Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuranga mwana kunomudzora kuti arambe ari mugwara sezvinoita chidzoreso chechikepe

VABEREKI

6: Kuranga

6: Kuranga

ZVINOREVEI?

Shoko rekuti kuranga rinogona kureva kutungamirira kana kudzidzisa. Dzimwe nguva izvi zvinosanganisira kutsiura mwana kana achiita musikanzwa. Asi kuranga kunonyanya kureva kudzidzisa mwana musiyano wezvakanaka nezvakaipa kuti akwanise kuita zvisarudzo zvakanaka.

NEI ZVICHIKOSHA?

Mazuva ano, vamwe vabereki havacharangi vana vavo nekuti vanotyira kuti vana vacho vanozokura vachizvitarisira pasi. Asi vabereki vane njere vanopa vana vavo mitemo uye vanovadzidzisa kuti vaitevedzere.

“Vana vanofanira kupiwa mitemo kuti vakure vaine tsika. Kana vakasarangwa, vanoita sechikepe chisina chidzoreso chinongokandwa kwese kwese nemhepo zvekuti chinogona kutopidiguka.”​—Pamela.

ZVAMUNGAITA

Musachinja-chinja zvamunenge mataura. Kana mwana wenyu akasateerera zvamunenge mamuudza, murangei. Asi paanenge ateererawo, munofanira kumurumbidza.

“Vana vakawanda havachateereri vabereki. Saka ndinogara ndichirumbidza vana vangu nekuteerera kwavanoita. Kuvarumbidza kunoita kuti vazobvuma kutsiurwa kana paine zvavakanganisa.”​—Christine.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Zvinodyarwa nomunhu, ndizvo zvaachakohwa.”​—VaGaratiya 6:7.

Ratidzai kuti munonzwisisa. Pakuranga mwana, fungaiwo nezvezera rake, zvaanogona, uye kuti aita chikanganiso chakakura zvakadii. Kuti chirango chinyatsobatsira mwana, ngachive chezvinhu zvaanenge atadza. Semuenzaniso, kana akatadza kushandisa foni zvakanaka, munogona kumutorera foni yacho kwekanguva kana kusamubvumira kuti aishandise pane dzimwe nguva. Asiwo musangoti kanyaya kadiki kaanenge aita mokaita nyaya hombe nekungoti chete zvakubhowai.

“Kana mwana wangu akanganisa, ndinoedza kuona kuti azviita nemaune here kana kuti angozviitawo asingazivi. Matsiurire anosiyana zvichibva pakuti zvinhu zvaakanganisa katova katsika here kana kuti zvangoitikawo.”​—Wendell.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Musashusha vana venyu, kuti varege kuora mwoyo.”​—VaKorose 3:21.

Ratidzai rudo. Vana vanokwanisa kubvuma chirango kana vachiziva kuti mubereki avaranga nekuti anovada.

“Mwanakomana wedu paaikanganisa, taimuyeuchidza kuti taidada nezvinhu zvakanaka zvaaigara achiita. Taimutsanangurira kuti chikanganiso chaanenge aita chaisareva kuti atova munhu akaipa. Chaingodiwa chete ndechekuti asazvidzokorora, uye taimuudza kuti tiripo kuti timubatsire.”​—Daniel.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Rudo rune mwoyo murefu uye rune mutsa.”​—1 VaKorinde 13:4.