Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Basa Rako Somubereki

Basa Rako Somubereki

Basa Rako Somubereki

“KANA ukaita kuti mwana anzwe achidiwa, ari nhengo yemhuri, aine chinangwa uye abvunze twakawanda-wanda, pfungwa dzake dzichakura,” anodaro Peter Gorski wepaHarvard Medical School. “Basa redu sevabereki harisi rokuita kuti uropi hwevana hushande zvakakwana, asi nderokuita kuti pave nevanhu vane utano, vakadzikama, uye vane hanya nevamwe.”

Chokwadi zvinokugutsa iwe somubereki kuona mwana wako achikura kuva munhu ane tsika dzakanaka, ane hanya nevamwe! Kuti ukwanise kuita izvozvo, zvakawanda zvinoenderana nokutanga kwaunoita kuva munhu womuenzaniso, shamwari, mukurukuri, uye mudzidzisi. Kunyange zvazvo vana vose vachiberekwa vachikwanisa kuratidza tsika dzakati, vabereki vanofanira kuramba vachidzidzisa vana vavo tsika dzakanaka pavanenge vachikura.

Ndiani Anoumba Unhu Hwevana?

Vatsvakurudzi vanotaura zvakasiyana-siyana nezveanonyanya kuumba unhu hwevana. Vamwe vanofunga kuti unhu hwevana hunonyanya kuumbwa nevezera ravo. Asi, Dr. T. Berry Brazelton naDr. Stanley Greenspan, nyanzvi dzinoziva nezvokukura kwevana, dzinodavira kuti zvinoitwa nevabereki pavanorera mwana achiri muduku vaine hanya naye hazvifaniri kurerutswa.

Zvinozoitika muupenyu hwomwana nezvaanowana kubva kune vezera rake zvinowedzera kune zviya zvaakawana achiri muduku. Zvinokosha kuti vana varatidzwe tsitsi uye vanzwisiswe mumhuri. Vanodawo kudzidziswa kurarama nemanzwiro avo sezvinoita vanhu vakuru. Vana vanorerwa saizvozvo vanowanzova vakagadzirira zviri nani kushandira pamwe, kuva netsitsi, uye kuva nehanya nevamwe.

Kurovedza mwana kubvira paucheche ibasa rakaoma. Kuti mubudirire—kunyanya kana muri vabereki vatsva—kuchenjera kutsvaka mazano kubva kune vamwe vane ruzivo rukuru mobva matevera zano rakanaka. Nyanzvi dzakanyora mabhuku akawanda ane chokuita nokukura kwomwana. Kazhinji kacho zvadzinotaura zvakafanana nemazano akavimbika ari muBhaibheri. Paakashandiswa, mazano akanaka eShoko raMwari akabatsira vabereki kurera vana vavo zvinobudirira. Chimbofunga nezvezano rinoshanda rinotevera.

Ratidzai Rudo Zvakanyanya

Vana vakafanana nezvirimwa zviduku zvinokura zvakanaka pazvinogara zvichinyatsotarisirwa. Mvura nezuva zvinoita kuti chirimwa chacho chiduku chiwane kudya uye zvinoita kuti chikure zvakanaka uye chakasimba. Saizvozvowo, vabereki vaya vanotaura mashoko orudo uye vanoruratidza, vachaita kuti vana vavo vakure vaine pfungwa nemanzwiro akadzikama.

Bhaibheri rinongoti: “Rudo runovaka.” (1 VaKorinde 8:1) Vabereki vanoratidza rudo zvakanyanya vana vavo, kutaura zvazviri, vanenge vachitevedzera Musiki wavo, Jehovha Mwari. Bhaibheri rinorondedzera kuti panguva yakabhabhatidzwa Jesu, akanzwa inzwi raBaba vake richiratidza kumuda uye kumufarira soMwanakomana Wake. Chokwadi mashoko aya akakurudzira Jesu kunyange paakanga akura!—Ruka 3:22.

Rudo rwamunoratidza, nyaya dzamunomuverengera panguva yokurara, uye kunyange mitambo yamunotamba naye zvinhu zvinokosha pakukura kwomwana wenyu. ‘Zvose zvinoitwa nomwana,’ anodaro Dr. J. Fraser Mustard, ‘zvinhu zvinoumba unhu hwake. Kana mwana achidzidzira kukambaira, zvamunoita pakumukurudzira zvinokosha.’ Ukaratidza rudo nehanya somubereki zvinoita kuti pave nenheyo yakasimba kuti mwana wako akure uye ave munhu mukuru anogona kutakura mutoro.

Iva Shamwari uye Kurukura

Kupedza nguva nevana kunoita kuti pave noushamwari. Uyezve, kunosimudzira unyanzvi hwokukurukurirana. Ushamwari hwepedyo uhwu—mumusha uye chero kupi zvako uye panguva chero ipi zvayo yakakodzera—hunokurudzirwa muMagwaro.—Dheuteronomio 6:6, 7; 11:18-21.

Nyanzvi dzinoona nezvokukura kwevana dzinobvuma kuti nguva inopedzwa nevabereki vaine vana vavo inokosha zvikuru kudarika matoyi anodhura kana zvimwewo zvipi zvazvo zvinoitwa. Zvimwe zvinoitwa zuva nezuva uye zvisingadi mari yakawanda zvinogona kuita kuti pave nemikana yakadaro yokukurukura nevana venyu. Somuenzaniso, kungoenda kupaki navo kunoona zvisikwa kunogona kuita kuti pave nenguva yakanaka yokuti vabereki vabvunze mibvunzo yakanaka uye inoita kuti pave nokukurukurirana.

Magwaro anotaura kuti pane “nguva yokupembera.” (Muparidzi 3:1, 4) Chokwadi, kumbotamba chaiko kunokosha kuti mwana akure zvakanaka mupfungwa, uye ave nounyanzvi hwokushamwaridzana nevamwe. Maererano naDr. Mustard, kutamba hakungokoshi chete asi kunotodiwa. Anoti: “Tsinga dzinofambisa mashoko dzevana dzinoumbika muuropi hwavo kunyanya nokutamba kuti vaite zvakasiyana-siyana.” Matoyi anoshandiswa nemwana paanenge achingotambawo zvake anogona kunge asingakoshi, akadai sekadhibhokisi risina chinhu. Zvinhu zvinoshandiswa mumba zuva nezuva zvisingakuvadzi zvinogona kufadza vana sezvinongoita matoyi emberi anodhura. *

Nyanzvi dzinodavira kuti kurongera vana mabasa echikuru akawanda kunogona kuvhiringidza pfungwa dzavo uye kugona kwavo kuita twunhu twakasiyana-siyana. Zvinoda kuva nomwero. Bvumirai mwana wenyu kuti ambozvifungira uye ashandise mano ake. Kazhinji mwana achawana chimwe chinhu chaanozvivaraidza nacho. Zvisinei, izvi hazviiti kuti murege mutoro wenyu wokuziva zviri kuita mwana wenyu uye kwaanenge achitambira kuitira kuti asazvikuvadza.

Vawanirei Nguva

Kudzidzisa ibasa rinokosha pakurera vana vane unhu hwakanaka. Vabereki vakawanda vanotsaura nguva zuva roga roga yokuverengera vana vavo zvinonzwika. Izvi zvinoita kuti pave nenguva yokudzidzisa unhu hwakanaka, uyewo yokupa mwana tsika dzakanaka dzinobva pane zvinotaurwa noMusiki wedu. Bhaibheri rinotaura kuti mudzidzisi akatendeka uye mumishinari Timoti akanga ‘aziva zvinyorwa zvitsvene kubvira paucheche.’—2 Timoti 3:15.

Kuverengera mucheche wenyu kunogona kunatsiridza mikaha yake inenge iri pakati petsinga dzinofambisa mashoko. Chinhu chinokosha ndechokuti kuverenga kwacho kuitwe nomunhu ane hanya. Mumwe purofesa wezvedzidzo Linda Siegel anoyambira pamusoro pezvinoverengwa zvacho achiti: “Zvinofanira kunge zvichinakidza vana.” Uyewo, edzai kuvaverengera nguva dzose uye panguva imwe chete zuva roga roga. Izvozvo zvinoita kuti mwana atange kutarisira mberi kunguva yacho.

Kudzidzisa kunosanganisira kuranga. Vechiduku vanogona kubatsirwa pavanorangwa vachiratidzirwa rudo. Zvirevo 13:1 inoti: “Mwanakomana wakachenjera unoteerera kurayira kwababa vake.” Zvisinei, yeuka kuti kuranga kunosanganisira zvinhu zvakawanda. Somuenzaniso, kunogona kuitwa nokutaura kana kuti nokumunyima zvimwe zvinhu kana dzimwe nzira dzokuranga. Dr. Brazelton, ane mashoko ambotaurwa, anotaura kuti chirango “chinodzidzisa mwana kudzora manzwiro ake uye kuti asave nounhu husingadzoreki. Mwana wose anotsvaka uye anotarisira kupiwa mitemo. Chimwe chinhu chinokosha chaunogona kupa chinouya pashure porudo, chirango.”

Ungazviziva sei somubereki kana chirango chako chiri kubudirira? Kutanga, vana vako vanofanira kunzwisisa nei uri kuvaranga. Paunenge uchivaruramisa, zviite nenzira yokuti vana vazive kuti uri mubereki ane rudo ari kubatsira.

Zvimwe Zvokuita Zvinoshanda

Fred ndomumwe baba aiva netsika yokuverengera mwanasikana wake zuva roga roga panguva yokurara kubvira paucheche. Kwenguva yakati, akacherechedza kuti mwanasikana wake aiyeuka nyaya dzakawanda uye aimutevedzerawo, achiziva mashoko uye maungira emanzwi. Chris mumwewo mubereki aiverengera vana vake nomwoyo wose. Akaedza kusiyanisa zvaaivaverengera. Vana vake pavaiva vaduku zvikuru, aishandisa mienzaniso yakadai seiri mubhuku rinonzi Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri kuti adzidzise zvidzidzo zvetsika uye zvokunamata. *

Pane kungoverenga bedzi, vamwe vabereki vanoedza kuitawo zvimwe zvinhu zvakasiyana-siyana—kudhirowa, kupenda, kuridza mimhanzi, kunogara mumatende, kana kushanyira nzvimbo dzemhuka semhuri. Nguva idzi dzinogona kushandiswa semikana yokudzidzisa tsika nounhu hwakanaka mumwoyo nomupfungwa dzinodzidzisika dzevana.

Zvose zvinoitwa zvakakodzera here? Vabereki vanoedza kuita nepavanogona napo kushandisa mirayiridzo inoshanda yambotaurwa, vari mumamiriro ezvinhu ane rugare uye akachengeteka, vangangoona vana vavo vachikura vaine mafungiro akanaka. Kana ukadzidzisa vana vako unyanzvi hwokukurukurirana vachiri vaduku, uchavabatsira pane zvavanozoita mukunamata uye mutsika.

Mazana emakore akapfuura Bhaibheri rakataura zvakajeka pana Zvirevo 22:6 kuti: “Rovedza mwana nzira yaanofanira kufamba nayo, ipapo kunyange akwegura haangatsauki pairi.” Chokwadi vabereki vane basa guru pakurovedzwa kwomwana. Ratidzai vana venyu rudo zvakanyanya. Pedzai nguva munavo, varerei, uye vadzidzisei. Mukadaro muchafara uye ivo vachafarawo.—Zvirevo 15:20.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 15 Ona nyaya inoti “African Toys for Free,” iri mumagazini ino yeChirungu yaMarch 22, 1993.

^ ndima 23 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha. Rimwewo bhuku rinonzi Dzidza Kumudzidzisi Mukuru, rakabudiswawo neZvapupu zvaJehovha, riri kushandiswa zvinobudirira kudzidzisa vana vaduku.

[Bhokisi riri papeji 7]

Kutamba Nomucheche Wako

▪ Vacheche vanofarira chinhu kwenguva pfupi, saka tamba navo pavanenge vachiri kunakidzwa nacho.

▪ Kana matoyi akashandiswa, iva nechokwadi chokuti haakuvadzi uye anoita kuti pfungwa dzomwana dzifunge.

▪ Tambai mitambo inoita kuti zvinhu zvingoitika zvoga. Vana vanonakidzwa nokuita kuti udzokorore chimwe chinhu kakawanda, sokunhonga chitoyi chavanenge vakanda pasi.

[Kwazvakatorwa]

Kwazvakabva: Clinical Reference Systems

[Bhokisi riri papeji 10]

Mazano Okuverengera Mwana Wako

▪ Taura uye dudza mashoko zvakajeka. Mwana anodzidza mutauro nokunzwa vabereki vachiutaura.

▪ Kana vari vana vaduku zvikuru, nongedza uye taura mazita evanhu nezvinhu zvinenge zviri mumabhuku enyaya.

▪ Kana mwana wacho ati kurei, sarudza mabhuku ane nyaya dzaanofarira.

[Kwazvakatorwa]

Kwazvakabva: Pediatrics for Parents

[Mifananidzo iri papeji 8, 9]

Pedzai nguva muchiita zvinhu zvinonyevenutsa pfungwa nomuviri nemhuri yenyu