Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA

Zvaungaita Kuti Ushandise Nguva Zvakanaka

Zvaungaita Kuti Ushandise Nguva Zvakanaka

“Kudai ndaiva nenguva!” Kangani kawakataura mashoko aya? Munhu wose ane maawa 24 pazuva hapana anganzi ane nguva yakawanda kudarika mumwe, angava mupfumi kana murombo kana ani zvake. Uyezve hapana anogona kuunganidza nguva. Kana nguva yaenda yatoenda. Saka kana tikashandisa zvakanaka nguva yatinayo tinenge taratidza kuti takachenjera. Tingazviita sei? Ona zvinhu zvina zvabatsira vanhu vakawanda kushandisa nguva yavo zvakanaka.

Chokutanga: Iva Akarongeka

Isa zvinhu zvinokosha pokutanga. Bhaibheri rinoti, ‘Iva nechokwadi chokuti zvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe ndezvipi.’ (VaFiripi 1:10) Nyora pasi zvinhu zvinokosha zvaunoda kuita kana kuti zvaunofanira kuita. Chaunofanirawo kuyeuka ndechokuti chimwe chinhu chinokosha chinogona kunge chisiri chinhu chingada kukurumidza kuitwa zvakadai sekutenga muriwo wokudya manheru. Uyewo chinhu chaunofunga kuti chinofanira kuitwa pokutanga chinogona kunge chisinganyanyi kukosha zvakadai sokubata nguva inotanga purogiramu yaunofarira paTV. *

Gara waronga. “Kana demo rakagomara uye rikasarodzwa, munhu achashandisa simba rakawanda,” inodaro Muparidzi 10:10, uye inowedzera kuti: “Asi kushandisa uchenjeri kuchaita kuti abudirire.” Chidzidzo chiripo ndechipi? Ita sokunge uri kurodza demo rako nokugara waronga zvaunoda kuzoita kuitira kuti unyatsoshandisa nguva yako zvakanaka. Imbosendeka padivi zvinhu zvisingakoshi, izvo zvinogona kukudyira nguva nesimba. Kana ukaona kuti wapedza kuita basa rawanga uchiita uye uchine nguva, wadii kushandisa nguva yacho kuita basa rawanga uchifanira kuzotevera kuita? Sezvinongoita munhu anoshandisa demo rakarodzwa, kugara waronga zvinhu zvako kunoita kuti uite zvinhu zvakawanda munguva yauinayo.

Usazviwanzira zvokuita. Usabvuma kuita zvinhu zvisinganyanyi kukosha kana kuti zvinokudyira nguva. Kuzviwanzira zvinhu zvokuita kunoita kuti utemeke musoro nezvinhu zvisina basa uye zvopedzisira zvakushayisa mufaro.

Chechipiri: Usaita Zvinhu Zvinokudyira Nguva

Kuverengera uye kuomerwa nokuita chisarudzo. “Munhu anotarira mhepo haazodyari mbeu; uye uya anotarira makore haazokohwi.” (Muparidzi 11:4) Chidzidzo chiripo ndechipi? Nguva inopera kana ukaverengera uye hauiti zvakawanda munguva yauinayo. Kana murimi akamirira kuti mvura itange yanyatsonaya anogona kutadza kudyara mbeu kana kukohwa. Kusaziva kuti zvimwe zvinhu zvichafamba sei muupenyu kunogona kuita kuti zvitiomere kuita chisarudzo. Kana kuti tinenge tichida kuziva kuti chakati nechakati chichafamba sei kuitira kuti tizoita chisarudzo. Ichokwadi kuti kana uchida kuita zvisarudzo zvinokosha unofanira kutanga wanyatsogara pasi wotsvakurudza. “Munhu ane njere anofunga nezvenhanho dzake,” inodaro Zvirevo 14:15. Asi chokwadi chiripo ndechokuti zvisarudzo zvakawanda zvatinoita tinozviita tisingazivi kuti zvichanyatsofamba sei.—Muparidzi 11:6.

Kuzviona sekunge usina chaunokanganisa. Jakobho 3:17 inoti: ‘Uchenjeri hunobva kumusoro kana kuti kuna Mwari hunonzwisisa.’ Asi hazvizorevi kuti tongoita zvinhu kuti zvitibve! Tikasangwarira tinogona kuzviisira mitemo yakakwirira tozozvidya mwoyo kana zvinhu zvikasabuda zvakanaka. Somuenzaniso munhu paanenge achidzidzira mumwe mutauro anofanira kuziva kuti pane zvimwe zvaachakanganisa, uye kukanganisa ikoko kunozomubatsira kuti anyatsogona. Munhu anoda kuzviona seasina chaanotadza anogona kuzeza kutaura chimwe chinhu achityira kuti angazotadza kuchitaura zvakanaka uye kuita izvozvo kunomutadzisa kubudirira. Zvakanaka chaizvo kuzvininipisa toziva kuti pane zvimwe zvinhu zvatisingagoni kuita! “Vane mwero ndivo vane uchenjeri,” inodaro Zvirevo 11:2. Uyezve vanhu vane mwero uye vanozvininipisa havabvi vazviona sokunge vasina chavanokanganisa uye kana vakakanganisa vanotozvisekawo.

“Hautengi zvinhu nemari. Unozvitenga nenguva.”—What to Do Between Birth and Death

Chechitatu: Iva Pakati Nepakati Pane Zvaunoita Uye Ita Zvaunogona

Ziva pokugumira pakuita basa uye pakuita zvinhu zvinokuvaraidza. “Zviri nani kuzorora zvishoma pane kushanda zvakaoma zvakapetwa kaviri asi uchidzingana nemhepo.” (Muparidzi 4:6) Vanhu vasingazorori pakushanda kazhinji vanozvitadzisa kuwana mubayiro unobva pakushanda “zvakaoma zvakapetwa kaviri.” Vanosara vasisina nguva kana simba. Ukuwo simbe inozorora “zvakapetwa kaviri” ichitadza kushandisa nguva. Bhaibheri rinokurudzira munhu kuti asarerekera divi rimwe asi kuti ashande nesimba uye anakidzwe nemubayiro wacho. Kunakidzwa ikoko “chipo chaMwari.”—Muparidzi 5:19.

Wana nguva yakakwana yokurara. Munyori wepisarema akati: “Ndicharara pasi ndobatwa nehope murugare.” (Pisarema 4:8) Vanhu vakuru vakawanda vanofanira kurara maawa 8 usiku kuitira kuti muviri wavo nepfungwa zvishande zvakanaka. Kuwana nguva yokunyatsorara kunobatsira munhu kuti asava nehanganwa uye zvoita kuti anyatsobata zvaanenge achidzidza. Kuva nechikwereti chehope kunokanganisa madzidziro emunhu uye kunogona kukonzera njodzi, kana kuti kungokurumidza kugumbuka.

Usazvirongera zvinhu zvausingagoni kuzoita. “Zviri nani kugutsikana nezvaunoona nemaziso panzvimbo pokungodzungairiswa nezvido zvako.” (Muparidzi 6:9) Ipfungwa ipi iri kuda kubudiswa pano? Munhu akachenjera haabvumiri zvido zvenyama kumuita muranda kunyanya zviya zvaasingazokwanisi kuva nazvo kana kuzadzisa. Saka haazotorwi mwoyo nezvinhu zvinenge zvichishambadzirwa. Asi anodzidza kugutsikana nezvaanokwanisa kuwana, zvaanokwanisa “kuona nemaziso” ake.

Chechina: Iva Nemararamiro Akanaka

Funga nezvemararamiro ako. Zvinhu zvaunokoshesa muupenyu zvinokubatsira kuti uone kuti ndezvipi zvakanaka, zvinokosha, zvinhu zvokuti ukaita unoona kuti washandira zviripo. Zvinhu zvaunokoshesa muupenyu ndizvo zvauchapedzera nguva yakawanda uchiita. Kuva nemararamiro akanaka kuchakubatsira kuti ushandise awa imwe neimwe pakuita zvinhu zvinokosha muupenyu. Mararamiro akanaka kudaro ungaawana kupi? Vanhu vakawanda vanoawana muBhaibheri nemhaka yokuti vanoziva kuti ndiro rine uchenjeri hwakanakisisa—Zvirevo 2:6, 7.

Ita kuti rudo chive chinhu chinonyanya kukosha muupenyu hwako. Rudo “chisungo chakakwana chokubatana,” inodaro VaKorose 3:14. Kana pasina rudo hatigoni kunyatsofara uye kunzwa takagadzikana, kunyanya mumhuri. Vanhu vanofuratira chokwadi ichi, vachikoshesa kutsvaka pfuma kana basa, vanopedzisira vasingachafari. Ndokusaka Bhaibheri richiti rudo chinhu chinonyanya kukosha uye rinotaura nezvarwo kakawanda.—1 VaKorinde 13:1-3; 1 Johani 4:8.

Iva nenguva yokuita zvokunamata. Mumwe murume anonzi Geoff aiva nemudzimai aimuda, vana vaviri vaifara, shamwari dzakanaka, uye basa raigutsa. Asi basa rake raiita kuti agare achiona vanhu vaitambura uye vaifa. Akazvibvunza kuti: “Ndiwo mararamiro atinofanira kuita here aya?” Zvakaitikawo kuti rimwe zuva akaverenga mamwe mabhuku anobudiswa neZvapupu zvaJehovha uye akawana mhinduro dzinogutsa.

Geoff akatsanangurira mudzimai wake nevana zvaaidzidza, uye vakazvifarirawo. Mhuri yacho yakabva yatanga kudzidza Bhaibheri, izvo zvakavandudza upenyu hwavo uye zvakavabatsirawo kushandisa nguva yavo zvakanaka chaizvo. Kudzidza kwavakaita Bhaibheri kwakaitawo kuti vave netariro yakanaka yokurarama nokusingaperi munyika ichange isina nhamo nematambudziko.—Zvakazarurwa 21:3, 4.

Zvakaitika kuna Geoff zvinotiyeuchidza mashoko aJesu Kristu, paakati: “Vanofara vaya vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu.” (Mateu 5:3) Haungadiwo here kuzvipa kanguva kekuti uite zvinhu zvokunamata? Kutaura chokwadi, hapana chimwe chinhu chinopfuura kuita zvokunamata, chichakupa uchenjeri hwokuti unyatsoshandisa nguva yako zvakanaka kweupenyu hwako hwose.

^ ndima 5 Ona nyaya inoti “Nzira 20 Dzokuwana Nguva Yakawanda,” iri muMukai! yaJuly 2010.