Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chikwereti Chehope—Chinetso Chiri Kuwedzera Here?

Chikwereti Chehope—Chinetso Chiri Kuwedzera Here?

Chikwereti Chehope—Chinetso Chiri Kuwedzera Here?

MAMIRIYONI evanhu nhasi ane “chikwereti” chikuru. Chikwereti ichi chinogona kunge chiri icho chinonyanya kuparadza motokari dzavo, kukanganisa mabasa avo, uye kunyange kutoparadza mhuri dzavo. Chinogona kukanganisa utano hwavo noupenyu hwavo zvakakomba. Chikwereti ichi chinowedzera kukanganisa muviri pakuzvidzivirira pazvirwere, chichiita kuti munhu asagona kuzvidzivirira pazvirwere zvakasiyana-siyana. Zvirwere zvakasiyana-siyana zvakadai sechirwere cheshuga, chirwere chemwoyo, uye kufutisa, nezvimwewo zvinetso zvoutano, zvinonzi zvine chokuita nacho. Asi, vanacho havazivi kuti vane chikwereti ichi.

Chikwereti chehope ndicho muparanzvongo, icho chinovapo munhu paanotadza kurara zvakakwana sezvinodiwa kuti ave noutano hwakanaka. Izvi zvinogona kukonzerwa nokuzvitadzisa kurara nemhaka yemararamiro omunhu kana kuti nokutadziswa kurara nokurwara.

Vanachiremba vanofungidzira kuti vanhu vose kupota pasi iye zvino, paavhareji, vanorara nguva shoma pane inodiwa neawa imwe usiku hwoga hwoga. Kunyange izvi zvingaratidzika sechinhu chiduku, chikwereti chemaawa mabhiriyoni matanhatu usiku hwoga hwoga chakakurudzira kuwedzera kuongorora zvirwere zvakasiyana-siyana zvine chokuita nokurara uye zvazvinoita muupenyu.

Vanachiremba vaimboona dambudziko rokushaya hope sechirwere chimwe chete bedzi, chinowanzonzi insomnia. Zvisinei, boka revatsvakurudzi rakatumwa neUnited States Congress rakawana zvirwere zvokushaya hope zvakasiyana-siyana zvinokwana 17. Chero zvazviri, chirwere chokushaya hope chinokonzerwa nezvakawanda chaizvo zvokuti chinowanzoonekwa sechiratidzo chezvimwe zvirwere, sezvinongoitawo fivha inoratidza kuti muviri wava nechimwe chirwere.

Kunyange kumbotadza kurara apo neapo kunogona kuva nengozi. Chimbofunga nezvaTom. Kunyange zvazvo akanga agara nebasa rokutyaira rori, akabuda mumugwagwa nerori rake remavhiri 18, richirasa marita 400 esulfuric acid mumugwagwa mukuru. Tom anobvuma kuti: “Ndakarara.” Kubva mukuongorora kwakaitwa migwagwa mikuru miviri yokuUnited States zvakafungidzirwa kuti vatyairi vaitsumwaira vaikonzera tsaona dzinouraya dzinenge 50 muzana.

Fungawo nezvenjodzi dzingaitika pabasa uchishanda nomunhu ane hope. Mumwe mutsvakurudzi wokuAustralia anonzi Ann Williamson anoti vanhu vakaongororwa “vapedza maawa 17 kusvika ku19 vasina kurara, vakaedzwa vakaonekwa vachingoita sevanhu vanwa doro [rinosvika 0,05 muzana muropa] kana kuti kutopfuura.” Nemamwe mashoko, vakaongororwa vacho vaingoita sevakanga vanwa doro kusvika pamwero usingabvumirwi mutyairi mune dzimwe nyika kana kuti kutopfuura! Mazana ezviuru zvetsaona dzemotokari nedzinoitika pamabasa gore negore dzinokonzerwa nokurara, dzinokonzera kurasikirwa kukuru kwenyika yose nemhuri. *

Zvii zvingakonzera chikwereti chehope? Chimwe chacho itsika yevanhu inowanzonzi 24/7—kushanda kwemaawa 24 pazuva, mazuva manomwe pavhiki. USA Today inorondedzera izvi se“kudengenyeka kwetsika kuri kuchinja mararamiro edu,” ichitiwo “vanhu vanotengesa masikati nousiku uye vanoita mamwe mabasa vari kuwedzera vari kuwana mari nokusambozvipa nguva yokurara.” Munyika dzakawanda vanhu vanoona mapurogiramu anobudiswa paterevhizheni usiku hwose uye vanoshandisa Indaneti pavanofanira kunge vakarara. Kunewo dambudziko rokusagadzikana mupfungwa, kazhinji rinosanganisira kufunganya kunowedzerwa nokuwandirwa mupfungwa uye noupenyu hwokumhanya-mhanya. Pakupedzisira, kune zvirwere zvakasiyana-siyana zvinogona kukonzera chikwereti chehope.

Vanachiremba vakawanda vanotaura kuoma kwazvakaita kuita kuti varwere vavo vaone chikwereti chehope sechinetso chakakomba. Mumwe chiremba akachema-chema achiti vamwe vanotoona kugara vakaneta “sokunodadisa.” Uye nemhaka yokuti kazhinji dambudziko ravo rinokura zvishoma nezvishoma zvikuru, vanhu vasingarari zvakakwana vangasaziva kuti vane chirwere chakakomba chokusarara. Vakawanda vangati, ‘kwangovawo kukwegura’ kana kuti, ‘zvinodiwa noupenyu handichazvigoni, saka dzimwe nguva ndinombogumirwa’ kana kuti, ‘ndinogara ndakaneta nokuti handimbogoni kuwana zororo rakareba randinofanira kuwana.’

Kubhadhara chikwereti ichi chehope kwakaoma. Asi kunzwisisa kuti kurara kwakakwana nguva dzose kunoshanda sei uye kudzidza kuziva zviratidzo zvechikwereti chehope kunogona kukurudzira kuchinja. Kuziva zviratidzo zvechirwere chehope chakakomba kunogona kuponesa upenyu.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 7 Kuneta kunofungidzirwa kuti ndiko kwakakonzera tsaona dzakawanda dzakaipisisa dzomuzana remakore rechi20. Ona Mukai! yaFebruary 8, 2001, peji 19.

[Mufananidzo uri papeji 22]

Kunyange kumbotadza kurara apo neapo kunogona kukonzera tsaona dzakakomba