Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Takaberekerwa Kudzidza

Takaberekerwa Kudzidza

Takaberekerwa Kudzidza

“Shiri dzinobhururuka, hove dzinoshambira; munhu anofunga uye anodzidza.”—JOHN HOLT, MUNYORI UYE MUDZIDZISI.

MWANA wemhembwe anongoberekwa achikwanisa kumira nemakumbo ake marefu, asati asimba otevera amai vake. Ukuwo mwana womunhu, angasagona kufamba kusvikira ava negore. Asi, vanhu vane chipo chinoshamisa zvechokwadi chouropi hwakakwirira zvikuru kudarika hwemhuka dzose. Kukwirira uku kunoratidzwa nokuda kuziva kusingaperi kwomwana uye chido chokuongorora zvinhu nezivo.

Kuti vagutse kuda kuziva uku, vana vakasvika, vane utano hwakanaka vanochinja zvakavapoteredza kuti ive rabhoritari. Ukavapa chinhu, vachachidzidza nepfungwa dzavo dzose, kunyange kutoravidza! Uye kuongorora kwacho hakugumiri ipapo. Sokuziva kunongoita mubereki wose, vana vanokombamisa zvinhu, vanozvirovera pasi, vanozvizunguza, uye vanozviputsa—kazhinji vachifara zvikuru—vachitsvaka kunzwisisa uye kuziva zvakavapoteredza.

Kuda kuziva kwevana kunotowedzera kuva pachena zvikuru pavanotanga kutaura—chiito chinoshamisa pachacho! Nenguva isipi, vana vanotanga kubvunza mibvunzo isingaperi. Vanonaya vabereki nemibvunzo yakadai sokuti, ‘Nei ichi chakadai?’ ‘Nei icho chakadaro?’ zvokuti vabereki vakawanda vanotadza kushivirira. Mumwe munyori anonzi John Holt akati, “vanodzidza zvakawanda nokushingaira zvikuru munguva pfupi pfupi uye nechido chikuru.”

Makore mashomanana gare gare, vana vari munyika dzakawanda vanozopinda munyika itsva yokudzidza—ine vadzidzisi, mabhuku, madhesiki, uye zvichida ine mazana evamwe vana. Zvinosuruvarisa kuti pashure pemakore akawanda vari kuchikoro, vaduku vakawanda havazodi kudzidza nenzira iyoyi. Vamwe vanotozoona chikoro sechinonetesa pfungwa kana kuti chinofinha. Zvichida zvimwe zvidzidzo kana kuti vadzidzisi hazvivanakidzi. Kana kuti zvichida vanofunganya zvakanyanya nemhaka yokutamburira kuti vabudirire muzvidzidzo zvavo.

Pfungwa dzakadaro dzisina kunaka dzinowanikwa pamusoro pokudzidza kwakadaro dzingaramba dziripo kusvikira munhu akura uye kunyange atokwegura, zvichiita kuti vanadzo vasada kumbonzwa nezvechinhu chipi nechipi chinoda kufungisisa, kudzidza kana kuti kutsvakurudza. Vanhu vakwegura vane chimwezve chipingamupinyi chavanofanira kurwisana nacho—kudavira kuti kungokwegura kunobva kwatokanganisa mano okudzidza. Asi sezvatichaona, hapana chikonzero chokuva nemafungiro aya.

Unoda kuwedzera mano ako nechido chokudzidza, pasinei nezera rako here? Kana uri mubereki, unoda kuti vana vako vave vadzidzi vari nani uye vanakidzwe nokudzidza mumakore ose avachange vari kuchikoro nepashure pacho here? Kana zvakadaro, tapota verenga nyaya inotevera.

[Mufananidzo uri papeji 19]

Vana vanoda kudzidza

[Mufananidzo uri papeji 19]

Zvinosuruvarisa kuti vaduku vakawanda vanoneta mupfungwa uye kufunganya kuchikoro