Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Misodzi Yako Ine Zvakawanda Zvainoreva

Misodzi Yako Ine Zvakawanda Zvainoreva

TINOTANGA kuchema kubva musi watinozvarwa. Mumwe mazvikokota anoongorora nezvokuchema kunoita vanhu anotsanangura kuti sezvinongoita vacheche, tinochema nemhaka yezviri kuitika muupenyu hwedu kana kuti nemhaka yezvatinenge tichida. Patinokura tinenge tava kukwanisa kutaura zvatiri kuda, saka nemhaka yei tichichema?

Pane zvikonzero zvakawanda zvinoita kuti ticheme. Zvimwe zvacho kushungurudzika, kunetseka, kana kuti kukuvara. Asiwo unogona kubuda misodzi yokufara. Ukaona mumwe munhu achichema unogona kunzwawo uchida kuchema. “Ndikaona mumwe munhu achichema kunyange ndisingatombozivi kuti ari kuchemei, ndinobva ndatonzwa misodzi ichiuya,” anodaro María. Zvimwe wakambochema nemhaka yezvawakaona mufirimu kana kuti zvawakaverenga mubhuku.

Pasinei nokuti chii chaita kuti munhu acheme, kuchema inzira ine simba yokutaura zviri kuitika kwaari. “Kuchema ndeimwe yenzira shoma inoita kuti munhu ataure zviri pamwoyo pake munguva pfupi,” rinotsanangura kudaro bhuku rinonzi Adult Crying. Vakawanda vedu tinoomerwa nokuona mumwe munhu achichema asi torega kumubatsira. Tinopedzisira tava kumunyaradza kana kuti kumubatsira.

Vamwe vanamazvikokota vanoti kuchema inzira yakanaka yokubudisa nayo zviri pasi pasi pemwoyo yedu, asi kana munhu akaramba achizvishingisa kuti asacheme, utano hwake hunogona kukanganisika. Vamwewo vanoti hazvisati zvanyatsoonekwa kuti ndezvechokwadi here kuti kuchema kunogona kubatsira pautano. Asi ongororo dzakaitwa dzinoratidza kuti vakadzi 85 pa100 uye varume 73 pa100 vakati vakanzwa varerukirwa pashure pokunge vachema. Noemí anoti, “Dzimwe nguva ndinonzwa ndichida kuchema. Kana ndapedza, ndinobva ndatura zibefu uye pfungwa dzangu dzinotanga kufunga zvakajeka uye zvakatwasuka.”

Ongororo dzakaitwa dzinoratidza kuti vakadzi 85 pa100 uye varume 73 pa100 vakati vakanzwa varerukirwa pashure pokunge vachema

Asi kuchema hakusi iko kwoga kunoita kuti tinzwe kurerukirwa. Maitiro anoita vamwe pavanotiona tichichema ane zvaanoitawo patiri. Somuenzaniso, kana tikachema uye vamwe vouya kuzotinyaradza kana kuti kuzotibatsira, tinonzwa tarerukirwa. Asi kana tikasanyaradzwa kana kubatsirwa tinogona kupedzisira tava kunyara kana kuzviona setisingakoshi.

Izvi zvinoratidza kuti misodzi ine zvakawanda zvainoreva uye zvimwe zvacho hazvigoni kunzwisiswa. Chatinoziva ndechokuti kuchema ndeimwe nzira inoshamisa yatakasikwa nayo naMwari kuti tibudise zviri pasi pemwoyo yedu.