Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Shamwari Yenhema

Shamwari Yenhema

Shamwari Yenhema

Une munhu waunofunga kuti ishamwari yako wawakasangana naye uchiri muduku. Akaita kuti unzwe semunhu abva zera uye aiita sokuti aikubatsira kuti ugamuchirwe nevamwe vezera rako. Pawainzwa musoro uchitenderera, waiwanzoenda kwaari kuti akupe rwawaifunga kuti rubatsiro. Kutaura chokwadi, wakasvika pakuvimba naye mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana.

Asi nekufamba kwenguva, wakazoona kuipa kwake. Anoda kungogara anewe nguva dzose, kunyange izvi zvichiita kuti usafarirwa mune dzimwe nzvimbo. Uye kunyange angave akaita kuti unzwe somunhu abva zera, akazviita izvozvo achikanganisa utano hwako. Kuwedzera pane izvi, anokubira imwe yemari yako yaunohora.

Munguva pfupi yapfuura, wakaedza kusiyana naye, asi akaramba ari chikwekwe. Ava kutoita sokuti nditenzi wako. Unongoti dai hako usina kuzivana naye.

IZVOZVO ndizvo zvakaita ushamwari huri pakati pevanhu vakawanda vanosvuta nemidzanga yavo. Pashure pokusvuta kwemakore 50, mumwe mukadzi anonzi Earline anoti: “Mudzanga waindibatsira chaizvo kupfuura kuva nemumwe munhu. Wakanga usingori shamwari yemakore, dzimwe nguva ndiwo waingove shamwari yangu chete.” Asi sezvakazozivikanwa naEarline, kutaura zvazviri, mudzanga ishamwari yenhema uye ine ngozi. Zvechokwadi, mashoko ari kwokutanga aigona kushanda kwaari, kunze kwechinhu chimwe chete. Paakaziva kuti Mwari anoti kusvuta kwakaipa nokuti kunosvibisa miviri yaakatipa, akarega katsika kacho.—2 VaKorinde 7:1.

Mumwe murume anonzi Frank akasarudzawo kurega kusvuta kuti afadze Mwari. Asi asvuta mudzanga wake wokupedzisira, pashure pezuva rimwe kana kupfuura, akazoona ava pasi peuriri hwemapuranga hweimba yake achikambaira, achitsvaka zvigusvani zvakanga zvadonhera pakati pemapuranga. Frank akati, “Panguva iyoyo ndipo pandakapengenuka. Zvakandisemesa chaizvo kuti ndakanga ndichikambaira ndichitsvaka zvigusvani mumarara makadaro. Handina kuzombosvutazve.”

Nei zvakaoma chaizvo kurega kusvuta? Vanotsvakurudza vakawana zvikonzero zvinoverengeka: (1) Munhu anogona kupindwa muropa nezvinhu zvinogadzirwa nefodya kungofanana nezvimwe zvinodhaka zvisingabvumirwi nemutemo. (2) Chikakananda [nicotine], muchetura uri mufodya, ungasvika kuuropi mumasekondi manomwe chete. (3) Kusvuta kunowanzova chinhu chinokosha muupenyu hwomunhu nokuti zvinonzi kunofambirana nokudya, nokunwa, nokukurukurirana, kuedza kukanganwa nhamo uyewo zvimwe zvinhu.

Kunyange zvakadaro, sezvataurwa naEarline naFrank, zvinoita kuti munhu anenge apindwa muropa nekatsika aka kanokuvadza akasiye. Kana usisadi kusvuta, kuverenga nyaya dziri kutevera kungaita kuti utange upenyu hutsva.