Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nei Tichida Tariro?

Nei Tichida Tariro?

Nei Tichida Tariro?

CHII chaizodai chakaitika, kudai Daniel, wechiduku aiva nekenza arondedzerwa kwokutanga kwenyaya yapfuura, akaramba aine tariro yakasimba? Kenza yake ingadai yakapera here? Angadai ari mupenyu here nhasi? Kunyange vaya vanotsigira tariro zvikuru pamwe vaisazotaura kudaro. Uye apa ndipo pane pfungwa inokosha. Tariro haifaniri kubva yakosheswa zvakadarikidza. Haisi mushonga wezvirwere zvose.

Achibvunzurudzwa neCBS News, Dr. Nathan Cherney akanyevera nezvengozi yokunyanyosimbisa simba retariro kupfuura mwero pakubata nevarwere vanenge varwarisa achiti: “Takambova nevamwe varume vaipengera madzimai avo vachiti vakanga vasingafungisisi zvakakwana, vachiti vakanga vasingafungi zvine tariro zvakakwana.” Dr. Cherney akawedzera kuti: “Mafungiro aya akaita kuti pave nefungidziro yokuti munhu anogona kudzora urwere, uye kana munhu akasanaya, vamwe vanofunga kuti akakundikana kudzora bundu rake romuuropi zvakakwana, uye izvozvo hazviratidzi kunzwisisa.”

Kutaura chokwadi, avo vari kurwisana nourwere husingarapiki vari muhondo inonetesa, inoda kurwisa zvakasimba. Zvechokwadi, hama dzavo dzinodiwa hadzingambodi kuwedzera kuvapa mhosva pamusoro pomutoro wavo unorema wavagara vanawo. Saka tingati tariro haina zvainobatsira here?

Kwete. Somuenzaniso, chiremba mumwe chete iyeye, ane ruzivo rwokurapa zvokungoderedza marwadzo chete—kurapa kusiri kwokuda kupedza chirwere chacho chaicho kana kuti kurebesa upenyu, asi kungorerutsa upenyu hwomurwere uye kuita kuti hufadze sezvinobvira pose paanenge ari mupenyu. Vanachiremba vakadaro vanodavira zvakasimba kuti marapiro anoita kuti munhu afare anokosha, kunyange uya anenge arwarisa. Pane uchapupu hwakati wandei hwokuti tariro inogona kuita kudaro—nezvimwe zvakawanda zvakanaka.

Kukosha Kwetariro

Mumwe mutori wenhau dzezvokurapa Dr. W. Gifford-Jones anoti, “tariro kurapa kune simba zvikuru.” Akadzokorora ongororo dzakasiyana-siyana dzakaitwa kuona kukosha kwokutsigirwa mupfungwa kwakaitwa pavarwere vaiva nezvirwere zvisingarapiki. Zvinofungidzirwa kuti kutsigira uku kunobatsira vanhu kuramba vaine maonero ane tariro zvikuru uye akanaka. Kumwe kuongorora kwakaitwa muna 1989 kwakaratidza kuti varwere vaitsigirwa saizvozvi vakararama nguva refu, asi kuongorora kuchangobva kuitwa hakuna kunyatsoratidza kudaro. Zvisinei, kuongorora kwakaratidza kuti varwere vanonyaradzwa vanoora mwoyo nokurwadziwa zvishoma pane vaya vasinganyaradzwi.

Chimbofunga nezvokumwe kuongorora kwakaitwa pavarwere vaiva necoronary heart disease (CHD) [chirwere chomwoyo] nechinangwa chokuona basa retariro kana kusava nayo. Rimwe boka revarume vanopfuura 1 300 rakanyatsoongororwa kuona kana vakanga vaine tariro kana kuti kwete pamaonero avanoita upenyu. Kumwe kuongorora kwakazoitwa pashure pemakore gumi kwakaratidza kuti vanopfuura 12 muzana vevarume ivavo vakanga vamborwara neCHD. Pakati pavo, vakanga vasina tariro vaipeta nekanoda kusvika kaviri vaiva netariro. Laura Kubzansky, mutevedzeri wapurofesa wezvoutano nezvinoitwa munzanga paHarvard School of Public Health, anoti: “Uchapupu huzhinji hwepfungwa yokuti ‘kufunga zvine tariro’ kunobatsira utano hwako kungotaura kusingapupurirwi nesayenzi—kuongorora uku kunopa humwe hwouchapupu hwokutanga hwezvokurapa hwechokwadi hunoratidza basa retariro pachirwere chemwoyo.”

Kumwe kuongorora kwakaratidza kuti vaya vanoona utano hwavo sohusina kunyanyoipa vanowanzoita zviri nani nokukurumidza kupfuura vaya vanohuona sohusina kutsarukana zvikuru pashure pokuvhiyiwa. Kunyange kurarama kwenguva refu kunonzi kune chokuita nokuva netariro. Kumwe kuongorora kwakaitwa pamusoro pokuti vakwegura vanochinjwa sei nokuona kukwegura sokwakanaka uye nokukuona sokwakaipa. Vanhu vakwegura pavaigara vachinzwa mashoko anoratidza kuti kukwegura kunowedzera uchenjeri uye ruzivo, vakazoonekwa kuti vaifamba nesimba rakawedzerwa. Kutaura chokwadi, kuvandudzika kwacho kwakanga kwakafanana nokunoitika pashure pokurovedza muviri kwevhiki 12!

Nei manzwiro akadai sokuva netariro, nokutarisira zvakanaka zvichiita sezvinobatsira pautano? Zvimwe masayendisiti navanachiremba havasati vava kunzwisisa uropi hwomunhu nomuviri zvakanaka zvakakwana kuti vape mhinduro dzakakwana. Kunyange zvakadaro, nyanzvi dzinodzidza nyaya yacho dzinogona kungofungidzira dzichishandisa zvadzinoziva. Somuenzaniso, mumwe purofesa wetsinga anopa zano rokuti: “Unonzwa zvakanaka kana uine tariro uye uchifara. Kufara chinhu chakanaka chinoita kuti munhu asanyanya kuora mwoyo, uye muviri unova noutano hwakanaka kana wakadaro. Ndechimwe chinhu icho vanhu vangazviitira kuti varambe vane utano hwakanaka.”

Pfungwa iyi inganzwika seitsva kune vamwe vanachiremba, nyanzvi dzokushanda kwouropi, nemasayendisiti, asi haisi itsva kuvadzidzi veBhaibheri. Anenge makore 3 000 akapfuura, Mambo Soromoni akachenjera akafuridzirwa kunyora pfungwa iyi achiti: “Mwoyo wakafara unobatsira munhu kupora; asi mweya wakaputsika unoomesa mapfupa.” (Zvirevo 17:22) Ona kuti izvi zvinoratidza kudzikama kwakadini. Ndima iyi haitauri kuti mwoyo unofara uchaporesa zvirwere zvose asi inongoti “unobatsira munhu kupora.”

Chaizvo, zvinganzwisisika kubvunza kuti, Kudai tariro uri mushonga, ndichiremba upi aisazotaurira vanhu kuti vaushandise? Uyezve, tariro ine zvimwe zvainobatsira zvinopfuura kungobatsira utano.

Kuva Netariro, Kushaya Tariro, uye Upenyu Hwako

Vanotsvakurudza vakawana kuti vanhu vane tariro vanobatsirwa munzira dzakawanda nokuva netariro kwavo. Vanowanzoita zviri nani muchikoro, kubasa, uye kunyange mune zvemitambo. Somuenzaniso, kumwe kuongorora kwakaitwa paboka revakadzi vaiita zvemitambo. Varayiridzi vacho vakanyatsoongorora unyanzvi hwevakadzi vacho mune zvemitambo. Panguva imwe chete iyi, vakadzi vacho pachavo vakaongororwa uye kukura kwetariro yavo kwakanyatsotariswa. Zvakazocherechedzwa kuti kukura kwetariro yevakadzi vacho kwaitova nzira yakavimbika zvikuru yokuziva nayo kuti vaizoita sei mumitambo kupfuura zvimwe zvose zvakanga zvawanikwa nevarayiridzi vavo. Nei tariro ine simba rakakura kudaro?

Zvakawanda zvakadzidzwa nokuongorora zvakapesana nokuva netariro—kusava netariro. Mukati mema1960, zvakaongororwa zvakabudisa zvakanga zvisingatarisirwi pamusoro pemaitiro emhuka, zvichiita kuti vatsvakurudzi vagume vati vanhu vanogona kudzidziswa kuti havabatsiri. Vakawana kuti nevanhuwo vanogona kuva nedambudziko iri. Somuenzaniso, vamwe vanhu vaiongororwa vakaitirwa ruzha rusingafadzi ndokuudzwa kuti vaigona kudzidza kunyaradza ruzha rwacho nokudzvanya mabhatani akatevedzana. Vakabudirira kunyaradza ruzha rwacho.

Boka rechipiri rakaudzwa zvimwe chete izvozvo—asi kudzvanya mabhatani hakuna zvakwakabatsira. Sezvaungagona kufungidzira vakawanda pakati peboka rechipiri iroro vakatanga kunzwa vasingabatsiri. Mune kumwe kuongorora kwakazoitwa, vakanga vachizeza kuita chero chinhu. Nei? Vakanga vane chokwadi chokuti zvavaizoita hazvaizombochinja chinhu. Zvisinei, kunyange muboka iroro rechipiri, vaya vaiva netariro vakaramba kubvuma pfungwa yokuti havabatsiri.

Dr. Martin Seligman, uyo akabatsira kuronga dzimwe dzenzira dzokuongorora dzakatanga kushandiswa, akanzwa achida kuita basa rokudzidza nezvokuva netariro uye kusava netariro. Akanyatsoongorora mafungiro anoratidzwa nevanhu vaingozviona sevasingabatsiri. Akagumisa achiti, maonero okusava netariro akadaro, anovhiringidza vanhu pane zvakawanda zvavanenge vachiedza kuita muupenyu kana kuti anotoita kuti vasaita chiito. Seligman anotaura muchidimbu mafungiro okusava netariro nezvaanoita achiti: “Makore makumi maviri nemashanu okudzidza andiratidza kuti kana tichigara tichifunga sezvinoita munhu asina tariro, kuti zvinhu zvakaipa zvinongoitika imhosva yedu, zvichagara zviripo uye zvichakanganisa zvatinoita zvose, zvimwe zvakaipa zvakawanda zvichaitika kwatiri kupfuura patinenge tichitarisira zvakanaka.”

Zvakare, mafungiro akadaro angaratidzika sematsva kune vamwe nhasi, asi haasi matsva kuvadzidzi veBhaibheri. Cherechedza chirevo ichi: “Kana ukapera simba nezuva rokutambudzika, simba rako ishoma.” (Zvirevo 24:10) Hungu, Bhaibheri rinotsanangura zvakajeka kuti kuora mwoyo, nemafungiro asina kunaka, kuchakupedza simba. Zvisinei, chii zvino chaungaita kuti urwise kusava netariro wowedzera kuva netariro muupenyu hwako?

[Mufananidzo uri papeji 12, 13]

Tariro inogona kubatsira zvikuru