Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuwana Nguva Yezvinhu Zvinokosha

Kuwana Nguva Yezvinhu Zvinokosha

Kuwana Nguva Yezvinhu Zvinokosha

“Nguva yasara ipfupi.”—1 VaKorinde 7:29.

MICHAEL LeBoeuf akanyora mubhuku rake rinonzi Working Smart kuti, “Kusvetuka-svetuka uchipfachura-pfachura mvura hazvirevi hazvo kuti uri kushambira.”

Zvaakataura izvozvo zvinoreva kuti kungova nezvauri kuita kwakasiyana nokunyatsoita chimwe chinhu chinobatsira. Chimboona kuti vhiki yapera yakanga yakaita sei. Wakaitei nenguva yako? Wakanyanya kubatikana nei? Unoona uchifanira kutsvaka nguva yakawanda yezvinhu zvinokosha kwauri here?

Funga zvakataurwa naJesu nezvenguva ino yechipatapata. Akati sezvo kuguma kwemamiriro ezvinhu aripo iye zvino kunoswedera pedyo uye nyika itsva yaMwari yakarurama yava kusvika, vadzidzi vake vachange vakabatikana. Vachiitei? Vachiparidzira “aya mashoko akanaka oumambo [hwaMwari].” Jesu akatiwo vanhu vakawanda vaizova vakanyanyobatikana zvokusakwanisa kuteerera. Vaizova vakabatikana nezvinhuwo zvazvo zvoupenyu. Akawedzera kuti vose vakanyanyobatikana zvokusakwanisa kuteerera mashoko oUmambo vaizoparadzwa.—Mateu 24:14, 37-39; Ruka 17:28-30.

Mazuva ano, Zvapupu zvaJehovha zviri kuparidzira mashoko akanaka oUmambo hwaMwari munyika dzinopfuura 230. Maererano nezvakataurwa naJesu chaizvo, vakawanda havadi kuteerera, vachiti ‘vakanyanyobatikana.’ Asi tinokukumbira kuti utsvake nguva muupenyu hwako hune zvakawanda zvokuita kuti uongorore zvinodzidziswa neBhaibheri nezveUmambo hwaMwari. Tinovimba kuti pauchadzidza nezvezvikomborero zvakachengeterwa vanhu naMwari, uchabvuma kuti kuteerera uye kuita zvinotaurwa neBhaibheri chinhu chinofanira kutsvakirwa nguva, uye kuti chinhu chinokosha chaizvo. *

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 6 Kuti udzidze zvakawanda, onana neZvapupu zvaJehovha zvemunzvimbo yaunogara kana kuti nyorera Jehovah’s Witnesses uchishandisa imwe yekero dziri papeji 5 kana kuti enda paIndaneti, pawww.watchtower.org.