Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndokupi Kwaungawana Tariro Yechokwadi?

Ndokupi Kwaungawana Tariro Yechokwadi?

Ndokupi Kwaungawana Tariro Yechokwadi?

WACHI yako yamira uye inenge yafa. Kuti igadzirwe, une zvakawanda zvaungasarudza kuita. Kune mashoko akawanda evanoshambadzira kuti vanogadzira wachi, vose vachitaura nechivimbo nezvebasa racho, zvimwe zvacho zvichipesana. Asi zvakadini kana ukaziva kuti muvakidzani wako ndiye murume akangwara akatanga kugadzira wachi yemhando iyoyo makore akapfuura? Zvinotokosha zvikuru ndezvokuti unonzwa kuti anoda kukubatsira, mahara. Zvaizova nyore kuziva zvokuita, handizvo here?

Zvino chifananidza wachi iyoyo nokukwanisa kwako kuva netariro. Kana ukaona kuti hauchina tariro—sezvakaita vazhinji munguva dzino dzinotambudza—uchaenda kupi kuti unobatsirwa? Pane vanhu vakawanda vanoti vanokwanisa kugadzirisa chinetso, asi mazano asingaperi anogona kuvhiringidza uye anopesana. Naizvozvo unodii kuenda kuna Iye akagadzira vanhu vachikwanisa kuva netariro pakutanga? Bhaibheri rinotaura kuti ha“asiri kure nomumwe nomumwe wedu” uye anoda kubatsira zvikuru.—Mabasa 17:27; 1 Petro 5:7.

Rondedzero Yakadzama Yetariro

Pfungwa yeBhaibheri yetariro yakakura uye yakadzama kupfuura inowanzoshandiswa navanachiremba, masayendisiti, uye nyanzvi dzokushanda kwendangariro. Mashoko omutauro wakatanga kushandiswa pakunyora Bhaibheri anoshandurwa kuti “tariro” anoreva kumirira nechido uye kutarisira zvakanaka. Zvikurukuru, tariro inoumbwa nezvinhu zviviri. Inosanganisira chido chechimwe chinhu chakanaka pamwe chete nechikonzero chokudavira kuti zvinhu zvakanaka zvichaitika. Tariro inopiwa muBhaibheri hakusi kungofungira zvinhu zvisingaitiki. Ine zvikonzero zvakasimba uye uchapupu.

Panhau iyi, tariro yakafanana nokutenda, uko kunofanira kubva pauchapupu—kwete kungotendawo zvakwo. (VaHebheru 11:1) Zvisinei, Bhaibheri rinosiyanisa kutenda netariro.—1 VaKorinde 13:13.

Kungopa somuenzaniso: Paunokumbira shamwari inodiwa kuti ikuitire chimwe chinhu, ungatarisira kuti ichakubatsira. Tariro yako ine payakavakirwa nokuti unovimba neshamwari yako—unonyatsoiziva, uye wakamboiona ichiita nomutsa uye norupo kare. Kutenda kwako netariro zvakabatana zvikuru, kunyange kutoshanda zviri zvose, asi zvakasiyana. Unogona sei kuva netariro yakadaro muna Mwari?

Chikonzero Chokuva Netariro

Mwari ndiye anopa tariro yechokwadi. Munguva inotaurwa muBhaibheri Jehovha akanzi ‘tariro yaIsraeri.’ (Jeremia 14:8) Tariro ipi neipi yakavimbika yakava nevanhu vake yakabva kwaari; saka aiva tariro yavo. Tariro yakadaro yakanga isiri kungofungira zvinhu zvisingaitiki. Mwari akavapa chikonzero chakasimba chokuti vave netariro. Paaibata navo kwemazana emakore, akazivikanwa nokuzivisa zvipikirwa uye kuchengeta zvipikirwa izvozvo. Mutungamiriri wavo Joshua akati kuvaIsraeri: “Imi munoziva . . . kuti hapana chinhu chimwe pazvose zvakataurwa pamusoro penyu naJehovha Mwari wenyu, chakakona.”—Joshua 23:14.

Zviuru zvemakore gare gare, izvozvo zvichiri zvechokwadi. Bhaibheri rizere nezvipikirwa zvaMwari zvinoshamisa nemashoko akarurama kubva muzvakaitika kare okuzadzika kwezvipikirwa izvozvi. Zvipikirwa zvouprofita hwake zvakavimbika kwazvo zvokuti dzimwe nguva zvinonyorwa sokunge zvakatozadzika panguva yazvakataurwa.

Ndosaka tingataura nezveBhaibheri sebhuku retariro. Sezvaunodzidza kubata kwakaita Mwari nevanhu, zvikonzero zvako zvokuva netariro maari zvichatowedzera kusimba. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Zvinhu zvose zvakanyorwa kare zvakanyorwa kuti tidzidze, kuti nokutsungirira kwedu uye nokunyaradza kunobva muMagwaro tive netariro.”—VaRoma 15:4.

Mwari Anotipa Tariro Yei?

Ndirini pazvinenge zvichikosha zvikuru kuti tive netariro? Hapasi paya patinenge tatarisana norufu here? Zvisinei, kuvakawanda, ndipo panguva iyoyo—somuenzaniso, apo vanofirwa nomudiwa—apo zvinoita sezvakaoma zvikuru kuva netariro. Pashure pezvose, chii chingatadzisa kuva netariro kudarika rufu? Runotibata tose rusinganeti. Tinogona kurunzvenga panguva ino, uye hatina simba rokuti rusaitike. Nenzira yakakodzera, Bhaibheri rinodana rufu kuti “muvengi wokupedzisira.”—1 VaKorinde 15:26.

Kana zvakadaro, tinogona kuwana sei tariro patinenge tatarisana norufu? Ndima yeBhaibheri inodana rufu kuti muvengi wokupedzisira inotiwo muvengi uyu a“chaparadzwa.” Jehovha Mwari ane simba kudarika rufu. Akazviratidza pazviitiko zvinoverengeka. Sei? Nokumutsa vakafa. Bhaibheri rinorondedzera zviitiko zvipfumbamwe zvakasiyana-siyana apo Mwari akashandisa simba rake kuita kuti vanhu vakafa vavezve vapenyu.

Pane imwe nguva yainge yakasiyana neimwe, Jehovha akapa Mwanakomana wake Jesu simba rokumutsa shamwari yake yaaida zvikuru yainzi Razaro, uyo akanga ava nemazuva mana afa. Jesu akazviita, kwete zvakahwanda, asi pachena, pamberi peboka revanhu vaiona.—Johani 11:38-48, 53; 12:9, 10.

Ungashamisika kuti, ‘Nei vanhu vakamutswa? Kunyange zvakadaro, havana kukwegura uye kuzongofa zvakare here?’ Vakafa. Asi, pamusana penhoroondo idzodzo dzakavimbika dzevanhu vakamutswa dzakadai seino, tinogona kuva nezvinongopfuura chidowo hacho chokuti vakafa vedu vachamutswa zvakare; tine chikonzero chokudavira kuti vachamutswa. Nemamwe mashoko, tine chikonzero chaicho chetariro.

Jesu akati: “Ndini kumuka noupenyu.” (Johani 11:25) Ndiye achapiwa simba naJehovha rokumutsa vanhu munyika yose. Jesu akati: “Awa iri kuuya mairi avo vose vari mumakuva ekurangaridza vachanzwa inzwi [raKristu] vobuda.” (Johani 5:28, 29) Chokwadi, vaya vakarara muguva vanotarisira kumutsirwa kuupenyu mupasi rinenge riri paradhiso.

Muprofita Isaya akataura nezvomufananidzo uyu worumuko unosvika pamwoyo achiti: “Vakafa venyu vachararama, zvitunha zvangu zvichamuka. Mukai muimbe, imi mugere muguruva; nokuti dova renyu rakaita sedova rechiedza; nyika ichabudisa vakafa.”—Isaya 26:19.

Izvozvo hazvinyaradzi here? Vakafa vari mumamiriro ezvinhu akachengeteka angafungidzirika, kungofanana nomucheche ari mudumbu raamai vake. Zvechokwadi, vaya vakazorora muguva vakachengetwa zvakakwana mundangariro dzisina muganhu dzaMwari Wemasimbaose. (Ruka 20:37, 38) Uye nokukurumidza vachararamazve, vachiva munyika inofara, ine ushamwari sokugamuchirwa kunongoitwa mwana achangoberekwa nemhuri ine rudo inenge yakamumirira! Saka kune tariro kunyange patinenge tatarisana norufu.

Zvaunogona Kuitirwa Netariro

Pauro anodzidzisa zvakawanda nezvokukosha kwetariro. Akataura nezvetariro sechinhu chinokosha panhumbi dzokurwa nadzo dzokumudzimu—ngowani. (1 VaTesaronika 5:8) Airevei nezvazvo? Munguva inotaurwa muBhaibheri murwi aipfeka ngowani yesimbi paaienda kuhondo, kazhinji kacho pamusoro pengowani yeshinda kana kuti yedehwe. Nemhaka yengowani iyoyo, zvizhinji zvaizokandwa kuti zvirove musoro zvaizotsvedza pane kukuvadza zvakakomba. Pauro airevei? Ngowani zvainodzivirira musoro, tariro inodzivirirawo pfungwa, masimba edu okufunga. Kana uine tariro yakasimba maererano nezvinangwa zvaMwari, rugare rwako rwepfungwa harufaniri kuvhiringidzwa nokusava netariro kana kuti nokuora mwoyo paunotarisana nezvinhu zvakaoma. Ndiani wedu asingadi ngowani yakadaro?

Pauro akashandisa mumwe muenzaniso wakajeka wetariro ine chokuita nokuda kwaMwari. Akanyora kuti: “Tariro iyi tinayo sechinhu chinobata mweya, yechokwadi uye yakasimba.” (VaHebheru 6:19) Sezvo akanga apona pakaputsika chikepe, Pauro ainyatsoziva kukosha kwechinhu chinomisa chikepe. Pavaitarisana nedutu, vakwasvi vaidzikisa chinomisa chikepe. Pachaibatirira pasi mugungwa uye chakanyatsosimba, chikepe chacho chaizova nomukana wokubuda mudutu racho zvakati chengetekei panzvimbo pokusundirwa kumhenderekedzo zvokubva chaputswa nematombo.

Saizvozvowo, kana zvipikirwa zvaMwari kwatiri zviri tariro “yechokwadi uye yakasimba,” tariro iyoyo inogona kutibatsira kudzikamisa kuvhiringidzika kwenguva dzino dzemadutu. Jehovha anopikira kuti ichasvika nguva apo vanhu vachange vasingachatambudzwi nehondo, utsotsi, kusurukirwa, kana kuti kunyange rufu. (Ona bhokisi riri papeji 18.) Kuomerera kutariro iyoyo kunogona kutibatsira kutambira kure nenjodzi, kuchitipa chivimbo chatinoda kuti tirarame mukuwirirana nezvinodiwa naMwari pane kubvuma tsika dzakaipa dzinovhiringidza dzazara munyika yanhasi.

Tariro inopiwa naJehovha inosanganisirawo iwe pachako. Anoda kuti urarame upenyu sezvaaida pakutanga. Chido chake ndechokuti “vanhu vose vaponeswe.” Sei? Kutanga mumwe nomumwe anofanira kusvika “pazivo yakarurama yechokwadi.” (1 Timoti 2:4) Vabudisi vemagazini ino vanokukurudzira kupinza zivo iyoyo inopa upenyu maererano neShoko raMwari. Tariro yauchazopiwa naMwari yakakwirira zvikuru pane tariro ipi neipi yaungawana munyika.

Netariro iyoyo, haumbofaniri kunzwa usina maturo, nokuti Mwari anogona kukupa simba raunoda kuti uite zvinangwa zvaunazvo zvinowirirana nokuda kwake. (2 VaKorinde 4:7; VaFiripi 4:13) Haisiyo tariro yaunoda here? Saka kana uchida tariro, kana wanga uchiitsvaka, shinga. Tariro iripo. Unogona kuiwana!

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 18]

Zvikonzero Zvokuva Netariro

Pfungwa dzeMagwaro idzi dzinogona kukubatsira kuvaka tariro yako:

▪ Mwari anopikira nguva yemberi inofadza.

Shoko rake rinoti pasi rose richava paradhiso inogarwa nemhuri yevanhu vanofara uye vakabatana.—Pisarema 37:11, 29; Isaya 25:8; Zvakazarurwa 21:3, 4.

▪ Mwari haagoni kureva nhema.

Anovenga kureva nhema dzemarudzi ose. Jehovha mutsvenetsvene, naizvozvo hazvibviri kuti areve nhema.—Zvirevo 6:16-19; Isaya 6:2, 3; Tito 1:2; VaHebheru 6:18.

▪ Mwari ane simba risina mugumo.

Jehovha oga ndiye ane masimba ose. Pane zvose zvakasikwa hapana chinogona kumumisa pakuzadzika zvipikirwa zvake.—Eksodho 15:11; Isaya 40:25, 26.

▪ Mwari anoda kuti urarame nokusingaperi.

Johani 3:16; 1 Timoti 2:3, 4.

▪ Mwari anotitarisa netariro.

Anosarudza kuisa pfungwa dzake, kwete pazvikanganiso zvedu, asi paunhu hwedu hwakanaka nezvatinoedza kuita. (Pisarema 103:12-14; 130:3; VaHebheru 6:10) Ane tariro yokuti tichaita zvakarurama uye anofara patinodaro.—Zvirevo 27:11.

▪ Mwari anopikira kutibatsira kuti tiite zvaanoda.

Vashumiri vake havafaniri kumbonzwa vasingabatsiri. Mwari anopa mudzimu mutsvene wake wakawanda, simba guru kupfuura rimwe simba ripi neripi kuti ritibatsire.—VaFiripi 4:13.

▪ Kuisa tariro muna Mwari hakumbogumi nokunyadziswa.

Akavimbika zvakakwana, haazombokusiyi.—Pisarema 25:3.

[Mufananidzo uri papeji 20]

Sezvinoita ngowani inodzivirira musoro, tariro inodzivirirawo pfungwa

[Mufananidzo uri papeji 20]

Kufanana nechinomisa chikepe, tariro yakasimba inogona kudzikamisa

[Kwazvakatorwa]

Courtesy René Seindal/Su concessione del Museo Archeologico Regionale A. Salinas di Palermo