Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

ZVEPASI RINO

Kudanana

Kudanana

Kana uchida mazano panyaya dzekudanana unotanga kuatsvaka muBhaibheri here kana kuti Bhaibheri unozorifunga pekupedzisira? Enzanisa mazano ari muBhaibheri neongororo dziri kuitwa mazuva ano.

India

Vechiduku vanosvika 61 muzana vane makore ari pakati pe18-25 vanofunga kuti kurara vose vasati varoorana “haisi nyaya hombe munyika yeIndia,” maererano neongororo yakaitwa muna 2014. Mumwe chiremba wekuMumbai akaudza rimwe pepanhau rinonzi Hindustan Times nezvemaonero ake nezvenyaya iyi kuti, “kutanga kudanana kunoita vechidiki hakurevi kuti vanenge vachitofunga zvekuroorana. Hapana kuzvipira kwavanofanira kuita pasinei nekuti vangadanana kwezuva rimwe chete, zvepano neapo kana kuti kugara vese asi vasina kuroorana.”

ZVOKUFUNGA NEZVAZVO: Ko zvirwere zvinotapuriranwa pabonde uye kunetseka kunoita munhu mupfungwa zvinowanzovapo munhu paanoita bonde asati aroorwa here kana kuti aroorwa?—1 VaKorinde 6:18.

Denmark

Kana munhu achiwanzonetsana nevemumhuri make ane mukana wakapetwa kaviri wekufa paanosvitsa makore ekuma40 kusvika kuma60. Vatsvakurudzi vepaUniversity of Copenhagen vakaita makore 11 vachiongorora vanhu vemazera ekuma40 kusvika kuma60, uye vakaona kuti vanhu vaiwanzonetsana nehama neshamwari vaiva nemukana wakakura wekukurumidza kufa kupfuura vanhu vaisawanzonetsana nevamwe. Munyori wetsvakurudzo iyi akati kugadzirisa nyaya dzinomutsa kusawirirana uye zvinokunetsa “kunogona kubatsira chaizvo kuti usakurumidze kufa.”

BHAIBHERI RINOTI: “Munhu anorega kutaura mashoko ake ane zivo, uye munhu ane ungwaru akadzikama.”Zvirevo 17:27.

United States

Kunzvimbo inonzi Louisiana pane ongororo ichangobva kuitwa pavanhu 564 vachangobva kuroorana. Muongororo iyi zvakaonekwa kuti kana mukomana nemusikana vakarambana vobva vadzokerana uye zvikaitika kakati wandei, vanogona kuzoparadzana vasati vasvitsa makore 5 varoorana. Kakawanda kacho vanozogara vachinetsana uye vasingafari mumba mavo.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Ngaparege kuva nomunhu anoparadzanisa zvasungwa pamwe chete pajoko naMwari.”—Mateu 19:6.