Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuita Zvepabonde Kuchaita Kuti Tinyanye Kudanana Here?

Kuita Zvepabonde Kuchaita Kuti Tinyanye Kudanana Here?

Vechiduku Vanobvunza Kuti

Kuita Zvepabonde Kuchaita Kuti Tinyanye Kudanana Here?

Heather ave achionana naMike kwemwedzi miviri chete, asi anonzwa sokuti ave achimuziva kubvira gore ragocha nhembe. Vanogara vachitumirana mashoko pafoni dzavo dzeserura, vanotaura vose pafoni kwemaawa akawanda, uye mumwe asati apedza kutaura mumwe anenge atoziva mashoko anotevera. Asi zvino zvavakagara zvavo mumotokari yakapakwa mwedzi wakavheneka, Mike ava kuda zvinopfuura kungotaura chete.

Mumwedzi miviri yapfuura, Mike naHeather havana chimwe chavakaita kunze kwokubatana maoko uye kutsvodana zvishoma. Heather haadi kuti zvipfuure ipapo. Asi haadi kurambwa naMike. Hapana mumwe munhu anoita kuti anzwe ari tsvarakadenga, uye achikosha chaizvo. Mumwoyo anoti, ‘Asika, ini naMike tiri kudanana, . . . hatisi here?’

ZVICHIDA ungafungidzira kuti zviri pamusoro apa zvakananga kupi. Asi ungasaziva kuti zvinhu zvichakurumidza kuchinjira Mike naHeather sei kana vakarara vose uye kuchinja kwacho hakuzoiti kuti zvinhu zvivafambire zvakanaka. Funga zvinotevera:

Kana ukasaremekedza mutemo wezvinhu zvakasikwa, wakadai sesimba rinokwevera zvinhu pasi, unotambura nemigumisiro yacho. Izvozvo zvakangofanana nokusaremekedza mutemo une chokuita netsika, wakadai souya unoti: “Murege ufeve.” * (1 VaTesaronika 4:3) Migumisiro yokusateerera murayiro iwoyo ndeipi? Bhaibheri rinoti: “Ane tsika yokuita ufeve ari kutadzira muviri wake pachake.” (1 VaKorinde 6:18) Izvozvo ndezvechokwadi sei? Ona kana unganyora zvinhu zvitatu pasi apa zvinokuvadza zvinovapo kune vaya vanorara vose vasati varoorana.

1. ․․․․․

2. ․․․․․

3. ․․․․․

Zvino chitarisa zvawanyora. Wanyora here zvinhu zvakadai sezvirwere zvepabonde, pamuviri pasingadiwi, kana kuti kusafarirwa naMwari? Chokwadi izvozvo migumisiro yakaipa ingavapo kumunhu chero upi zvake anotyora mutemo waMwari wetsika une chokuita noufeve.

Pasinei naizvozvo, ungangonzwa uchida kuzviita. Ungati, ‘Hapana chichaitika kwandiri.’ Ko munhu wese haasi kuita zvepabonde here? Vamwe vezera rako vokuchikoro vanotovhaira pamusana pokuita zvepabonde, uye zvinoita sokuti hapana chinombovanetsa. Zvichida, saHeather ataurwa kwokutanga, ungatofunga kuti kuita zvepabonde kuchaita kuti iwe nemumwe wako munyanye kudanana. Kunze kwaizvozvo, ndiani anoda kusekwa nokuti imhandara? Hazvisi nani here kungozviitawo?

Tanga wafunga! Chinhu chokutanga ndechokuti haasi munhu wese ari kuzviita. Ichokwadi kuti ungaverenga nezvenhamba inotyisa yevechiduku vari kuita zvepabonde. Somuenzaniso, imwe ongororo yokuUnited States yakaratidza kuti vechiduku vomunyika iyoyo vaviri pavatatu vega vega pavanozopedza chikoro chesekondari, vanenge vava kutoita zvepabonde. Asi izvozvo zvinorevawo kuti mumwe chete pavatatu haasi kuzviita, uye ava vanhu vakati wandei. Ko zvakadini nevaya vari kuzviita? Vanotsvakurudza vakaona kuti vechiduku vakawanda vakadaro vanozongoerekana vatarisana nechinhu chimwe chete kana kuti kupfuura chisingafadzi pane zvinotevera.

Chisingafadzi #1: KUNETSEKA. Vechiduku vakawanda vakaita zvepabonde vasati varoorana vanoti vakazozvidemba.

Chisingafadzi #2: KUSAVIMBANA. Vaita zvepabonde, mumwe nomumwe anotanga kufunga kuti, ‘Ndiani mumwe waakamborara naye?’

Chisingafadzi #3: KURAMBANA. Vaita zvepabonde, mukomana angangoramba musikana ototsvaka mumwe.

Chisingafadzi #4: KUORA MWOYO. Mukatikati memwoyo, musikana aizoda mukomana aizomudzivirira, kwete kumushandisa.

Kuwedzera pane zviri pamusoro apa, funga izvi: Vakomana vakawanda vakataura kuti vaisazombofa vakaroora musikana wavakamborara naye. Nei? Nokuti vanoda munhu asina kumboziva murume!

Izvozvo zvinokushamisa, kunyange kutokushatirisa here? Kana zvakadaro, pasinei nokuti uri musikana kana kuti mukomana, yeuka izvi: Zvinonyatsoitika panyaya yokuita zvepabonde musati maroorana zvakasiyana chaizvo nezvinoratidzwa mumafirimu uye paTV. Vebhizimisi rezvinovaraidza vanoita kuti kuita zvepabonde kwevechiduku kuite sokuti ndirwo rudo chairwo. Asi usanyengerwa! Vaya vangaedza kukunyengetedza kuti muite zvepabonde musina kuroorana vari kungotsvaka zvakavanakira. (1 VaKorinde 13:4, 5) Munhu anokuda zvechokwadi angaisa utano hwako pangozi kana kuti kukuvhiringidza pfungwa here? (Zvirevo 5:3, 4) Uye munhu ane hanya newe zvechokwadi angakuisa pamuedzo kuti ukanganise ukama hwako naMwari here?—VaHebheru 13:4.

Chokwadi ndechokuti, kana ukabvuma kuita zvepabonde musati maroorana, uri kuzvibvisa unhu nokutambisa chimwe chinhu chinokosha chaizvo. (VaRoma 1:24) Ndokusaka vakawanda chaizvo vachizonzwa vasingakoshi uye vasingabatsiri, zvichiita sokuti vangobvumira mumwe munhu kuvabira chimwe chinhu chinokosha! Usarega izvozvo zvichiita kwauri. Kana mumwe munhu akaedza kukunyengetedza kuti muite zvepabonde achiti, “Kudai waindida, waizozviita,” nyatsopindura kuti, “Kudai waindida, waisazokumbira izvozvo!”

Muviri wako unokosha chaizvo kuti ungoutambisa. Ratidza kuti wakashinga kuteerera murayiro waMwari wokusaita ufeve. Kana nerimwe zuva ukazoroora kana kuroorwa, unogona hako kuzoita zvepabonde. Uchazonyatsonakidzwa nazvo, usina zvinokudya mwoyo, usingazvidembi, uye usina zvokutyira zvinowanzovapo vanhu pavanoita zvepabonde vasati varoorana.—Zvirevo 7:22, 23; 1 VaKorinde 7:3.

Dzimwe nyaya dzakanzi “Vechiduku Vanobvunza Kuti” dzinogona kuwanikwa paIndaneti, pawww.watchtower.org/ype

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 6 Shoko riri muBhaibheri rokuti “ufeve” rinorevawo zvimwe zvingaitwa nevanhu vasina kuroorana, zvakadai sokubata-bata nhengo dzomumwe dzokubereka nadzo kana kuti kuita zvepabonde nemukanwa kana kuti nokunobuda netsvina. Kana uchida mamwe mashoko, ona bhuku rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 2, mapeji 42-47.

ZVOKUFUNGA NEZVAZVO

● Kunyange zvazvo kuita zvepabonde musati maroorana kungafadza muviri unoda zvokutadza, nei kwakaipa?

● Uchaitei kana mumwe munhu akakukumbira kuti muite zvepabonde?

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 21]

ZVINOTAURWA NEVAMWE VEZERA RAKO

“Kungoti kwete chete hakuiti kuti munhu asaedze zvekare. Nyaya iri pakuti unoramba sei. Kana ukangotaura zvinyoronyoro kuti kwete asi uchiratidza kuti hauna chokwadi nezvaunoda, zvinenge zviri pachena. Unofanira kutaura zvakasimba!”

“Kungoti kwete chete hakuwanzoshandi. Kunyange kutsanangura zvaunotenda kungasashanda. Ndinoziva vamwe vanotodada nokuti vakakwanisa kunyengedza muKristu kuti vaite zvepabonde. Dzimwe nguva unotofanira kubva panzvimbo yacho. Zvakaoma asi zvinoshanda.”

“SemuKristu une unhu hunoita kuti vamwe vakufarire. Saka unofanira kungwarira uye woramba kana uchinge wakumbirwa kuita zvounzenza. Koshesa unhu ihwohwo. Usahutengesa!”

[Mifananidzo]

Diana

James

Joshua

[Bhokisi riri papeji 22]

IVA GAMBA RAKE

Kana uine musikana wauri kufambidzana naye, une hanya naye zvechokwadi here? Kana zvakadaro muratidze kuti une . . .

ushingi hwokuteerera mitemo yaMwari

uchenjeri hwokudzivisa mamiriro ezvinhu anokuisai pamuedzo

rudo runoratidza kuti une hanya naye

Kana ukaita izvozvo, zvichida musikana wako achanzwa sezvaiita muShuramiti, uyo akati: “Mudiwa wangu ndewangu uye ini ndiri wake.” (Rwiyo rwaSoromoni 2:16) Pasina kutaura zvakawanda, uchava gamba rake!

Ona Zvirevo 22:3; 1 VaKorinde 6:18; 13:4-8.

[Bhokisi riri papeji 22]

ZANO

Panyaya yekufambidzana nemukomana kana kuti musikana, chinhu chakanaka chokuita ndeichi: Kana chiri chinhu chawaisazoda kuti vabereki vako vakuone uchichiita, usachiita.

[Mufananidzo uri papeji 22]

Kuita zvepabonde musati maroorana kutambisa chipo chaMwari. Kwakafanana nokutora mufananidzo wakanaka chaizvo wawakapiwa nemumwe munhu woushandisa sechokutsikirira pasuo