Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nzira Yokukudziridza Nayo Chido Chokudzidza

Nzira Yokukudziridza Nayo Chido Chokudzidza

Nzira Yokukudziridza Nayo Chido Chokudzidza

“Rovedza mwana nzira yaanofanira kufamba nayo, ipapo kunyange akwegura haangatsauki pairi.”—ZVIREVO 22:6.

WAKAMBOEDZA kurarisa vana apo kwakanga kuchiitika chimwe chinhu chinonakidza here? Kunyange zvazvo vangave vakaneta, vachichema, uye vatogumburwa, vachaedza kuramba vakasvinura uye kuda kubatanidzwawo. “Chido chavo chokunzwisisa nyika uye kuva nounyanzvi hwokuita zvinhu chakakura uye chakasimba kungofanana nokuda kwavanoita kudya kana kuzorora kana kuti kurara. Dzimwe nguva chido chokunzwisisa zvakaita nyika chingatosimba zvakanyanya,” anonyora kudaro munyori anonzi John Holt.

Zvakangoomera vana ndezvokuti varambe vaine chido chokudzidza muupenyu hwavo hwose, kusanganisirawo makore okuchikoro. Kunyange zvazvo pasina nzira inovimbisa kubudirira, pane unyanzvi hwakawanda hwakaedzwa uhwo vabereki, varairidzi, uye vana vanogona kushandisa. Zvisinei, chinotokosha kupfuura humwe unyanzvi hwose, rudo.

Ita Kuti Rudo Rubudise Zvakanakisisa

Vana vanoda zvikuru rudo rwevabereki. Runovaita kuti vanzwe vakachengeteka, zvoita kuti vade kukurukura, kubvunza mibvunzo, uye kuongorora. Rudo runoita kuti vabereki vagare vachitaura nevana vavo uye kuti vafarire kudzidza kwevana ivavo. Kutsvakurudza kunoratidza kuti “vabereki vanoita sokuti ndivo vanonyanya kukurudzira mwana kuda kudzidza,” rinoratidza kudaro bhuku rinonzi Eager to Learn—Helping Children Become Motivated and Love Learning. Zvinoitwa nokukurudzira kwevabereki zvinotonyanya kuoneka kana vabereki vacho vakashanda pamwe nevadzidzisi. “Pakukurudzira mwana kuti ave nechido chokudzidza, hapana simba ringapfuura romubereki nomudzidzisi vachishanda pamwe,” rinodaro bhuku racho.

Vabereki vanewo zvavanoita pamano okudzidza evana vavo. Pakuongorora mhuri 43 kwakaitwa kwenguva refu, kunotaurwa mubhuku rinonzi Inside the Brain, vatsvakurudzi “vakawana kuti vana vakataurwa navo zvakanyanya [mumakore matatu okutanga oupenyu hwavo] vainyatsova nenjere dzakapinza kupfuura vana vane vabereki vaisataura navo zvakanyanya.” Bhuku racho rinowedzera kuti “vabereki vanotaura nevana vavo chaizvo vanowanzorumbidza zvinoitwa nevana, vanopindura mibvunzo yavo, vanopa nhungamiro pane kupa mitemo, uye kupa mashoko akawanda vachiabatanidza nenzira dzakasiyana-siyana.” Kana uri mubereki, unotaura kakawanda uye zvinovaka nomwana wako here?

Rudo Rune Mutsa uye Runonzwisisa

Vana vanosiyana-siyana mano avo uye zvavanogona kuita. Nenzira yomuzvarirwo, vabereki havangadi kubvumira misiyano iyi kukanganisa rudo rwavanoratidza. Zvisinei, munyika yanhasi vanhu vanowanzoyerwa mukuwirirana nezvavanogona kuita, zvinozoita kuti vamwe vana “vafunge kuti kukosha kwavo somunhu kunoenderana nokugona kwavo kuita zvinopfuura vamwe,” mukuwirirana nebhuku rinonzi Thinking and Learning Skills. Kunze kwokusiya vana ava “vachinyanya kutya kukundikana,” mafungiro aya anogonawo kukonzera kufunganya zvisina kukodzera uye kuodza mwoyo. Magazini inonzi India Today inotaura kuti kufunganya kunokonzerwa nokuremerwa nezvidzidzo uye kusatsigirwa nemhuri kunofungidzirwa kuti ndiko kunonyanya kukonzera kuzviuraya kwevari kuyaruka kwakawedzera kakapetwa katatu muIndia mumakore 25 apfuura.

Kukuvara mupfungwa kunogona kuitika kana vana vakanzi “madofo” kana kuti “mafuza.” Kutaura kwoutsinye kwakadaro kunoodza mwoyo pane kukurudzira kudzidza. Zvisinei, rudo rwomubereki nguva dzose runofanira kuva nomutsa, ruchitsigira chido chomwana chaanongoberekwa ainacho chokuda kudzidza—uye maererano nemano ake, asingatyi kunyadziswa. (1 VaKorinde 13:4) Kana mwana aine chinetso chokudzidza, vabereki vane rudo vanoedza kubatsira vasingamboiti kuti mwana wacho anzwe ari fuza kana kuti asingakoshi. Chokwadi, izvozvo zvingada kushivirira uye unyanzvi, asi unenge watamburira zviripo. Munhu angakudziridza sei rudo rwakadaro? Kunzwisisa zvinhu zvokunamata inhanho yokutanga inokosha.

Kunzwisisa Zvinhu Zvokunamata Kunodzikamisa

Kunamata kunodzidziswa neBhaibheri kunokosha kwazvo nokuda kwezvikonzero zvinoverengeka. Chokutanga, kunotibatsira kuona dzidzo yokunyika nenzira yakakodzera, tichiiona seinokosha asi kwete seinokosha kupfuura zvinhu zvose. Somuenzaniso, masvomhu angashandiswa muzvinhu zvakawanda, asi haagoni kuita kuti munhu ave netsika dzakanaka.

Bhaibheri rinotikurudzirawo kusanyanyisa pamusoro penguva yatinopedza tichidzidza zvinhu zvenyika, richiti: “Kuita bhuku zhinji hakuperi, uye kudzidza kuzhinji kunonetsa muviri.” (Muparidzi 12:12) Chokwadi, vana vanofanira kuwana dzidzo yakanaka inovabatsira, asi haifaniri kuvapedzera nguva yavo yose. Vanodawo nguva yokuita zvimwe zvinhu zvinovaka, zvikurukuru zviya zvokunamata, zvinodzidzisa munhu womukati.

Chimwe chinhu chinotaurwa neBhaibheri pamusoro pokunamata kuva nomwero. (Mika 6:8) Vanhu vane mwero vanoziva zvavasingakwanisi, uye havanyengerwi kupinda mumakwikwi okuda chinzvimbo uye outsinye anooneka mumasangano akawanda ezvedzidzo. Unhu husina kunaka uhwu “hunogona kuita kuti vanhu vaore mwoyo,” rinodaro India Today. Tingava tiri vakuru kana kuti vaduku, zvinhu zvinotifambira zvakanaka kana tikateerera zano rakafuridzirwa reBhaibheri rinoti: “Ngatirege kuva vanozvikudza, tichinyandura makwikwi pakati pedu, tichiitirana shanje.” “Asi munhu mumwe nomumwe ngaaratidze zvakaita basa rake oga, uye ipapo achava nechisakiso chokufara zvikuru pamusoro pake oga, asingazvienzanisi nomumwe munhu.”—VaGaratiya 5:26; 6:4.

Vabereki vangashandisa sei izvi pakudzidza kwevana vavo? Imwe nzira ndeyokukurudzira mwana mumwe nomumwe kuva nevavariro achienzanisa basa rake oga. Somuenzaniso, kana mwanakomana wako anga achinetseka nemasvomhu uye bvunzo yezviperengo, mukumbire kuti aenzanise zvaagona nezvaakagona mubvunzo yakapfuura. Ibva wamurumbidza zvakakodzera kana kumukurudzira. Nenzira iyi, uchamubatsira kuti avavarire kuita zvinhu zvaanogona kuita, kuona kuti ari kufambira mberi here, uye kumubatsira zvaasingagoni kuita, usingamuenzanisi nevamwe.

Zvisinei, mazuva ano, vamwe vechiduku vanogona vangasaita zvakanaka kuchikoro nemhaka yokutya kusekwa. Dzimwe pwere dzinoti, “‘Hazvina kunaka’ kuva mudzidzi anogona.” Maonero okunamata anogona kubatsira here apa? Chokwadi, anogona! Chimbofunga nezvaVaKorose 3:23, iyo inoti: “Zvose zvamunoita, zvishandei nemweya wose sokuna Jehovha, kwete kuvanhu.” Unogona here kufunga vavariro yakakwirira pakushanda nesimba inodarika yokufadza Mwari? Kuva nemaonero akanaka akadaro kunopa munhu simba rokuramba kuita zvisina kunaka zvaangamanikidzwa kuita nevezera rake.

Dzidzisai Vana Kuti Vafarire Kuverenga

Kuverenga nokunyora zvinhu zvinokosha kwazvo padzidzo yakanaka—yokunyika neyokunamata. Vabereki vanogona kukudziridza chido chokuverenga mabhuku nokuverengera vana vavo kubvira paucheche. Daphne, uyo anoita basa rokuverenga achigadzirisa zvinenge zvakanganiswa, anofara kuti vabereki vake vaigaromuverengera achiri mwana. “Vakakudziridza chido changu chokuverenga mashoko akanyorwa,” anotsanangura kudaro. “Saka ndakagona kuverenga ndisati ndaenda kuchikoro. Vabereki vangu vakandidzidzisawo kutsvakurudza zvokuti ndaikwanisa kuwana mhinduro dzemibvunzo yangu. Kurovedzwa uku kwave kuchikosha chaizvo, kusvikira nhasi.”

Ukuwo Holt, ambotaurwa kwokutanga, anonyevera kuti kuverengera vana “harisi piritsi rinongoerekana rarapa.” Anotizve: “Kana kuverenga kwacho kusinganakidzi mubereki nomwana, kunotokuvadza zvikuru pane kuti kubatsire. . . . Kunyange vana vanoda kuverengerwa zvinonzwika . . . havakufariri kana vabereki vasingakufariri.” Saka, Holt anoti vabereki ngavasarudze mabhuku anovanakidzawo, vachifunga nezvokuti vana vangada kunzwa mabhuku acho achiverengwa kakawanda! Mabhuku maviri ari kufarirwa nemamiriyoni evabereki munyika yose kuverengera vaduku vavo ndeaya anoti Dzidza Kumudzidzisi Mukuru uye Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri, ose akabudiswa neZvapupu zvaJehovha. Zvaakanyanya kugadzirirwa vana, mabhuku aya ane mienzaniso yakanaka kwazvo, anokurudzira kufunga, uye anodzidzisa nhungamiro dzaMwari.

Timoti, muKristu womuzana remakore rokutanga, akakomborerwa nokuva naamai uye ambuya vaifarira zvikuru kudzidza kwake, zvikurukuru dzidzo yake mune zvokunamata. (2 Timoti 1:5; 3:15) Timoti akakura kuva munhu aikwanisa kutakura mutoro uye aivimbwa zvikuru—zvinhu zvisingakwanisi kukonzerwa nedzidzo yokunyika yoga. ((VaFiripi 2:19, 20; 1 Timoti 4:12-15) Nhasi ungano dzeZvapupu zvaJehovha munyika yose dzine vana“Timoti” vechiduku vakaisvonaka—vakomana nevasikana—nemhaka yevabereki vane rudo, vanofunga zvinhu zvokumudzimu.

Dzidzisa Nechido!

Kana ari mudzidzisi anoda kuti vamwe vade kudzidza, “shoko rimwe chete rinongopfupisa chinhu chinokosha—chido,” rinodaro bhuku rinonzi Eager to Learn. “Nokungovapo kwavo, vadzidzisi vane chido vanenge vachitoudza vadzidzi kuti vari kunakidzwa nezvavari kudzidzisa, uye chido ichi chinonyatsooneka nemaitiro uye matauriro avo.”

Zvisinei, kutaura zvazviri, haasi mubereki wose kana kuti mudzidzisi anonzwa manyukunyuku. Saka, vana vakangwara vanoedza kuzvikurudzira voga kuti vaone kudzidza somutoro wavo. Pamusoro pazvo, bhuku rambotaurwa rinoti, “hapana munhu achagara ari pedyo nevana vedu kwoupenyu hwavo hwose achivabatsira kudzidza, kuita basa rakanaka, kufunga, uye kuvaitira zvimwe zvinhu zvichaumbiridza unyanzvi hwakaisvonaka.”

Zvakare, izvi zvinoratidza kuti kumba ndiko kunonyanya kukosha kudarika kuchikoro sezvo kuri iko kunodzidzira vana tsika. Vabereki, mune chido chokudzidza here? Pamba penyu inzvimbo yakanaka yokudzidzira here, iya inosimbisa zvinhu zvokunamata? (VaEfeso 6:4) Yeukai kuti muenzaniso wenyu uye kudzidzisa kwenyu zvichava nesimba pavana venyu makore akawanda pashure pokunge vapedza chikoro uye vabva pamba.—Ona bhokisi rinoti “Mhuri Dzinodzidza Zvinobudirira,” riri papeji 23.

Zivai Kuti Vanhu Vanodzidza Nenzira Dzakasiyana-siyana

Hakuna ndangariro mbiri dzakanyatsofanana; imwe neimwe ine madzidziro ayo. Zvinoshanda kune mumwe munhu zvingasashanda kune mumwe. Saka, Dr. Mel Levine, mubhuku rake rinonzi A Mind at a Time, anoti: “Kubata vana vose nenzira yakafanana kunoda kuti ubate mumwe nomumwe maererano nezvaanoda. Vana vakasiyana-siyana vane nzira dzakasiyana dzavanoda pakudzidza; vane kodzero yokugutswa zvavanoda izvozvo.”

Somuenzaniso, vamwe vanhu vanobata uye vanoyeuka pfungwa zviri nani pavanoona mifananidzo. Vamwe vanoda mashoko akanyorwa kana kuti anoita zvokutaurwa—zvichida vangatoda zvose. Levine anoti, “Nzira yakanakisisa yokuyeuka chimwe chinhu ndeyokuchichinja, kuchinja mashoko acho neimwe nzira. Kana chichioneka, chichinje kuva mashoko, kana chiri chemashoko, gadzira mufananidzo wechinhu chacho.” Nzira iyi inoita kuti kudzidza kusaunza mugumisiro wakanaka chete asiwo kuti kunakidze.

Zvechokwadi, ungada kumboedza kuti uone kuti inzira ipi inonyatsokuitira zvakanaka. Hans, mumwe mushumiri wechiKristu wenguva yakazara, akadzidza Bhaibheri naGeorge, mumwe murume akwegura akanga akangoti dzidzeiwo zvishoma. Zvakanga zvakaomera George kunzwisisa pfungwa uye kudziyeuka. Saka Hans akaedza kuenzanisira pfungwa huru nokudhirowa mifananidzo yaiva nyore pamapepa. “Ndipo pakatanga kuchinja George,” akadaro Hans. “Kutaura zvazviri, akatanga kunzwisisa uye kuyeuka pfungwa zvakanaka kwazvo zvokuti iyewo akatoshamisika! Pandakanga ndaona mashandiro aiita pfungwa dzake, ndakaona kuti akanga aine pfungwa dzakapinza kupfuura zvandaifunga. Nenguva isipi, akawedzera kunzwa aine chivimbo, uye akatanga kutarisira mberi kuzvidzidzo zvedu zvaitevera kudarika zvaaisiita.”

Hauna Kukwegura Zvikuru Zvokusakwanisa Kudzidza

“Zvinogona kuitwa nouropi zvinoenderana nokuti hunoshandiswa here kana kuti kwete,” rinodaro bhuku rinonzi Inside the Brain. “Ihwo muchina unongofanira kushandiswa kana kuti unogona kurasikirwa nawo, uye unoda chaizvo kudzidza unyanzvi hutsva.” Rinotiwo: “Sezvinongoita kurovedza muviri kunoita kuti vanhu varambe vakasimba mumakore avo okuma70 nokuma80, vatsvakurudzi vari kuwana kuti kurovedza pfungwa kunogonawo kuita zvakafanana nokuda kwouropi hunenge huchikwegura. Zvave zvichifungwa kwemakore akawanda kuti kukwegura inguva yokuvhiringidzika kwepfungwa kusingadzokeri shure. Asi kutsvakurudza kutsva kunoratidza kuti [izvi] zvaiitika nemhaka yokutarisira kuti zvaizodaro, kazhinji kacho nemhaka yokusashandiswa kwouropi. Uyezve, vanhu havarasikirwi nemasero akawanda ouropi zuva roga roga pavanenge vachikura, sezvaimbofungwa.” Kuderera kwakakomba kwokushanda kwepfungwa kazhinji kacho chiratidzo chechirwere, kusanganisira chirwere chemwoyo.

Ichokwadi kuti kumwe kuderera pakushanda kwepfungwa kungaitika mumakore oukweguru kwete zvakakomba hazvo. Vatsvakurudzi vanoti uropi hunoshandiswa hunoramba kuderera—zvinotonyanya kudaro kana munhu wacho anewo purogiramu yakanaka yokurovedza muviri. “Munhu akanyanyawo kubatanidzwa muzvinhu zvedzidzo, anobva anyanya kuwedzerawo mano ake okudzidza. Vadzidzi vanongoramba vachidzidza vadzidzi vakanaka,” rinodaro bhuku rinonzi Elderlearning—New Frontier in an Aging Society.

Izvi zvakaratidzwa muongororo yakaitwa muAustralia kwemakore 20 pavanhu vaiva nemakore 60 kusvika ku98. Kuderera kwenjere dzevanhu vazhinji vaiongororwa kwaingova 1 muzana pagore. Zvisinei, “vamwe vanhu, kusanganisira vava nemakore ari kuma90, havana kumboderera pfungwa,” unodaro mushumo wacho. “Ava vaiwanzova vanhu vaya vakanga vaongororwa madzidziro avo muzvidzidzo zvakarongwa zvaisanganisira kudzidza mutauro wokumwe uye chiridzwa kana kuti zvose.”

George, ambotaurwa, akanga ava nemakore okuma70 paakatanga kudzidza Shoko raMwari. Virginia, ava nemakore 80 nomurume wake mushakabvu, Robert, vakatangawo kudzidza Bhaibheri vakwegura. Virginia anoti: “Kunyange akanga asingachaoni zvakanaka, Robert aipa hurukuro pfupi dzeBhaibheri paImba yoUmambo kubva pamapepa ehurukuro aakanga achiri kuyeuka. Kana ndirini, handina kumbobvira ndanakidzwa nokuverenga, asi iye zvino ndinofarira kuverenga. Kutaura zvazviri, nhasi mangwanani-ngwanani ndaverenga magazini yose yeMukai!”

George, Robert, naVirginia vanongova mienzaniso mitatu yevakwegura vanoratidza kuti vanokwanisa kudzidza uye vanoshandisa zvakanaka pfungwa dzavo. Kutsvakurudza kunoratidza kuti makore 70 kana kuti 80 okudzidza, kuuropi, zvakangofanana nezvakaita kadonhwe kari mudhiramu guru remvura—zvinotoita sepasina chinhu. Nei uropi huchigona kuchengeta zvinhu zvakawanda kwazvo kudaro?

[Bhokisi riri papeji 21]

Indaneti neTV—Zvinobatsira Here Kana Kuti Zvinokuvadza?

“Kushandisa Indaneti kune zvakwakanakira nezvakwakaipira,” rinodaro bhuku rinonzi Mind at a Time. Kudzidza kutsvaka mashoko kunogona kubatsira chaizvo, asi vamwe vadzidzi, rinotsanangura kudaro bhuku racho, “vanobvisa mashoko mune imwe kombiyuta vachiendesa kune imwe vasinganzwisisi chaizvoizvo kana kufungisisa zvavanenge vachiita. Saka izvi zvinoita kuti pave nengozi yokuti vanhu vave nomuitiro mutsva wokudzidza vasingashandisi pfungwa kana kuti zvichida wokutowana nokupfuudza unyanzvi hwakaitwa nevamwe vachiita sokunge ndivo vakahutanga.”

Vatsvakurudzi vanoti kupedza nguva yakawanda uchiona TV kungakanganisa unyanzvi hwokugadzirisa zvinetso nokuteerera, kungakutadzisa kufungidzira, uye hakuvaki unhu. “Kungofanana nemidzanga, materevhizheni anofanira kuva nemashoko anonyevera nezvokukanganisa kwaanoita munhu,” rinodaro bhuku rinonzi Eager to Learn.

Rimwe bhuku rinoti chinonyanya kudiwa nevana “kugara vachitaura mutauro (kuverenga nokutaurirana), kudiwa, uye kugarombundirwa.”

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 23]

Mhuri Dzinodzidza Zvinobudirira

Tsika nemiitiro zvinotevera zvinogona kubatsira mhuri yako kudzidza zvinobudirira:

▪ Kugara uchiudza vana zvaunovatarisira asi usingazonyanyisi, uchidaro nenzira yorudo

▪ Kuona basa rakaoma sekiyi yokubudirira

▪ Kuva noupenyu hwokubishaira, kwete hwounyope

▪ Kupedza maawa akawanda okudzidzisa vana vhiki yoga yoga uye zvinhu zvinosanganisira mabasa okuchikoro anoitirwa pamba, kuverenga kwokungotandara, mitambo, mabasa anoitwa nemhuri, uye kuvadzidzisa mabasa epamba

▪ Kuona mhuri senzvimbo inowanikwa kurudziro uye kubatsirwa kupedza zvinetso

▪ Mitemo yepamba inotsanangurirwa vana zvakanaka uye ichitsigirwa nevabereki

▪ Kugarokurukura nevadzidzisi

▪ Kungwarira kufambira mberi kwavo mune zvokunamata

[Mufananidzo]

Vabereki, munodzidzisa vana venyu kuti vanakidzwe nokuverenga here?

[Kwazvakatorwa]

Kubva mubhuku rinonzi Eager to Learn—Helping Children Become Motivated and Love Learning.

[Bhokisi riri papeji 24, 25]

Nzira Dzokuwedzera Nadzo Kudzidza uye Kuita Kuti Kunakidze

Farira Batikana nechimwe chinhu, uye uchabva wakurumidza kudzidza. Bhuku rinonzi Motivated Minds—Raising Children to Love Learning rinobudisa kuongorora kunotevera: “Vatsvakurudzi vakaratidza zvisina mubvunzo kuti kana vana vakadzidza nemhaka yokuti zvinovanakidza, kudzidza kwavanoita kunova kwakadzama, kune zvakunoreva, uye kunogara kwenguva refu. Havakurumidzi kuora mwoyo, vanowedzera kufunga zvitsva, uye kuda kuita basa rakaoma.”

Ratidza Kubatana Kwakaita Zvaunenge Uchidzidza Noupenyu Munyori nomudzidzisi Richard L. Weaver II akanyora kuti: “Kana paine kubatana kwakananga pakati pezvaunodzidza mukirasi nezvinhu chaizvo zvinoitika, zvinoita sokuti girobhu rokunzwisisa rabaka.”

Edza Kunzwisisa Vanhu pavanoedza kunzwisisa chimwe chinhu, zvinovabatsira kuti vafunge uye kuti ndangariro dzishande. Zvinokosha kudzidza uchibata zvinhu nomusoro, asi hazvitsivi kunzwisisa. “Uzviwanire njere nezvose zvaunazvo. Uhukudze, hugokukwiridza iwe,” inodaro Zvirevo 4:7, 8.

Isa pfungwa pachinhu chimwe “Kuisa pfungwa pachinhu chimwe ndiwo musimboti wedzidzo,” rinotsanangura kudaro bhuku rinonzi Teaching Your Child Concentration. “[Kuisa pfungwa pachinhu chimwe] kunokosha zvokuti kwave kuchinzi chinhu chinokosha chinodiwa pakuwana uchenjeri uye kwakatonzi kwakaenzana nenjere pachadzo.” Munhu anogona kudzidziswa kuisa pfungwa pachinhu chimwe. Chimwe chinhu chinokosha kutanga nezvikamu zviduku zvokudzidza wozozviwedzera pashoma napashoma.

Tsanangura namamwe mashoko “Vadzidzi vanogona zvikuru ndevaya vanogona kutsanangura zvinhu namamwe mashoko,” anodaro Dr. Mel Levine mubhuku rake rinonzi A Mind at a Time. Kutsanangura uchishandisa mamwe mashoko kunoderedza mashoko kuva zvikamu zviduku, zvinonzwisisika, zviri nyore kuzozviyeuka. Vanhu vanogona kunyora zvinenge zvichitaurwa vanoshandisa izvi kuti vasanyora shoko neshoko.

Batanidza pfungwa Mubhuku rinonzi The Brain Book, Peter Russell anofananidza ndangariro nezvirauro zvakarembedzwa pandangariro dzakapfuura. Muchidimbu, kuyeuka kunowedzerwa kana ukanyatsobatanidza zvinhu zvitsva nezvinhu zvawagara uchiziva. Kana ukanyanya kubatanidza zvaunoziva nezvitsva zvaunodzidza uchazviyeukawo zviri nani.

Fungidzira Mifananidzo inogona kuyeukwa kwenguva refu. Saka kana zvichibvira, fungidzira uchiona zvinhu zvacho. Nyanzvi dzendangariro dzinoshandisa unyanzvi uhu, kazhinji dzichiita kuti vanhu vafunge nezvemifananidzo inosetsa kuti ivabatsire kuyeuka.

Dzokorora Mumaawa 24 tingakanganwa zvinhu zvatinenge tadzidza zvinogona kusvika 80 muzana. Nokudzokorora muchidimbu pashure pechidzidzo, uye zvakare pashure pezuva, pevhiki, pomwedzi, uye kunyange kwapera mwedzi mitanhatu, tinovandudza chaizvo zvatinoyeuka, kunyange kutosvika pakuyeuka chinenge chinhu chose.

[Mifananidzo iri papeji 24]

Vabereki nevadzidzisi vanofanira kushanda pamwe chete kuti vabatsire vana kudzidza

[Mifananidzo iri papeji 26]

Zera harifaniri kutadzisa munhu kudzidza