Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA | MUFARO WECHOKWADI UNOBVA PAI?

Mufaro Wechokwadi Unooneka Sei?

Mufaro Wechokwadi Unooneka Sei?

Pazvinhu zviri pasi apa, iwe unotiwo kudini?

Ndeupi waunoti ndiye ari kunyatsofara zvinobva pasi pemwoyo?

  • ALEX

    Alex ane bhizinesi raanoita. Haana chitsotsi, anoshanda nesimba uye anobata vamwe zvakanaka. Bhizinesi rake riri kufamba zvakanaka richiita kuti iye nemhuri yake vararame upenyu hwakanaka.

  • CAL

    Cal anewo bhizinesi rakafanana neraAlex uye anoita mari yakawanda chaizvo kumudarika. Cal anoshanda zvokufa kuti abate makasitoma akawanda uye izvi zvinoita kuti agare achingorwara-rwara.

  • JANET

    Janet mwana wechikoro uye anoshanda nesimba ndosaka achigara achipasa.

  • ELLEN

    Ellen anopasa kudarika Janet uye anogara achiwana mibayiro nemhaka yokugona asi anobirira pamatest uye haana shungu nechikoro.

Kana wati vese vari 4, chiripo ndechokuti uri kungotarisa zvakanaka zvavari kuwana usingatarisi mawaniro avari kuzviita.

Kana wati Alex naJanet, wagona nokuti chinokosha unhu uye mashandiro avanoita. Somuenzaniso, funga nezveizvi:

  • Chinhu chinokosha kuna Janet chii? Kupasa zvine mutsindo here kana kuti kukura aine chido chokudzidza?

  • Chinonyanya kukosha kuvana vaAlex chii? Ndechokuti vakwanise kutengerwa kanhu kese kavada here kana kuti vave nababa vanowana nguva navo?

Zvinonyanya kukosha: Kuti munhu anzi abudirira zvechokwadi haaiti zvinhu zvokuda kuonekwa nevamwe asi kuti anokoshesa kuva neunhu hwakanaka uye kugona kugarisana zvakanaka nevamwe.