Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kukurukura nevana venyu ibhiriji rinokubatsirai kuramba muchinzwisisana navo

VABEREKI

5: Kukurukura

5: Kukurukura

ZVINOREVEI?

Kukurukura nevana venyu kunoreva kuvaudza zvamunofunga uye manzwiro enyu, ivo vachitaurawo pfungwa dzavo.

NEI ZVICHIKOSHA?

Vana vari kuyaruka vanonetseka nekukurukura nevabereki vavo. Bhuku rinonzi Breaking the Code rinoti vana pavanenge vachiri vadiki, vanenge vakasununguka kuudza vabereki vavo zvese. Asi pavanotanga kuyaruka, vanenge vasingachadi kutaura zvimwe zvinhu nevabereki vavo. Saka panguva iyi, vabereki ndipo pavanotofanira kunyanya kukurukura nevana vavo.

ZVAMUNGAITA

Garai makagadzirira kukurukura nemwana. Kurukurai naye chero nguva yaanenge akasununguka kutaura, kunyange pakati peusiku chaipo.

“Unogona kufunga kuudza mwana wako kuti, ‘Iye zvino ndipo pawava kuda kutaura neni, isu taswera tese?’ Asi hauzozvitauri nekuti semubereki, unotodawo kuti mwana wako akuudze zviri mumwoyo make.”​—Lisa.

“Ini zvangu kurara ndinokuda, asi dzimwe nyaya dzinokosha dzandakakurukura nevana vangu takadzikurukura pakati peusiku chaipo.”​—Herbert.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Mumwe nomumwe ngaarege kuramba achitsvaka zvake oga, asi zvomumwe munhu.”​—1 VaKorinde 10:24.

Teererai mwana paanenge achitaura nemi. Vamwe baba vakati: “Dzimwe nguva vana vangu pavanenge vachitaura neni, ndinenge ndichitofungawo zvimwe uye vanozviona kuti pfungwa dzangu hadzipo!”

Dzimai TV nefoni pamunenge muchitaura nemwana wenyu. Teererai zvaanenge achitaura, uye ratidzai kuti mune hanya nezvaari kutaura, kunyange zvichiita sezvisina musoro.

“Tinofanira kuratidza vana vedu kuti tinokoshesa zvavanotaura uye manzwiro avo. Kana vakaona sekuti hativakoshesi, havazotiudzi zviri kuvanetsa kana kuti vanotsvaga mumwe munhu wekuudza.”​—Maranda.

“Teerera mwana wako, kunyange kana zvaanenge achifunga zvisirizvo zvechokwadi.”​—Anthony.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Chenjererai kuteerera kwamunoita.”​—Ruka 8:18.

Kurukurai nevana panguva dzamunenge muchiitawo zvimwe zvinhu. Dzimwe nguva vana vanosununguka kutaura pamunenge muchiita navo mabasa epamba.

“Tinotaura nevana patinenge tiri mumota. Kugara kwatinenge takaita tiri padivi nepadivi kunoita kuti tinyatsokurukura.”​—Nicole.

Vabereki vanogonawo kukurukura nevana panguva yekudya.

“Manheru patinenge tichidya, mumwe nemumwe wedu anotaura zvinhu zvaitika muswere wezuva, zvamunakidza nezvamubhowa. Kukurukura panguva iyi kunoita kuti mhuri yedu ibatane uye tinotsigirana kana paine ane zviri kumunetsa.”​—Robin.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: ‘Kurumidza kunzwa, wononoka kutaura.’​—Jakobho 1:19.