Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KUWANA ZORORO PADAMBUDZIKO REKUSHUSHIKANA

Zvii Zvinokonzera Kushushikana?

Zvii Zvinokonzera Kushushikana?

“Vanhu vakuru vakawanda vanotaura kuti vari kuwedzera kushushikana,” rinodaro sangano rezveutano reMayo Clinic. “Upenyu hwemazuva ano hune zvinhu zvakawanda zviri kuchinja uye zvimwe zvacho zvinoitika usingafungiri.” Zvimwe zvinoita kuti munhu ashushikane ndeizvi:

  • kurambana

  • kufirwa

  • kurwara zvakanyanyisa

  • tsaona dzakaipisisa

  • kuparwa kwemhosva

  • upenyu hwekumhanya-mhanya

  • njodzi dzinongoitika dzega kana kuti dzinokonzerwa nevanhu

  • kuwanda kwezvekuita kuchikoro kana kubasa

  • kuzvidya mwoyo nenyaya yemabasa uye kuriritira mhuri