Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vakapukunyuka Mafashamo!

Vakapukunyuka Mafashamo!

Vakapukunyuka Mafashamo!

Nomunyori weMukai! muSwitzerland

MUNA October 2000, mishumo yemafashamo yakagamuchirwa ichibva munzvimbo dzakasiyana-siyana dzenyika yose. Mvura zhinji yakanga yanyatisa mativi emakomo, ichikonzera kuondomoka kwemadhaka ayo aiva nemarara akasiyana-siyana uye kunyange miti yose yakadaro!

Ruwa rweValais ruri kumaodzanyemba kweSwitzerland ndirwo rumwe rwakawirwa nenjodzi yakadaro. Nzvimbo iyi inokamurwa norwizi runonzi Rhône, runoyerera rwakananga kumadokero ruchibva kunzvimbo inonzi Rhône glacier iri muCentral Alps ruchienda kuLake Geneva—daro remakiromita anenge 170. Midungwerungwe yemakomo iri kumativi ose orwizi rwacho inoita kuti mvura iyerere ichipinda murwizi rwacho nehova dzakawanda dzoukuru hwakasiyana-siyana. Kuyerera uku kunowanzoita muchechetere. Asi mvura inonaya yakawandisa painozara munzvimbo yacho yose, panowanzova nedambudziko.

Izvi ndizvo zvakaitika chaizvo muGondo, iri pamuganhu weItaly. Musha uyu uri nechomugomo une vanhu 150 wakaparadzwa nedhaka zhinji raiyerera nematombo izvo zvakaparadza chikamu chikuru chomusha wacho. Nenguva isipi dzimwe nzvimbo dzomuValais dzakafashamirwawo nedzvotsvotsvo remvura. Migwagwa nenjanji zvakavharwa, uye dzimba dzakatanga kupinda madhaka nematombo. Mune dzimwe nzvimbo madhaka akaungana zvokusvika mamita mana. Mumwe mukadzi akaona madhaka aiva akakwirira mamita anodarika 30 achiyerera achikukura matombo makuru nemiti yakanga yakamira akananga kumusha wake!

Markus naTabitha, murume nomudzimai, vaigara muMörel panguva yakaitika njodzi yacho. “Takamutswa noruzha rune maungira uye kudengenyeka zvakaitika 6:00 dzemangwanani dzichangoti pfuurei,” anoyeuka kudaro Markus. “Ndakabuda panze netochi kuti ndione kuti chaiva chii, uye ndakarohwa nehana nezvandakaona. Dzimba nemabhiriji zvakanga zvaputswa nemazitombo, uye imwe motokari yakanga yaroverwa pamadziro eimba yomuvakidzani. Nechezasi, mumwe muvakidzani nomudzimai wake vakanga vavharirwa mumba mavo. Ndakavabatsira kubuda nepahwindo. Pandakadzokera kumba kwangu, ini naTabitha takangowana nguva yokutora zvinhu zvedu zvishomanana.”

Markus naTabitha Zvapupu zvaJehovha, uye vakanopotera kune vamwe vavanonamata navo vakanga vari munzvimbo yakanga isina ngozi. Markus anoti, “Kunyange zvazvo takapukunyuka, Tabitha akapedza mazuva mazhinji achinetseka nezvakanga zvaitika izvi.” Chii chakamubatsira kutsungirira kunetseka mupfungwa uku? “Kushamwaridzana uye kutsigirwa nehama dzedu nehanzvadzi mukutenda,” Tabitha anopindura kudaro, achiwedzera kuti: “Nokuratidzwa hanya kwandakaitwa nevazhinji vomunharaunda yedu.”

Markus naTabitha vakayeuchidzwa nezvorugwaro rwaZvirevo 18:24, runotaura kuti “shamwari iriko inonamatira kupfuura hama.” Shamwari dzakadaro dzinoratidza kuti dzinokosha zvechokwadi munguva dzenjodzi!

[Mepu iri papeji 18]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

Nzvimbo yakawirwa nenjodzi

Gondo

[Mufananidzo uri papeji 18]

Markus naTabitha

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 18]

Mise à disposition par www.crealp.ch