Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvinangwa zvakafanana nepurani yeimba, kana ukashanda nesimba unogona kuzvizadzisa

VECHIDIKI

12: Zvinangwa

12: Zvinangwa

ZVINOREVEI?

Chinangwa hachisingori chinhu chaunoshuvira kuti dai chaitika. Zvinotoda kuronga, kushanda nesimba uye kushandisa nzira dzakasiyana-siyana kuti uzadzise chinangwa chacho.

Zvinangwa zvinogona kuva zvemazuva kana mavhiki, zvemwedzi kana kuti makore. Kuzadzisa zvinangwa zvenguva pfupi kunogona kukubatsira kuti uzadzise zvinangwa zvenguva refu.

NEI ZVICHIKOSHA?

Kuzadzisa zvinangwa kunoita kuti uve nechivimbo, usimbise ushamwari hwako nevamwe uye uwedzere kufara.

Chivimbo: Paunozadzisa zvinangwa zvidiki, unova nechivimbo chekuti unokwanisa kuzadzisa zvinangwa zvakakura. Unowedzerawo kuva nechivimbo paunosangana nematambudziko akadai sekufurirwa nevezera rako.

Ushamwari: Vanhu vanofarira kutamba nevanhu vane zvinangwa uye vanoshanda kuti vazvizadzise. Kushanda nemunhu ane chinangwa chakafanana nechako kunosimbisa ushamwari hwenyu.

Mufaro: Paunova nezvinangwa wobva wazvizadzisa, unonzwa kugutsikana.

“Ndinofarira kuva nezvinangwa. Zvinoita kuti ndigare ndiine zvekuita. Paunozadzisa chinangwa chako unonzwa uchinyatsofara kuti, ‘Ndaita zvandanga ndichida.’”​—Christopher.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Munhu anomirira kuzotanga kuita basa mvura yanaya haana chinhu chaanodyara, uye haana chaanokohwa.”​—Munzwisisi Wouchenjeri (Muparidzi) 11:4, Bhaibheri Rinoera.

ZVAUNGAITA

Kuti uve nezvinangwa uye uzvizadzise, ita zvinotevera:

Ziva zvinangwa zvacho. Nyora pasi zvinangwa zvako uchitanga nezvaunoda kutanga kuzadzisa.

Ronga. Pachinangwa chimwe nechimwe, ita zvinotevera:

  • Nyora kuti unoda kuchizadzisa rini.

  • Ronga zvinodiwa kuti uchizadzise.

  • Funga zvinhu zvinogona kukuvhiringidza uye kuti ungazvikurira sei.

Chiita. Usamirira kuti utange wava kuziva zvese. Zvibvunze kuti, ‘Chii chandinofanira kutanga kuita kuti ndizadzise chinangwa changu?’ Ibva wachiita. Pota uchiona kuti wava papi pakuchizadzisa.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Zvirongwa zvomunhu anoshingaira [zvinobudirira].”​—Zvirevo 21:5.