Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nei Mwari Achirega Tichitambura?

Nei Mwari Achirega Tichitambura?

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Nei Mwari Achirega Tichitambura?

“Mwari ari kudenga kusina nhamo, isu tiri pasi pano tichitambura.”—Mary. *

VECHIDUKU vanhasi vakaberekerwa munyika ine utsinye. Zvinoita sokuti kwose kwose kune kudengenyeka kukuru kwepasi nedzimwe njodzi dzinongoitika dzoga izvo zvinouraya zviuru zvevanhu. Hondo nokurwisa kwemagandanga ndizvo zvakangozara munhau. Kurwara, hosha, utsotsi, uye tsaona zvinotitorera vadiwa vedu. Mary ane mashoko ari pamusoro apa, iye pachake akatambura zvinorwadza. Akataura mashoko ake okurwadziwa afirwa nababa vake.

Patinowirwa nenhamo isu pachedu, sevanhu tinogumbuka, tinonzwa tarasikirwa, kana kunyange kushatirwa. Pamwe ungazvibvunza kuti, ‘Zvamboitikirei?’ ‘Nei zvaitika kwandiri?’ kana kuti ‘Nei zvaitika iye zvino?’ Mibvunzo yakadaro inoda mhinduro dzinogutsa. Asi kuti tiwane mhinduro dzakarurama, tinofanira kuenda kunzvimbo yakarurama. Chokwadi, sokutaura kwakaita mumwe wechiduku anonzi Turrell, dzimwe nguva vanhu “vanorwadziwa zvakanyanya zvokuti havazowani nguva yokunyatsofunga.” Saka ungafanira kutsvaka nzira yokuti umbogadzikana kuti ugone kufunga—zvine musoro uye zvakatwasuka.

Kutarisana Nezvinenge Zvaitika Zvisingafadzi

Zvingasafadza kufunga nezvazvo, asi rufu uye kutambura zvinoitika muupenyu. Jobho akazvitaura zvakajeka paakati: “Munhu wakazvarwa nomukadzi ane mazuva mashoma, azere nokutambudzika.”—Jobho 14:1.

Bhaibheri rinopikira nyika itsva iyo ‘ichagara kururama.’ (2 Petro 3:13; Zvakazarurwa 21:3, 4) Zvisinei vanhu vachatosangana nouipi husati hwamboitika, mamiriro ezvinhu akanaka iwayo asati avapo. Bhaibheri rinoti, “Ziva chinhu ichi, kuti pamazuva okupedzisira nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo dzichasvika.”—2 Timoti 3:1.

Nguva dzakaoma idzi dzichavapo kwenguva yakareba sei? Vadzidzi vaJesu vakabvunza mubvunzo wakangoda kufanana naiwoyu. Asi Jesu haana kuvaudza zuva chairo kana awa paizoguma nyika ino yatambura nemarwadzo. Panzvimbo pezvo Jesu akati: “Anenge atsungirira kusvikira kumugumo ndiye achaponeswa.” (Mateu 24:3, 13) Mashoko aJesu anotikurudzira kuti tive nemaonero anosvika kure. Tinofanira kuva vakagadzirira kutsungirira mamiriro ezvinhu akawanda asingafadzi mugumo usati wasvika.

Imhosva yaMwari Here?

Saka zvine musoro here kugumbukira Mwari nokuti anobvumira kutambura? Kwete, kana ukafunga kuti Mwari akapikira kugumisa kutambura kwose. Uyewo hazvina musoro kufunga kuti Mwari ndiye anokonzera zvinhu zvakaipa kuti zviitike. Zvinhu zvinorwadza zvakawanda zvinongova zvinhu zvinongoitikawo. Somuenzaniso, fungidzira kuti mhepo inodonhedza muti wokuvadza munhu. Vanhu vangati zvaitwa naMwari. Asi Mwari haana kuita kuti muti iwoyo udonhe. Bhaibheri rinotibatsira kuziva kuti zvinhu zvakadaro unongova mugumisiro usingafadzi we“nguva nezvinoitika.”—Muparidzi 9:11.

Dzimwe nguva kutambura kunokonzerwa nokutadza kufunga zvakanaka. Ngatiti boka revaduku rinonwa zvinwiwa zvinodhaka robva ratyaira motokari zvokungonakidzwa. Tsaona yakakomba inoitika. Inenge iri mhosva yaani? YaMwari here? Kwete, vawana mubayiro wokutadza kwavo kufunga zvakanaka.—VaGaratiya 6:7.

‘Asi Mwari haana simba rokugumisa kutambura iye zvino here?’ ungabvunza kudaro. Vamwe varume vakatendeka vomunguva inotaurwa muBhaibheri vakambobvunzawo izvozvo. Muprofita Habhakuki akabvunza Mwari kuti: “Munotaririreiko vanonyengera, muchinyarara kana wakashata achimedza wakamupfuura nokururama?” Zvisinei, Habhakuki haana kungomhanyira kutaura mhedziso yake. Iye akati: “Ndichatarira ndione zvaachataura neni.” Mwari akazomuvimbisa kuti pa“nguva yakatarwa,” Iye aizogumisa kutambura. (Habhakuki 1:13; 2:1-3) Naizvozvo tinofanira kushivirira, tichimirira Mwari kuti agumise uipi panguva yake yakatarwa.

Usangomhanyira pakuti Mwari neimwe nzira anoda kuti titambure kana kuti iye pachake ari kutiedza. Ichokwadi kuti kutambura kunogona kuita kuti tibudise runako rwedu rwose uye kuti Bhaibheri rinotaura kuti miedzo iyo Mwari anobvumira inogona kunatsiridza kutenda kwedu. (VaHebheru 5:8; 1 Petro 1:7) Zvechokwadi, vanhu vazhinji vanosangana nemiedzo kana kuti nezvinhu zvinorwadza, vanozoguma vava kushivirira kana kuti vava netsitsi. Asi hatifaniri kufunga kuti kutambura kwavari kuita kuri kukonzerwa naMwari. Kufunga kwakadaro hakuratidzi kufunga nezvouchenjeri norudo zvaMwari. Bhaibheri rinotaura pachena kuti: “Paanenge achiedzwa, munhu ngaarege kuti: ‘Ndiri kuedzwa naMwari.’ Nokuti hapana munhu angaedza Mwari nezvinhu zvakaipa uyewo iye haaedzi munhu.” Kusiyana naizvozvo, kuna Mwari kunobva “zvipo zvose zvakanaka nezvinopiwa zvose zvakakwana!”—Jakobho 1:13, 17.

Chikonzero Nei Mwari Achibvumira Zvakaipa

Saka zvakaipa zvinobvepi? Yeuka kuti Mwari ane vanomushora—kunyanya uya a“nonzi Dhiyabhorosi uye Satani, ari kutsausa pasi rose rinogarwa.” (Zvakazarurwa 12:9) Mwari akaisa vabereki vedu vokutanga, Adhamu naEvha, munyika isina zvinetso. Asi Satani akaita kuti Evha abvume kuti zvinhu zvaizomunakira asingatongwi naMwari. (Genesi 3:1-5) Zvinosuruvarisa kuti Evha akadavira nhema dzaSatani ndokurega kuteerera Mwari. Adhamu akabatana naye mukumukira uku. Zvakaguma nei? Bhaibheri rinoti: “Rufu rwakapararira kuvanhu vose.”—VaRoma 5:12.

Pane kubva agumisa kumukira uku nokuparadza Satani nevateveri vake, Mwari akaona zvakakodzera kubvumira nguva kupfuura. Izvi zvaizobatsirei? Kutanga, zvaizobatsira kuratidza kuti Satani murevi wenhema! Zvaizoita kuti pave nouchapupu hwokuti kuzvisunungura pakudzorwa naMwari hakuna chimwe chakunobatsira kunze kwokuparadzwa. Izvozvo handizvo zvakaitika chaizvo here? “Nyika yose iri musimba rewakaipa.” (1 Johani 5:19) Uyezve, “munhu une simba pamusoro pomumwe, achimuitira zvakaipa.” (Muparidzi 8:9) Zvitendero zvevanhu zvinongova unzanzanza hwedzidziso dzinopesana. Tsika dzaderera zvadzisati dzamboita. Hurumende dzevanhu dzakaedza kuronga utongi hwemarudzi ose hwatingafunga. Dzinosainirana zvibvumirano nokudzika mitemo, asi zvinodiwa nevanhuwo zvavo zvichiri kungoda kuzadziswa. Hondo dzinowedzera nhamo pamusoro penhamo.

Sezviri pachena, Mwari anotofanira kupindira ogumisa uipi! Asi izvi zvichangoitika munguva yaMwari yakafanira. Kusvika panguva iyoyo, iropafadzo yedu kutsigira kutonga kwaMwari nokuteerera mitemo yake nenhungamiro zviri muBhaibheri. Zvinhu zvakaipa pazvinoitika, tinogona kunyaradzwa netariro yakavimbika youpenyu munyika isina zvinetso.

Hausiwe Woga

Kunyange zvakadaro, patinowirwa nenhamo, pamwe tingangoona tava kubvunza kuti, ‘Zvaitikirei kwandiri?’ Zvisinei, muapostora Pauro anotiyeuchidza kuti hatisisu toga tiri kutambudzwa nouipi. Pauro anoti, “zvisikwa zvose zvinoramba zvichigomera pamwe uye zvichirwadziwa pamwe kusvikira zvino.” (VaRoma 8:22) Kuziva izvi kunogona kukubatsira kurarama nematambudziko. Somuenzaniso, Nicole, akatambudzika mupfungwa pamusana pokurwisa kwakaita magandanga musi waSeptember 11, 2001, muNew York City uye Washington, D.C. “Ndakatya,” anobvuma kudaro. Asi sezvaakaverenga nyaya dzinoratidza kukunda kwakaita hama dzake dzechiKristu dambudziko racho, maonero ake akachinja. * “Ndakaziva kuti handisi ndoga. Zvishoma nezvishoma ndakatanga kunzwa nani pamarwadzo angu nokusuruvara.”

Dzimwe nguva kuchenjera kutsvaka mumwe munhu waunogona kutaura naye—mubereki, shamwari yakura, kana mukuru wechiKristu. Kudurura manzwiro ako kune mumwe munhu waunovimba naye kuchaita kuti uwane “shoko nyoro” rinokurudzira. (Zvirevo 12:25) Rimwe jaya rechiKristu rokuBrazil rinoyeuka kuti: “Ndakafirwa nababa makore mapfumbamwe apfuura, uye ndinoziva kuti Jehovha achavamutsa rimwe zuva. Asi chimwe chinhu chakandibatsira kwaiva kunyora manzwiro angu. Uyewo, ndaitaura manzwiro angu neshamwari dzangu dzechiKristu.” Une ‘shamwari dzechokwadi’ here dzaunogona kuudza zviri pasi pomwoyo wako? (Zvirevo 17:17) Kana zvakadaro yamurwa nokubatsira kwavo kworudo! Usatya kuchema kana kuratidza manzwiro ako. Kunyange Jesu akambo“svimha misodzi” paakafirwa neshamwari yake!—Johani 11:35.

Bhaibheri rinotivimbisa kuti rimwe zuva ti“chasunungurwawo muuranda hwokuora” uye ticha“va norusununguko rune mbiri rwevana vaMwari.” (VaRoma 8:21) Kutozosvika panguva iyoyo, vanhu vakanaka vakawanda vangatambura. Nyaradzwa nokuziva chikonzero nei kutambura ikoko kuchiitika—uye kuti hakusi kuzogara nguva refu.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Mamwe mazita akachinjwa.

^ ndima 20 Ona nyaya dzinoti “Ushingi Pakutarisana Nenjodzi,” mumagazini yeMukai! yaJanuary 8, 2002.

[Mufananidzo uri papeji 14]

Zvingabatsira kuratidza kusuruvara kwako