Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KUWANA ZORORO PADAMBUDZIKO REKUSHUSHIKANA

Unogona Kurarama Usingashushikani

Unogona Kurarama Usingashushikani

Uchenjeri hweBhaibheri hunotibatsira kuti tisashushikana nezvimwe zvinhu. Hatikwanisi kubvisa zvinhu zvese zvinoita kuti tishushikane. Asi Musiki wedu anozvikwanisa. Akatogadza Jesu Kristu kuti atibatsire. Achaita zvinhu zvinoshamisa pasi rese kupfuura zvaakaita paaiva panyika. Semuenzaniso:

SEZVAAKAMBOITA KARE, JESU ACHARAPA VANORWARA.

“Vakamuunzira vanhu vese vaitambura nezvirwere zvakasiyana-siyana . . . , uye akavarapa.”—MATEU 4:24.

JESU ACHAITA KUTI MUNHU WESE AVE NEPEKUGARA UYE ZVEKUDYA.

“[Vanhu vachatongwa naKristu] vachavaka dzimba vogaramo, uye vachadyara minda yemizambiringa vodya michero yayo. Havazovaki kuti mumwe munhu agare, kana kudyara kuti mumwe munhu adye.”—ISAYA 65:21, 22.

KUTONGA KWAJESU KUCHAITA KUTI VANHU PASI RESE VARARAME MURUGARE, VASINA CHEKUTYA.

“Mumazuva ake, vakarurama vachabudirira, uye rugare ruchawanda kusvikira mwedzi usisipo. Achatonga vanhu kubvira kugungwa kusvikira kugungwa uye kubvira kuRwizi kusvikira kumigumo yenyika. . . . Vavengi vake vachananzva guruva.”—PISAREMA 72:7-9.

JESU ACHATONGA ZVAKANAKA.

“Achanzwira tsitsi munhu akaderera uye murombo, uye achaponesa varombo. Achavanunura pakudzvinyirirwa nepakurwiswa.”—PISAREMA 72:13, 14.

JESU ACHABVISA KUTAMBURA UYE RUFU.

“Hapazovi nerufu, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa.”—ZVAKAZARURWA 21:4.