Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mwari Akandinyaradza Mumiedzo Yangu Yose

Mwari Akandinyaradza Mumiedzo Yangu Yose

Mwari Akandinyaradza Mumiedzo Yangu Yose

YAKATAURWA NAVICTORIA COLLOY

Mumwe chiremba akati kuna Amai: “Hapana zvimwe zvatingaitire mwanasikana wenyu. Achafanira kufamba nemadondoro uye akaisa simbi mumakumbo kwoupenyu hwake hwose.” Ndakavhiringidzika zvokuti! Ndaizoitei ini ndiri mhetamakumbo?

NDAKABEREKWA pana November 17, 1949, kuTapachula, Chiapas, muMexico. Ndaiva mwana aifara, aiva neutano hwakanaka ndiri dangwe mumhuri yevana vana. Asi ndava nemwedzi mitanhatu ndakangotanga kutadza kukambaira uye zvainge zvava kundiomera kufambisa muviri wangu. Papera mwedzi miviri ndainge ndisisakwanisi kufamba zvachose. Vanachiremba vomunharaunda yedu vakashamisika nazvo sezvo vamwe vana vomuTapachula vaiva nedambudziko rainge rakafanana nerangu. Kwakauya chiremba anoongorora nezvemapfupa kubva kuMexico City kuzotiongorora. Takazonzi taiva nechirwere cheporiyo.

Ndava nemakore matatu, ndakavhiyiwa pahudyu, mabvi uye zviziso zvemakumbo. Pava paya ndakatanga kunetsekawo nepfudzi rangu rorudyi. Pandakanga ndava nemakore matanhatu, ndakaendeswa kuMexico City kunorapwa muchipatara chevana. Amai vakasara vachishanda pane rimwe purazi kuChiapas, saka ini ndaigara kuMexico City naambuya vangu. Zvisinei, nguva zhinji ndaiva muchipatara.

Pandakanga ndava nemakore anenge masere, utano hwangu hwakamboita nani. Asi nokufamba kwenguva hwakatanga kuipa zvekare, zvishoma nezvishoma ndakatanga kutadza kufamba kwandakanga ndava kuita. Vanachiremba vakabva vati ndaifanira kushandisa madondoro uye kufamba ndakaisa simbi mumakumbo kweupenyu hwangu hwose.

Kuzosvika pandakanga ndava nemakore 15, ndakanga ndavhiyiwa ka25. Ndakavhiyiwa pamuzongoza, makumbo, mabvi, zviziso zvemakumbo, nezvigunwe. Pose pandaivhiyiwa ndaimbova nenguva yandaigara ndichibatsirwa kuti ndirarame sezvinoita vamwe. Pashure pokumwe kuvhiyiwa kwandakaitwa, ndakaiswa purasita mumakumbo. Purasita yacho payakabviswa ndaifanira kuita maekisesaizi airwadza chaizvo.

Kunyaradzwa Zvechokwadi

Pandaiva nemakore 11, Amai vakandishanyira ndichangobva kuvhiyiwa. Vainge vadzidza kuti Jesu akarapa vairwara uye kuti akatoita kuti mumwe munhu aisakwanisa kufamba afambe. Vakandipa magazini yeNharireyomurindi, inobudiswa neZvapupu zvaJehovha, yavainge vadzidza nyaya yacho. Ndakaiviga pasi pepiro yangu, asi mumwe musi ndakaona pasisina. Yainge yaonekwa navanamukoti vachibva vaitora. Vakandituka nokuti ndaiiverenga.

Papera rinenge gore, Amai vakauya kuzondiona zvekare vachibva kuChiapas. Panguva iyoyo vakanga vava kudzidza Bhaibheri neZvapupu. Vakandiunzira bhuku rinonzi Kubva kuParadhiso Yakarasika kuParadhiso Ichawanikwazve. * Amai vakanditi, “Kana uchida kurarama munyika itsva yakapikirwa mauchaporeswa naJesu, unofanira kudzidza Bhaibheri.” Saka pasinei nokushorwa kwandaiitwa naambuya, ndakatanga kudzidza neZvapupu ndiine makore anenge 14. Gore rakatevera racho ndakanzi ndaifanira kubuda muchipatara nokuti chaiva chevana vadiki chete.

Kutsungirira Matambudziko

Ndakaora mwoyo zvisingaite. Ndakadzoka kuzogara nevabereki vangu kuChiapas nemhaka yokushorwa kwandaiitwa naambuya. Zvisinei, kumba kwacho kwaivawo nematambudziko nokuti baba vaidhakwa. Ndakamboshaya chokuraramira kwenguva yakati. Ndakafunga kuzviuraya nemushonga. Asi pandakaramba ndichidzidza Bhaibheri, maonero angu akachinja. Zvinovimbiswa muBhaibheri nezvenyika inenge iri paradhiso zvakandiita kuti ndifare.

Ndakatanga kutaurira vamwe nezvetariro inoshamisa iri muBhaibheri. (Isaya 2:4; 9:6, 7; 11:6-9; Zvakazarurwa 21:3, 4) Ndakazobhabhatidzwa somumwe weZvapupu zvaJehovha pana May 8, 1968, ndava nemakore 18. Kubva muna 1974 ndange ndichipedza maawa anopfuura 70 pamwedzi ndichiudza vamwe nezvetariro yakandiita kuti ndide kuramba ndichirarama.

Upenyu Hune Pundutso Uye Hunogutsa

Nokufamba kwenguva, ini naAmai takatamira kuguta reTijuana riri pedyo nomuganhu weMexico neUnited States. Ini naamai tinogara pamwe chete pamusha wakatinakira. Ndichiri kukwanisa kufamba mumba nemadondoro uye nesimbi mumakumbo, uye ndinoshandisa wiricheya zvokuti ndinokwanisa kubika, kuwacha uye kuchisa mbatya dzangu. Pandinoenda muushumiri ndinoshandisa wiricheya ine injini yakagadzirirwa kuti zvindiitire nyore.

Kuwedzera pane kuudza vanhu zvinodzidziswa neBhaibheri mumugwagwa uye mudzimba dzavo, ndinopota ndichishanyira chipatara chiri pedyo, ndichikurukura nezveBhaibheri nevanhu vanenge vakamirira kurapwa. Kana ndapedza kutaura navo, ndinotyaira chingoro changu ndoenda kumusika kunotenga zvatinenge tichida ndobva ndadzokera kumba kunobatsira Amai kubika uye kuita mabasa epamba.

Kuti tiwane chouviri, ndinotengesa mbatya dzemazitye. Iye zvino amai vava nemakore 78 uye havachakwanisi kuita zvakawanda nokuti vane chirwere chomwoyo uye vakadonha katatu mwoyo wavo watadza kushanda zvakanaka. Saka ndini ndinovatarisira kuti vawane mishonga uye zvokudya zvakanaka. Pasinei neutano hwedu husina kumira zvakanaka, tinoedza nepatinogona kupinda misangano yeungano. Vanhu vanopfuura 30 vandakadzidza navo Bhaibheri kwemakore ose aya vari kuitawo ushumiri hwechiKristu.

Ndine chivimbo chakazara nezvokuzadzika kuchaitwa vimbiso iri muBhaibheri yokuti: “Panguva iyoyo [munyika itsva yaMwari] munhu akaremara achakwakuka sezvinoita nondo hono.” Panguva ino mashoko aMwari anondinyaradza anoti: “Usatya, nokuti ndinewe. Usatarira-tarira, nokuti ndiri Mwari wako. Ndichakusimbisa. Chokwadi ndichakubatsira. Chokwadi ndicharamba ndakakubata zvakasimba noruoko rwangu rworudyi rwokururama.”—Isaya 35:6; 41:10. *

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 10 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha muna 1958 asi harichadhindwi.

^ ndima 18 Victoria Colloy akafa pana November 30, 2009, ava nemakore 60. Amai vake vakafa pana July 5, 2009.

[Mufananidzo uri papeji 31]

Ndakaisa simbi mumakumbo ndiine makore manomwe

[Mufananidzo uri papeji 32]

Muushumiri ndinoshandisa wiricheya ine injini yakagadzirirwa kuti zvindiitire nyore