Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA | MUFARO WECHOKWADI UNOBVA PAI?

Mawaniro Aungaita Mufaro Wechokwadi

Mawaniro Aungaita Mufaro Wechokwadi

Bhaibheri rinotiudza kuti mufaro wechokwadi unowanikwa sei. Haridzidzisi kuti vashomanana chete ndivo vanogona kuuwana. Vana vanoverengerwa mabhuku engano evanhu vanorota chimwe chinhu zvonzi zvinhu zvacho zvakazoitika pakupedzisira. Mafungiro iwaya haasi echokwadi nokuti kakawanda hazviitike saizvozvo.

Chokwadi ndechokuti munhu wose anogona kubudirira, asi zvinoda kushanda nesimba. Ongorora zvinotaurwa nemavhesi anotevera.

  • ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI:

    “Munhu anoda sirivha haazogutswi nesirivha, uyewo munhu anoda pfuma haazogutswi nemari inowanikwa.”—Muparidzi 5:10.

    ZVAZVINOREVA. Kuva nezvinhu zvakawanda hakusi iko kunoita kuti munhu afare. Bhuku rinonzi Generation Me rakanyorwa naJean M. Twenge rinoti, “Vanhu vanofara uye vasinganyanyi kuzvidya mwoyo ndevaya vanozvipira kubatsira vamwe kwete vanoti sika-sika nokutsvaka mari.” Rinoenderera mberi richiti: “Tsvakurudzo dzinoitwa dzinogara dzichiratidza kuti mufaro hautengwi nemari.”

    ZVAUNOGONA KUITA. Ita zvinhu zvinoita kuti ufare uye ugutsikane muupenyu panzvimbo pokutsvaga upfumi. Jesu akati, ‘Muchenjerere marudzi ose okuchiva; upenyu hwomunhu hahubvi pazvinhu zvaainazvo.’—Ruka 12:15.

  • ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI:

    “Kudada kunotangira kuparara, uye kuzvikudza kunotangira kugumburwa.”—Zvirevo 16:18.

    ZVAZVINOREVA. Kuda pfuma uye kuzvikudza hakuiti kuti uwane mufaro wechokwadi. Bhuku rinonzi Good to Great rinotaura kuti vakuru vakuru vemakambani vanofara ndevaya “vanozvininipisa uye vasingadi zvokuonererwa. Asi vaya vanozvikudza uye vachida zvokuonererwa havawani mufaro wechokwadi uye zvinogona kuzokonzera kusanyatsobudirira kwekambani.” Saka chidzidzo ndechokutii? Kuva nemafungiro okuti vamwe vandione, kazhinji kacho kunoita kuti usazofara.

    ZVAUNOGONA KUITA. Ramba uchizvininipisa panzvimbo pokuda kuwana mbiri. Bhaibheri rinoti: “Kana munhu achifunga kuti iye chimwe chinhu asi iye asiri chinhu ari kunyengera pfungwa dzake.”—VaGaratiya 6:3.

  • ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI:

    ‘Hapana chinhu chiri nani kupfuura kuti munhu afadzwe nezvakanaka pabasa rake rakaoma.’Muparidzi 2:24.

    ZVAZVINOREVA. Uchawedzera kunakidzwa nebasa rako kana ukashanda zvakanaka nevamwe uye ukariita nemazvo. Mubhuku rinonzi Teach Your Children Well, Madeline Levine akanyora kuti: “Kana ukashingirira kuita chimwe chinhu uye wochiita nemazvo, unonzwa kufara paunobudirira.” Paunosangana nezvipingamupinyi usakanda mapfumo pasi.

    ZVAUNOGONA KUITA. Shanda nesimba kuti unyatsoziva maitirwe ebasa rako, uye usadzokera kumashure kunyange ukasangana nezvinenge zvichinetsa. Kana uine vana, vapewo mukana wokugadzirisa matambudziko avanosangana nawo, zvichienderana nezera ravo. Usamhanyirira kugadzirisa kese kanenge kavanetsa. Paunovasiya vachigadzirisa dambudziko ravanenge vasangana naro, zvinoita kuti vafare. Kugona kwavachaita kugadzirisa dambudziko iroro kuchavabatsira pavanenge vakura kuti vasakurumidza kukanda mapfumo pasi.

  • ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI:

    “Imbwa mhenyu iri nani pane shumba yakafa.”—Muparidzi 9:4.

    ZVAZVINOREVA. Kana uchienda kubasa, rega kubva wapira upenyu hwako hwese kubasa iroro. Kunganzi kugona here kana mashandiro aunoita achiita kuti upedzisire wava kurwara-rwara kana kuti achikushayisa nguva nemhuri yako? Mufaro wechokwadi unobva pakuziva kuti kunyange uchishanda unofanira kuva nenguva nemhuri, kwete kushanda zvokufa zvinozoita kuti upedzisire wava murwere.

    ZVAUNOGONA KUITA. Chengetedza utano hwako. Nyatsozorora zvakakwana. Hapana zvazvinonyanya kubatsira kuti ushande zvokufa, uku uchirasikirwa noutano hwako, mhuri yako, uye shamwari dzako.

  • ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI:

    ‘Vanofara vaya vanoziva kuti vanofanira kuziva nezvaMwari.’—Mateu 5:3.

    ZVAZVINOREVA. Kudzidza Bhaibheri uye kuita zvarinotiudza ndiko kunoita kuti tinyatsofara. Mamiriyoni eZvapupu zvaJehovha akaona kuti kukoshesa nyaya dzokunamata kunoderedza kushushikana kwavangaita muupenyu.—Mateu 6:31-33.

    ZVAUNOGONA KUITA. Dzidza Bhaibheri uone kuti rinogona kukubatsira sei kuwana mufaro wechokwadi. Kuti udzidze zvimwe, taura neZvapupu zvaJehovha zvekwaunogara kana kuti enda paIndaneti www.pr418.com.