Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kurera Vana Mukuranga kwaMwari

Kurera Vana Mukuranga kwaMwari

Zvinotaura Bhaibheri

Kurera Vana Mukuranga kwaMwari

“Nzira Yokudzika Nayo Mitemo Isingazotyorwi Nevana Vako”

“Zvinhu Zvishanu Zvaunofanira Kudzidzisa Mwana Wako Paanozosvika Makore Mashanu”

“Unyanzvi Hushanu Hwokushandisa Pfungwa Hunofanira Kuva Nomwana Wose”

“Zvinhu Zvishanu Zvinoratidza Kuti Uri Kunyanya Kuregerera”

“Simba Rokuranga Kuduku”

KUDAI kuranga vana kwaiva nyore, nyaya dzomumagazini dzakadai sedziri pamusoro apa dzaisazonyanya kufarirwa. Mabhuku akawanda akanyorwa nezvokurera vana aizopera. Zvisinei, kurera vana hakuna kumbobvira kwava nyore. Kunyange muzviuru zvemakore zvakapfuura, zvakanzi “mwanakomana benzi unochemedza baba vake, unoitira mai vakamubereka zvinovava.”—Zvirevo 17:25.

Nhasi, pasinei nemazano akawanda panyaya yacho, vabereki vakawanda havazivi kuti vangaranga sei vana vavo. Bhaibheri rinobatsira sei?

Zvinonyatsoreva Kuranga

Bhaibheri rinorondedzera zvakajeka basa revabereki panyaya yokuranga. Somuenzaniso, VaEfeso 6:4 inoti: “Imi vanababa, musatsamwisa vana venyu, asi rambai muchivarera mukuranga nokutungamirira pfungwa kunoitwa naJehovha.” Rugwaro urwu runotaura kuti baba ndivo zvikurukuru vanofanira kutungamirira mukutarisira vana vavo. Chokwadi, amai vanoshanda pamwe chete nomurume wavo.

Panyaya iyi duramazwi rinonzi The Interpreter’s Dictionary of the Bible rinoti: “MuBhaibheri kuranga kune chokuita nokurovedza, kurayiridza, uye zivo kune rimwe divi, uye kutsiura, kururamisa, uye chirango kune rimwe divi racho. Kuranga kunowanzoshandiswa panyaya yokurovedza mwana.” Saka kuranga kunopfuura kungotsiura chete; kunosanganisira kurovedza kwose kunodiwa nevana kuti vabudirire. Asi vabereki vangadzivisa sei kutsamwisa vana vavo?

Nzwira Tsitsi

Chii chinotsamwisa mwana? Funga nezvemamiriro ezvinhu aya. Unoshanda nomunhu asingatani kutsamwa uye asingashiviriri. Haafadzwi nezvaunoita. Anoita seanokuwanira mhaka pane zvose zvaunotaura nezvaunoita. Anowanzoshora basa rako uye anoita kuti unzwe sousingadiwi. Izvozvo hazvingakutsamwisi zvokuodza mwoyo here?

Zvakafanana zvinogona kuitika kumwana kana vabereki vake vakagara vachimunetsa kana kuti vachimutsiura nehasha. Ichokwadi kuti nguva nenguva vana vanoda kutsiurwa uye kuti Bhaibheri rinobvumira vabereki kuti vadaro. Zvisinei, kunetsa mwana nokumubata nehasha, zvisina rudo kunogona kuita kuti akuvare mupfungwa, mumudzimu, kunyange mumuviri.

Vana Vako Vanoda Nguva Yako

Vabereki vanofanira kuwana nguva yokuva nevana vavo. Nezvemirayiro yaMwari, Dheuteronomio 6:7 inoudza madzibaba kuti: “Unofanira kushingaira kuadzidzisa vana vako, nokuataura kana ugere mumba mako, kana uchifamba munzira, kana uchivata pasi, kana uchimuka.” Vana vanoberekwa vane chido chokunzwa kuti vabereki vavo vane hanya navo zvikuru. Kukurukura nevana vako zvakadzikama mazuva ose kunogona kukubatsira kuti unzwisise manzwiro avanoita. Izvi zvingaita kuti zvive nyore kubaya mwoyo yavo nemirayiro yomuBhaibheri, zvichivakurudzira ‘kutya Mwari uye kuchengeta mirayiro yake.’ (Muparidzi 12:13) Ichi ndechimwe chirango chinobva kuna Mwari.

Kana kuranga vana kuchigona kuenzaniswa nokuvaka imba, saka chirango ndechimwe chematurusi okuvakisa. Kana vabereki vakachishandisa zvakafanira, vanogona kuvaka unhu hwakanaka muvana vavo vovashongedzera kuti vatarisane nemiedzo youpenyu. Zvirevo 23:24, 25 inorondedzera zvinozoitika ichiti: “Baba vowakarurama vachafara kwazvo; uye wakabereka mwana wakachenjera, uchafadzwa naye. Baba vako naamai vako ngavafare, mai vakakubereka ngavafare kwazvo.”

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 27]

“KUTUNGAMIRIRA NDANGARIRO KWAJEHOVHA”

VaEfeso 6:4 inotaura nezvo“kutungamirira ndangariro kwaJehovha.” Shoko repakutanga rechiGiriki rinoshandisirwa mashoko okuti “kutungamirira ndangariro” mune mamwe maBhaibheri rinoshandurwa kuti “kufunga nezvechinhu,” “zano,” uye “kurayira.” Mashoko aya ose anoratidza kuti mhuri hadzingofaniri kuverenga Bhaibheri kana kuti kungogara dzichiverenga mashoko ari mubhuku rinobatsira kudzidza Bhaibheri. Vabereki vanofanira kuva nechokwadi chokuti vana vanonzwisisa zvinorehwa neShoko raMwari, kukosha kunoita kuteerera, kudiwa kwavanoitwa naJehovha, uye kuvadzivirira kwaanoita.

Izvi zvingaitwa sei? Judy, amai vevana vatatu, vakaziva kuti vaisangofanira kuramba vachiyeuchidza vana vavo zvinotaurwa neBhaibheri chete. “Ndakaona kuti vakanga vasingazvifariri pandaidzokorora zvinhu zvakafanana nenzira yakafanana nguva nenguva. Ndakatanga kutsvaka nzira dzakasiyana-siyana dzokuvadzidzisa nadzo. Chimwe chandakaita kwaiva kutsvaka nyaya dzomumagazini inonzi Mukai! dzaitaura pfungwa idzodzo nenzira yakasiyana. Saka ndakadzidza nzira yokuyeuchidza nayo vana zvavaifanira kuyeuchidzwa ndisingavatsamwisi.”

Angelo, ane mhuri yakava nezvinetso, anotaura nezvokuti akadzidzisa sei vanasikana vake kuti vafungisise Shoko raMwari, achiti: “Taiverenga ndima dzeBhaibheri pamwe chete, uye ndaibva ndasarudza mamwe mashoko ndotsanangura kuti anoshanda sei kuvanasikana vangu. Pava paya, pavakanga vava kuverenga Bhaibheri vari voga, ndaivaona vachidzamisa pfungwa dzavo, vachifungisisa kuti zvairevei kwavari.”