Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unogona Kukurira Kusava Netariro

Unogona Kukurira Kusava Netariro

Unogona Kukurira Kusava Netariro

UNOONA sei zvinhu zvaunosangana nazvo zvinokudzorera shure? Nyanzvi dzakawanda dzava kudavira kuti mhinduro yomubvunzo iwoyo inoreva zvakawanda pamusoro pokuti une tariro here kana kuti hauna. Tose tinotambura nemiedzo yakaoma yakasiyana-siyana muupenyu, vamwe vedu yakawanda kupfuura yevamwe. Saka nei vamwe vanhu vachiita sevanotsungirira nguva yakaoma, voramba vachiedzazve zvimwe, asi vamwe vachiita sevanokurumidza kukanda mapfumo pasi kunyange pashure pezvinetso zvidiki?

Somuenzaniso, fungidzira kuti uri kutsvaka basa. Unoenda kubvunzurudzo woshaya basa. Unofunga sei nezvechiitiko ichi kana chapfuura? Pamwe ungazvitora sezvangoitirwa iwe chete wotozviona sechinetso chisingaperi, uchizviudza kuti, ‘Hapana munhu achapinza basa munhu akaita seni. Handifi ndakambowana basa.’ Kana kuti, zvinotopfuura izvi, ungaita kuti chipinganidzo chimwe chete ichi chitochinja maonero aunoita upenyu hwako hwose, uchifunga kuti, ‘Ndiri munhu asina basa. Handibatsiri chinhu.’ Pachiitiko chimwe nechimwe, mafungiro akadaro ndiwo kusava netariro kwacho.

Kukurira Kusava Netariro

Unogona kukurira sei? Kudzidza kuziva pfungwa dzokusava netariro dzakadaro idanho rokutanga rinokosha. Danho rinotevera nderokurwisa pfungwa dzacho. Funga nezvezvimwe zvikonzero nei zvinhu zvakafamba nenzira iyoyo. Somuenzaniso, ichokwadi chaizvo here kuti wakashaya basa nokuti hapana munhu angakupinza basa? Kana kuti zvingava here kuti wawaishandira akanga ari kungotsvaka mumwe munhu ane zvimwe zvaanokwanisa?

Kunyatsofunga zvakanaka kucharatidza kuti pfungwa idzodzo dzokusava netariro dzinongokonzerwa nokugumbuka. Kutadza kupinzwa basa kamwe chete kunoreva here chaizvo kuti hapana chaunogona, kana kuti unogona kufunga zvimwe zvinhu zvoupenyu hwako—zvakadai sezvokunamata, vaune ukama navo, kana shamwari dzako—izvo zvaunoita zvakanaka? Dzidza kurasira kure pfungwa dzokutarisira zvinhu zvakaipa uchidziona se“dzinongokuparadza.” Pamusoro pazvo, unganyatsoziva here kuti hauzombofi wakawana basa? Pane zvakawanda zvaunogona kuita kuti urasire kure pfungwa dzisina tariro.

Kufunga Zvakanaka, Kune Chinangwa

Mumakore achangopfuura vatsvakurudzi vakapa rondedzero inonakidza yetariro, asi haina kunyatsokwana. Vanotaura kuti tariro inosanganisira kudavira kuti uchakwanisa kuita zvaunovavarira. Sezvicharatidzwa munyaya inotevera, chaizvoizvo tariro inosanganisira zvakati wandei, asi rondedzero iyi inoita seinoshanda munzira dzinoverengeka. Kufunga nezvetariro iyi inogona kuva nomunhu kunogona kutibatsira kuva nemafungiro ane tariro, ane chinangwa.

Kuitira kuti tive nechokwadi chokuti tichakwanisa kuita zvatinovavarira kuita munguva yemberi, tinofanira kuva netsika yokuronga zvatinovavarira tozviita. Kana uchifunga kuti hauna kumbozviita, zvingabatsira kufunga zvakakomba pamusoro pezvinhu zvaunovavarira kuita. Kutanga, unazvo here? Zviri nyore chaizvo kubatikana nezvinhu zvoupenyu zvezuva nezuva tisingambomiri kuti tifunge kuti tinonyatsodei muupenyu, kuti chii chinokosha zvikuru kwatiri. Nezvenhungamiro iyi inoshanda yokuisa zvinhu zvinokosha pakutanga, zvakare tinowana kuti kare Bhaibheri rakanyatsozvitaura richiti: “Muve nechokwadi chezvinhu zvinokosha.”—VaFiripi 1:10.

Kana tangoziva zvatinokoshesa, zvinobva zvava nyore kuziva zvinhu zvikuru zvatinovavarira kuita pane zvakasiyana-siyana, zvakadai soupenyu hwedu hwokunamata, upenyu hwemhuri dzedu, upenyu hwedu kubasa. Zvisinei, zvinokosha kuti pakutanga tisada kuita zvinhu zvakawandisa uye kuziva kuti chinhu chimwe nechimwe chatinovavarira kuita tinonyatsochigona. Kana chatinenge tichivavarira kuita chakaoma, zvingatiodza mwoyo, uye tingakanda mapfumo pasi. Nokudaro, kazhinji zvakanaka kupatsanura vavariro dzakakura, dzenguva refu kudziisa muzvikamu zviduku, zvenguva pfupi.

“Kure ndokuna amai, kune mukadzi ndinofa ndasvika.” Chinodaro chirevo chekare, uye chinoratidza sechechokwadi. Kana tangofunga zvatinovavarira kuita, tinofanira kuva nechido—kunzwa tichida uye takatsunga—kuzviita. Tingasimbisa zvatinenge tatsunga kuita nokufungisisa kuti vavariro dzedu dzinokosha zvakadini uye mibayiro yatichawana kana tadziita. Zvechokwadi, zvipingamupinyi zvichavapo, asi tinofanira kuzviona sezvinetso zvinokundika kwete semhinganidzo dzisingapfuuriki.

Zvisinei, tinofanirawo kufunga nezvedzimwe nzira dzinoshanda dzokuita nadzo zvatinovavarira. Mumwe munyori anonzi C. R. Snyder, uyo akadzidza zvakawanda zvikuru pamusoro pokukosha kwetariro, anokurudzira kufunga nezvenzira dzakawanda dzokuita nadzo chinhu chimwe. Nokudaro, kana imwe nzira ikakundikana, tinogona kuenda pane yechipiri, yechitatu zvichingodaro.

Snyder anokurudzirawo kudzidza kuti inguva ipi yaunofanira kuchinja zvaunovavarira kuti utange zvimwe. Kana zvatinenge tichivavarira kuita zvikakundikana, zvinongotiodza mwoyo kana tikazvigumbukira. Ukuwo, kuzvitsiva nezvimwe zvatinonyatsogona kuita kuchatipa chimwe chinhu chokutarisira.

Bhaibheri rine muenzaniso unobatsira kujekesa nhau iyi. Mambo Dhavhidhi aikoshesa chinangwa chokuvakira Jehovha Mwari wake temberi. Asi Mwari akaudza Dhavhidhi kuti mwanakomana wake Soromoni aizova neropafadzo iyoyo. Pane kufundumwara kana kuti kuedza kuramba achienderera mberi atarisana nezvaiodza mwoyo izvi, Dhavhidhi akachinja vavariro dzake. Akatanga kuisa simba rake rose pakuunganidza mari nezvinhu zvaizodiwa nomwanakomana wake kuti aite basa racho.—1 Madzimambo 8:17-19; 1 Makoronike 29:3-7.

Kunyange kana tikabudirira kuwedzera tariro yedu nokurwisa kusava netariro uye nokuva nemafungiro akanaka, ane chinangwa, tingangodaro tichiri kuda kuwedzera tariro yedu. Zvingadaro sei? Kusava netariro kwakawanda kwatinotarisana nako munyika ino kunobva muzvinhu zvatisingagoni kudzora zvachose. Patinofunga nezvezvinetso zvikuru zvinotambudza vanhu—urombo, hondo, kusaruramisa, zvinetso zvinongogona kuitika chero nguva zvakadai sourwere norufu—tingaita sei kuti tirambe tine tariro?

[Mufananidzo uri papeji 15]

Kana ukatadza kupinzwa basa rawanga uchida, unofunga kuti haufi wakawana rimwe basa here?

[Mufananidzo uri papeji 16]

Mambo Dhavhidhi akaratidza kuchinjika pane zvaaivavarira kuita