuku remakwenzi rinotsanangura kuti mimwe mishonga yemakwenzi inoramba yoga kuti munhu ashandise wakawandisa. Somuenzaniso, mumwe mushonga unoshandiswa kunyevenutsa muviri unorutsisa kana ukashandiswa wakawandisa. Zvisinei, kunyange zvazvo izvi zvisingaitwi nemishonga yose, hazvirevi kuti hazvikoshi kutevedzera uwandu husingakuvadzi.

Kunyange zvakadaro, vakawanda vanofunga kuti, kuti mushonga ushande, uwandu hwakakwana hunofanira kushandiswa nenzira yakakodzera. Dzimwe nguva, nzira chete yokuita kudaro ndeyokushandisa mushoma. Izvi ndizvo zvinoita ginkgo biloba, mushonga wave nenguva uchishandiswa kuwedzera kuyeuka uye kufamba kweropa, sezvo mashizha akawanda kwazvo achidiwa pakurapa kumwe chete.

Kusanganisa Mishonga Kunogona Kukuvadza

Mishonga yemakwenzi ingashanda pamwe chete nemishonga yokuchipatara munzira dzakasiyana-siyana. Somuenzaniso, inogona kuwedzera kana kuderedza kushanda kwomushonga wacho, ichiita kuti ubude mumuviri nokukurumidza kudarika zvakajairika, kana kuwedzera zvimwewo zvisina kunaka. Mushonga unonzi St. John’s wort, unowanzokurudzirwa navanachiremba muGermany nokuda kwokuora mwoyo zvishoma kusvika pakuora mwoyo kwepakati nepakati, unobudisa mishonga yakawanda mumuviri nokukurumidza zvikuru, nokudaro uchideredza simba rayo. Saka kana uchishandisa mushonga wokunyorerwa nachiremba, kusanganisira mapiritsi okuronga mhuri, bvunza chiremba wako usati washandisa mishonga yemakwenzi.

Rimwe bhuku rinotaura nezvokurapa kwemishonga yemakwenzi rinoti: “Doro, mbanje, cocaine, nemimwe mishonga inochinja pfungwa uye fodya zvinogona kukonzera zvimwe zvingatovhiringidza upenyu kana zvikasanganiswa nemishonga yokunyorerwa navanachiremba. . . . Njere dzinokubatsira kurega kushandisa [zvinodhaka zvakadaro], zvikurukuru pakurwara.” Uyewo, vakadzi vane pamuviri navanamai vanoyamwisa vanofanira kufungisisa zano iri. Zvechokwadi, kana iri fodya nezvimwe zvinodhaka, vaKristu vanodzivirirwa nokuteerera murayiro weBhaibheri wokuti vazvichenese “pazvinosvibisa nyama nomudzimu zvose.”—2 VaKorinde 7:1.

Maererano nemishonga yemakwenzi pachayo, rimwe bhuku rinopa yambiro iyi: “Kana ukabatwa nepamuviri uchishandisa mishonga yemakwenzi, udza chiremba wako uye rega kuushandisa kuzosvikira wakurukura naye nezvazvo. Edza kuyeuka uwandu chaihwo uye kuti wakashandisa mushonga wacho kwenguva yakareba zvakadini.”

“Njodzi dzokuzvirapa [nemishonga yemakwenzi] dzakawanda,” inodaro enisaikoropidhiya yemishonga yemakwenzi. Mubhokisi rinotevera rinoti, “Njodzi Dzokuzvirapa,” uchawana mashoko ane chitsama enjodzi dzinogona kuvapo dzine chokuita nemishonga yemakwenzi.

Kungofanana nezvigadzirwa zvose zvoutano, mishonga yemakwenzi inofanira kushandiswa nokungwarira, ruzivo uye zvechokwadi, zvine mwero—uye yeuka kuti zvimwe zvinhu hazvirapiki pari zvino. VaKristu vechokwadi vanotarisira mberi kunguva iyo honzeri chaiyo yokurwara norufu—kusakwana kwatakagara nhaka kuvabereki vedu vokutanga—ichabviswa zvachose mukutonga kwakanaka kwoUmambo hwaMwari.—VaRoma 5:12; Zvakazarurwa 21:3, 4.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 Mukai! haisi magazini yokurapa nokudaro haina marapiro ainokurudzira kuti ashandiswe kana zvokudya, mishonga yemakwenzi kana zvimwewo. Mashoko ari munyaya ino ndeokuti munhu angozivawo. Vaverengi vanofanira kuzvisarudzira voga nyaya dzoutano uye dzokurapa.