Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Matoyi Akanakisisa

Matoyi Akanakisisa

Matoyi Akanakisisa

Ndinofanira kutengera mwana wangu chitoyi chorudzii? Ndinofanira kushandisa mari yakawanda sei? Kana uri mubereki, pamwe wakambozvibvunza mibvunzo iyi kakawanda. Zvino mashoko akanaka ndeokuti, matoyi akanakisisa angangodaro ari aya asinganyanyi kudhura.

“Vana vanobatsirwa zvakanyanya nokubatabata zvinhu nokuzviongorora kupfuura zvavanoita nokungogara vakatarisa, saka matoyi ari nyore anoita kuti vafungidzire ari nani kupfuura motokari dzinoshamisira dzine mabhatiri nezvidhori zvinotaura, izvo zvisingapi mwana mukana wokuita zvimwe zvinhu,” rinodaro bhuku rinonzi Motivated Minds—Raising Children to Love Learning. Mamwe matoyi aya angave “achinakidza pakutanga, asi vana vanokurumidza kufinhwa nawo nokuti haavabvumiri kuedza zvimwe zvinhu, kuongorora, kana kuti kuronga zvimwe zvinhu.”

Zvichienderana nezera romwana, matoyi anotokonya pfungwa anosanganisira zvinhu zviri nyore sezvokuvakisa, mabhokisi asina chinhu, pepa, zvinhu zvokudhirowesa, uye kunyange jecha nemvura. “Matoyi maduku akadai sezvipfuwo,” rinodaro bhuku rinonzi Motivated Minds, “achapa [mwana] mukana wokubatanidza zvakafanana, nokuenzanisa, uye kutanga unyanzvi hwomutauro wake nokuumba nyaya.” Bhuku racho rinokurudzirawo kushandisa zviridzwa zviri nyore—kana wakagadzirira kutsungirira ruzha rwacho—nokuti izvi zvinobvumira vana kuongorora mitinhimira uye mhando yayo.

Vana vanofungidzira zvinhu zvakajeka, uye vanoda chaizvo kudzidza nokutamba. Saka vabatsireiwo muzvinhu zvose zvitatu izvi nokuvasarudzira matoyi avo nokuchenjera.