Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Hondo Yenyukireya—Inogona Kudzivisika Here?

Hondo Yenyukireya—Inogona Kudzivisika Here?

Hondo Yenyukireya—Inogona Kudzivisika Here?

“Vachafura nokuvata pasi, hakuna ungazovatyisa.”—Zefania 3:13.

MUNHU wose anoda kwazvo nyika isina mukana wokuitika kwehondo yenyukireya. Zvisinei, vachiona zviri kuitika munyika ino, vazhinji havana tariro. “Pfungwa yokudzora, kuderedza uye kubvisa zvombo zvenyukireya pakupedzisira iri kunzvengwa pazvirongwa zvenyika yose neUnited States,” inodaro The Guardian Weekly.

Kunyange zvakadaro, vamwe vanotaura nezvezviri kuitwa nedzimwe nyika panhau iyi. Somuenzaniso, zvinofungidzirwa kuti United States yoga yakapedza mabhiriyoni US$2,2 (Z$1 812,8) mugore rimwe kuti pasave nehondo yenyukireya. Zvechokwadi iyi haisi mari shoma. Asi, kuziva kuti nyika imwe chete iyoyo inopedzawo anenge mabhiriyoni US$27 (Z$22 248) gore negore ichigadzirira kurwa hondo yenyukireya zvinogumbura vakawanda.

Zvakadini nezvibvumirano zvorunyararo? Kuedza kwakadaro kunogona kuguma netariro here?

Zvibvumirano Zvokudzora Zvombo Zvenyukireya

Kubva pakatanga kugadzirwa bhomba renyukireya, zvibvumirano zvinoverengeka zvakagadzirirwa kudzora kana kuti kuderedza zvombo zvenyukireya zvakaitwa. Pakati pazvo pane Nuclear Non-Proliferation Treaty (NPT), Strategic Arms Limitation Talks, Strategic Arms Reduction Talks, uye Comprehensive Test Ban Treaty. Izvi hazvina kubudirira kubvisa mukana wokuti pave nehondo yenyukireya here?

Chibvumirano chose chinoenderana nokuvimbisana kwevanenge vachiita. Somuenzaniso, kubudirira kweNPT, yakasainwa muna 1970 uye yaiva nenyika 187 pakasvika December 2000, kunoenderana nokuda kwenyika dzine nyukireya nedzisina dzakasaina chibvumirano chacho. Kunyange zvazvo chibvumirano chacho chichirambidza nyika dzisina nyukireya kugadzira kana kuti kuwana zvombo zvenyukireya, zvinotoda kuti nyika dzinayo dzitsvake nzira yokuparadza nayo zvombo zvadzo zvenyukireya. Izvi zvakashanda here? “Kunyange zvazvo chirongwa cheNPT chichisiya paine mukana wokubiridzira, chakabudirira kurambidza kushandiswa kwezvinhu zvenyukireya nevanhuwo zvavo uye nzvimbo dzinenge dziinazvo dzakachengetedzwa,” anotsanangura kudaro Carey Sublette mugwaro rinonzi “Nuclear Weapons Frequently Asked Questions.”

Kunyange zvazvo chibvumirano chacho chakati budirirei, “hachina . . . kumisa nyika dzakawanda kutsvaka zvombo izvi, pane dzimwe nguva dzichibudirira,” anodaro Sublette. Zvisinei, anoti kunongova kuburikidza nezvirongwa zvavo pachavo zvisingatungamirirwi neNon-Proliferation Treaty apo vakakwanisa kuita kudaro. Kubudirira kwechibvumirano chipi nechipi kunoenderana nokuvimbika kwenyika dzacho dzinenge dzachiita. Tingangobvuma zvinovimbiswa nevanhu here? Mhinduro yacho iri pachena sezvatinoona chokwadi chacho munhoroondo yevanhu.

Saka zvino ndokupi kwatingawana tariro?

Kuva Nemafungiro Matsva

Muna December 2001, vanhu 110 vakawana mubayiro weNobel vakabvuma kusaina mashoko anoti: “Tariro bedzi yomunguva yemberi inobva mukushandira pamwe kwenyika dzose, kunosimbiswa negutsaruzhinji. . . . Kuti tirarame munyika yatakachinja, tinofanira kudzidza mafungiro matsva.” Asi, “mafungiro matsva” api anodiwa? Zvinobvira here kudavira kuti avo vari kutyisidzira nyika kuti isave norugare nezvombo zvavo zvenyukireya vachadzidza mafungiro matsva?

Bhaibheri rinotipa zano rokuti: “Regai kuvimba nemachinda, kana nomwanakomana womunhu, usingagoni kubatsira.” (Pisarema 146:3) Nemhaka yei? Bhaibheri rinopindura kuti: “Nzira yomunhu haisi yake amene; munhu, unofamba, haagoni kururamisa nhano dzake.” (Jeremia 10:23) Hungu, chikonzero chikuru ndechokuti vanhu havana kuberekwa vaine mano okutonga nyika norugare. Sokutaura kunoita Bhaibheri, “munhu ane simba pamusoro pomumwe, achimuitira zvakaipa.”—Muparidzi 8:9.

Kana vanhu vasingagoni kutonga nyika, ndiani anogona? Bhaibheri rinopikira kuti kuchava norugare pasi pehurumende yakavimbika uye inokwanisa. Kutonga uku kunotaurwa muBhaibheri soUmambo hwaMwari, uye asingazvizivi mamiriyoni akanyengeterera hurumende iyi paaitaura mashoko oMunyengetero waShe okuti: “Baba vedu vari kumatenga, . . . Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitike, pasi panowo, sokudenga.” (Mateu 6:9, 10) Umambo uhwu huna Jesu Kristu, Muchinda Worugare, saMambo wahwo. Richirondedzera kutonga kwake, Bhaibheri rinoti: “Kukura kwoumambo hwake nokworugare hazvina mugumo.”—Isaya 9:6, 7.

Kunyange kana “machinda,” kana kuti vezvematongerwe enyika, uye hurumende dzevanhu vakasadzidza mafungiro matsva aya, iwe unogona. Zvapupu zvaJehovha zvakabatsira mamiriyoni kudzidza shoko reBhaibheri retariro kuburikidza nekosi yechidzidzo cheBhaibheri chepachena. Kana uchida mamwe mashoko, tapota taura nevabudisi vemagazini ino, kana kuti unogona kuenda paImba yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha iri munharaunda yaunogara.

[Mufananidzo uri papeji 8, 9]

Mukutonga kwehurumende yoUmambo hwaMwari, nyika ichange isisatyisidzirwi nenyukireya