Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KUWANA ZORORO PADAMBUDZIKO REKUSHUSHIKANA

Uri Kushushikana Here?

Uri Kushushikana Here?

“Munhu wese anotomboshushikana, asi ini zvangu zvanyanya. Rangu dambudziko harisi rimwe chete, ndine zvakasiyana-siyana zvinondipedza simba, kusanganisira kuchengeta murume wangu ava nemakore achirwara nechirwere chepfungwa nezvimwewo zvirwere.”—Jill. a

“Mudzimai wangu akandisiya, ndikasara ndichirera vana vaviri ndega. Kurera vana uri wega hakusi nyore. Kuwedzera pane izvi, basa rakabva rapera uye ndakanga ndisisakwanisi kugadzirisa mota yangu. Ndakanga ndisingachazivi kuti ndoita sei. Ndaishushikana zvakanyanyisa. Mumwoyo mangu ndaizviziva kuti chaiva chivi kuzviuraya, saka ndakakumbira Mwari kuti andiuraye hake.”—Barry.

Unombonzwa uchishushikana zvakanyanya sezvaiita Jill naBarry here? Kana zvichimboitikawo kwauri, nyaya dzinotevera dzichakubatsira uye dzichakunyaradza. Dzichaongorora zvinoita kuti tishushikane, matambudziko anokonzerwa nekushushikana, uye zvatingaita kuti tideredze dambudziko iri.

a Mazita akachinjwa.