Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kurovedza Vana Vachiri Vaduku Kunokosha Zvakadini?

Kurovedza Vana Vachiri Vaduku Kunokosha Zvakadini?

Kurovedza Vana Vachiri Vaduku Kunokosha Zvakadini?

FLORENCE aiva nemakore 40 uye aida kuva nomwana zvikuru. Zvisinei, paaiva nepamuviri, chiremba akamunyevera kuti mwana wake aigona kuberekwa asingakwanisi kudzidza zvinhu. Akaramba kubvisa pamuviri pacho ndokubereka mwana ane utano hwakanaka.

Mwanakomana wake Stephen achangoberekwa, Florence akatanga kumuverengera uye kutaura naye pose paaiwana mukana. Paaikura, vaitamba mitambo, vaienda kunoshanyira nzvimbo dzinonakidza, vaidzidzira kuverenga nhamba, uye vaiimba nziyo. “Kunyange pandaimugeza taitamba,” anoyeuka kudaro. Izvozvo zvakabatsira.

Paakanga ava nemakore 14, Stephen akapedza kudzidza paYunivhesiti yeMiami akapasa zvikuru. Kwapera makore maviri, ava nemakore 16, akapedza kudzidza pachikoro chemagweta, uye maererano nenyaya youpenyu hwake, akazova gweta duku pane ose aiva muUnited States. Amai vake, Dr. Florence Baccus—vaimbova mudzidzisi uye mupi wezano—vakapedza nguva yakawanda vachiongorora zvinovapo kana mwana akadzidza achiri muduku. Vane chokwadi chokuti kunyatsotarisira nokukurudzira kwavakaita mwanakomana wavo achiri mucheche kwakachinja ramangwana rake.

Zvinoberekwa Zvakaita Munhu Kana Kuti Marererwo Aanoitwa

Munguva ichangopfuura nyaya inokosha yave ichiitiranwa makakatanwa nevanhu vanodzidza nezvepfungwa yave iri yokukura kwomwana zvichikonzerwa ne“zvaanoberekwa akaita,” kureva zvakagarwa nhaka nomwana, uye “marererwo aanoitwa,” kukudzwa nokurovedzwa kwaanenge aitwa. Vanotsvakurudza vakawanda vane chokwadi chokuti zvinhu zviviri izvi zvine zvazvinoita pakukura kwomwana.

Nyanzvi yezvokukura kwevana Dr. J. Fraser Mustard inotsanangura kuti: “Maererano nokuongorora kwakaitwa, zvatinoziva ndezvokuti zvinoitika kumwana achiri muduku zvine zvazvinoita pakukura kunoita pfungwa dzomwana.” Professor Susan Greenfield anotiwo: “Somuenzaniso, tinoziva kuti chikamu chouropi chine chokuita nokufamba kweminwe yoruboshwe chevanhu vanoridza violin chakakura kupfuura zvevamwe vanhu.”

Zvinofanira Kurovedzwa Vana

Maererano neizvi zvakabuda muongororo yakaitwa, vabereki vakawanda vanoedza nepavanogona napo kuendesa vana vavo kuzvikoro zvakanaka uyewo vanopedza mari yakawanda vachiita kuti vadzidziswe mimhanzi uye unyanzvi hwokugadzira mifananidzo. Vamwe vanofunga kuti kana mwana akaita zvose, paanenge akura achakwanisa kuita zvinhu zvose. Zvirongwa zvokudzidzisa uye makireshi zviri kuwedzera. Vamwe vabereki vanoda kuita chero chipi zvacho chavanogona kuti vabatsire vana vavo kuti vave nani pane vamwe.

Kuzvipira kwakadai kunobatsira chaizvo here? Kunyange hazvo kungaita sokunoita kuti vana varerwe vaine mikana yakawanda, kazhinji kacho vana ava havawani chikamu chinokosha zvikuru chokudzidza chavanowana vachingoita zvokutamba havo. Vadzidzisi vanoti kudzidza achingoita zvokutamba kunoita kuti mwana agone kugadzira tunhu twakasiyana-siyana uye kunobatsira kuti ave nounyanzvi hwokukwanisa kushamwaridzana nevamwe, uye kushandisa pfungwa.

Dzimwe nyanzvi dzinoona nezvokukura kwevana dzinofunga kuti kutamba kwakarongwa nevabereki kuri kuita kuti pave nevana vanonetsa—vana vanoda kurongerwa zvose avo vanonetseka mupfungwa uye vasina kugadzikana, vasingakwanisi kurara, uye vanogara vachirwadziwa. Mumwe anodzidza nezvepfungwa anoti vana ava pavanozosvika zera rokuyaruka, vakawanda vavo vanenge vasati vadzidza kuti vangakurira sei zvinetso uye “vanenge vakaneta mupfungwa, vasina ushamwari uye vachipandukira.”

Saka vabereki vakawanda havachazivi zvokuita. Vanoda kubatsira vana vavo kuti vaite zvose zvavanogona. Zvisinei, vari kuona upenzi hwokumanikidza vana vaduku kuita zvakawandisa. Pane nzira yokuva pakati nepakati here? Vana vaduku vanogona kukura kusvika papi, uye izvozvo zvingakurudzirwa kusvika papi? Vabereki vangaitei kuti vave nechokwadi chokuti vana vavo vachabudirira? Nyaya dzinotevera dzichakurukura mibvunzo iyi.

[Mufananidzo uri papeji 3]

Zvinotanga kuitika muupenyu zvinogona kuva nezvazvinoita pakukura kunoita pfungwa dzomwana

[Mufananidzo uri papeji 4]

Kutamba kunoita kuti mwana agone kugadzira tunhu twakasiyana-siyana uye kunowedzera unyanzvi hwake