Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zano 4 Chengetedza Utano Hwako

Zano 4 Chengetedza Utano Hwako

“Munhu ane njere anoona dambudziko ovanda.”—Zvirevo 22:3. Kutora matanho ari nyore okuzvidzivirira kunogona kubatsira kudzivisa kurwara uye kusuruvara, pamwe nokurasikirwa nenguva uye mari.

Gara Wakashambidzika. U.S. Centers for Disease Control and Prevention inoshuma kuti, “Kugeza maoko ndicho chinhu chinonyanya kukosha chaungaita kuti udzivirire kupararira kweutachiona uye kuti ugare uine utano hwakanaka uye uchinzwa zvakanaka.” Pakupararira kunoita utachiona, 80 muzana kunokonzerwa nemaoko akasviba. Saka ageze kakawanda muswere wose wezuva. Geza maoko kunyanya usati wadya, usati wagadzira zvokudya, usati waisa bhandeji pachironda kana kuti kungochibata, uye pashure pokubata mhuka, pashure pokushanyira chimbuzi, kana kuti kuchinja mwana napukeni.

Kugeza maoko nesipo nemvura kunonyanya kushanda kupfuura kushandisa sanitizer (mushonga wokuurayisa utachiona). Vana vanova neutano huri nani kana vabereki vakavadzidzisa kugeza maoko uye kusabata muromo uye maziso. Kugeza muviri mazuva ose, kuchengeta mbatya uye machira epamubhedha zvakachena zvinoitawo kuti ugare uine utano hwakanaka.

Dzivisa zvirwere zvinotapuriranwa. Usashandisa midziyo yokudyisa mimwe chete kana kuti kubatana nemunhu anenge aine dzihwa kana kuti furuu. Mate uye madzihwa avo anogona kukutapurira chirwere. Zvirwere zvomuropa zvakadai sehepatitis B neC uye HIV/AIDS zvinonyanya kutapuriranwa pabonde, pakuwedzerwa ropa uye pakushandisa mishonga inoita zvokubayirirwa mutsinga. Mishonga yokudzivirira zvirwere inogona kubatsira kuti munhu asatapukirwe nezvirwere, asi munhu akachenjera anofanira kungotora matanho akakodzera kana aine mumwe munhu ane chirwere chinotapukira. Dzivisa kurumwa nezvipembenene. Usagara panze kana kurara panze usina kuzvidzivirira panguva inenge yava kufamba mosikito kana kuti zvimwe zvipembenene zvinotakura zvirwere. Shandisai mambure epamubhedha, kunyanya pavana, uye shandisai mishonga inodzinga zvipembenene. *

Chengetai Musha Wenyu Wakachena. Itai zvose zvamunogona kuti muchengete imba yenyu yakarongedzwa uye yakachena, mukati nokunze. Itai kuti pasava nenzvimbo dzinojenga mvura uye dzinoberekera mosikito. Marara, tsvina, uye zvokudya zvisina kufukidzwa zvinokwezva zvipembenene nemakonzo, uye zvose zvinounza utachiona uye zvinokonzera chirwere. Kana pasina chimbuzi, gadzirai chegomba pane kunozvibatsira musango. Vharai chimbuzi chacho kudzivirira nhunzi, dzinoparadzira chirwere chemaziso uye zvimwe zvirwere.

Usazvikuvadza. Teerera mitemo yokudzivirira njodzi pabasa, pakuchovha bhasikoro, mudhudhudhu, kana kuti pakutyaira motokari. Iva nechokwadi chokuti motokari yako haikonzeri njodzi. Shandisa zvinhu zvokuzvidzivirira nazvo kana kuti mbatya dzokuzvidzivirira nadzo, zvakadai semagogorosi, heremeti, shangu, mabhandi uye zvinhu zvokudzivirira nzeve. Dzivisa kunyanyotsva nezuva, zvinokonzera kenza uye kukurumidza kuwunyana kweganda. Kana uchisvuta, rega. Kurega iye zvino kuchaderedza ngozi dzechirwere chemwoyo, kenza yemapapu, uye sitiroko. *

^ ndima 5 Ona nyaya inoti “Zvirwere Zvinoparadzirwa Nezvipembenene—Chinetso Chiri Kuramba Chichikura” iri mumagazini yeMukai! yaJune 8 2003.

^ ndima 7 Ona Mukai! yaJuly-September 2010 ine musoro unoti “Zvaungaita kuti urege kusvuta.”