Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA | BHAIBHERI RICHIRI KUSHANDA HERE?

Mazano Acho Achiri Kubatsira Munhu Wose—Kuvimbika

Mazano Acho Achiri Kubatsira Munhu Wose—Kuvimbika

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Kuroorana ngakukudzwe navose, mubhedha wevakaroorana ngaurege kusvibiswa.”VaHebheru 13:4.

CHAZVAKANAKIRA: Vamwe vanoti mashoko ari pamusoro apa ava echinyakare. Asi uku ndiko kunyepa masikati machena! Kana mumwe wako akaita gumbo mumba gumbo panze, unorwadziwa sokurwadza kwazvaingoitawo kare panguva yakanyorwa Bhaibheri.—Zvirevo 6:34, 35.

Jessie, murume ane mukadzi nevana vaviri. Anoti: “Kuvimbika kwatakaita muwanano yedu kuri kuita kuti imba yedu irambe yakasimba uye ichifara. Kuti imba imire zvinotoda kuti murume nomudzimai vavimbane. Kuita mesomeso kunoita kuti mumwe wako asakuvimba.” Kunokanganisawo upenyu hwevana.

Ligaya * akapotsa aparadza imba yake. Anoti, “Ndakatanga kushamwaridzana nevanhu vane tsika dzakaipa. Ndakanga ndava kuita madiro uye ndava kuita zvikomba.” Izvi zvakaita kuti afare here? Aigara achipopotedzana nomurume wake. Anowedzera kuti: “Pandakazoona kunyadzisa kwezvandaiita, ndakabva ndayeuka zvandaiudzwa nevabereki vangu pavaiti, ‘Ushamwari hwakaipa hunokanganisa tsika dzakanaka.’”—1 VaKorinde 15:33.

Ligaya anoenderera mberi achiti: “Zvinhu zvisati zvanyanya kuipa, ndakabva ndasiya zvandaiita ndikatanga kudzidza Bhaibheri uye kuita zvarinotaura.” Zvakaguma nei? Imba yake haina kuzoparara uye murume wake akatanga kumuremekedza uye kumubata zvakanaka. Anoti, “Bhaibheri rakachinja upenyu hwangu uye handimbozvidembi kuti ndakasiya mararamiro akaipa andakanga ndava kuita uye shamwari dzakaipa dzandaiva nadzo.”

^ ndima 6 Mamwe mazita haasi avo chaiwo.