Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KUWANA ZORORO PADAMBUDZIKO REKUSHUSHIKANA

Zvii Zvinoitika Paunoshushikana?

Zvii Zvinoitika Paunoshushikana?

Pane zvinoitika mumuviri wako paunenge uchishushikana. Pfungwa dzako dzinoita kuti muviri ubudise mahomoni akawanda. Mahomoni acho anoita kuti mwoyo ukurumidze kurova zvoita kuti ropa rifambe nekukurumidza, anoitawo kuti ukurumidze kufema, uye tsandanyama dzinobva dzaoma. Usiri kutombozviona, muviri wako unenge uchitokoka simba rekuti uite chimwe chinhu nekukurumidza. Asi kana dambudziko racho rapera, muviri wako unobva wadzokera pakushanda sezvaunoita mazuva ese.

ZVAKANAKIRA KUSHUSHIKANA UYE ZVAKWAKAIPIRA

Kushushikana kunongoitika kwega paunenge uri panguva yakaoma. Kunotangira mupfungwa dzako. Kushushikana kunokubatsira kuti ukurumidze kuita chimwe chinhu nezvedambudziko rinenge ramuka. Kunogona kukubatsirawo kuti uzadzise zvinangwa zvako, kana kubudirira pane zvaunenge uchiita, sepaunenge uchinyora bvunzo, uchibvunzurudzwa kuti upinde basa, kana kuti uchitamba mutambo.

Asi kushushikana zvakanyanya kwenguva refu kunokuvadza. Kuramba uchingoshushikana kunoita uve neutano husina kunaka uye pfungwa dzisina kugadzikana. Unhu hwako nemabatiro aunoita vamwe zvinogonawo kuchinja. Kana munhu achishushikana zvakanyanya anogona kuitawo zvinhu zvinokanganisa utano zvakadai sekushandisa zvinhu zvinodhaka nezvimwewo. Anogona kutopedzisira ava nechirwere chedepression, kurukutika zvekushaya chido chekuita zvinhu muupenyu, kana kutofunga kuzviuraya.

Kunyange zvazvo zvinoitika kwatiri patinoshushikana zvichisiyana-siyana, kushushikana kunogona kukonzera zvirwere zvakawanda. Kunogona kutokanganisa dzinenge nhengo dzese dzemuviri.