Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

5 Kutambura Kuchapera Here?

5 Kutambura Kuchapera Here?

Nei Zvichikosha Kuti Tizive Mhinduro Yacho?

Kana tiine tariro yekuti kutambura kuchapera, maonero atinoita upenyu uye zvatinofunga nezvaMwari zvichachinja.

Imbofunga Izvi

Vanhu vakawanda vanoda kugadzirisa matambudziko asi havakwanisi kuapedza. Tarisa uone zvinotevera:

Pasinei nekufambira mberi kuri kuitika mune zvekurapa . . .

  • Chirwere chemwoyo chichiri kungouraya vanhu vakawandisa.

  • Mamiriyoni evanhu ari kufa nekenza gore negore.

  • Mubhuku rinonzi Frontiers in Immunology, chiremba anonzi David Bloom akati, “Vanhu vachiri kungotambudzwa nezvirwere zvinotapukira zvagara zviripo, zvitsva, nezvimwewo zvava kudzoka zvakare.”

Kunyange mune dzimwe nyika dzakapfuma . . .

  • Gore negore mamiriyoni evana anofa kunyanya vaya vanogara munzvimbo dzine urombo.

  • Mabhiriyoni evanhu anorarama munzvimbo dzisina utsanana.

  • Mamiriyoni evanhu haana mvura yakachena yekunwa.

Pasinei nekuti vakawanda vava kuziva kuti vanofanira kubata vamwe zvakanaka . . .

  • Munyika dzakawanda vanhu vari kubiwa vachiendeswa kune dzimwe nyika, asi vanoita izvi havasi kusungwa. Sangano reUnited Nations rinoti, “Izvi zviri kukonzerwa nekuti hurumende dzinenge dzisingazivi kuti ndizvo zviri kuitika kana kuti dziri kutozvitadzawo.”

    DZIDZA ZVIMWE

    Ona vhidhiyo inonzi Umambo hwaMwari Chii? iri pawebsite yedu inonzi jw.org.

Zvinotaurwa neBhaibheri

Mwari anotida.

Anorwadziwa patinenge tichitambura uye tichishungurudzika.

“[Mwari] haana kuzvidza kana kusema kutambura kwemunhu anodzvinyirirwa; haana kumuvanzira chiso chake. Paakachemera kwaari achida kubatsirwa, akamunzwa.”—PISAREMA 22:24.

‘Kandai zvese zvinokudyai mwoyo paari, nekuti iye ane hanya nemi.’1 PETRO 5:7.

Kutambura kuchapera.

Bhaibheri rinoti Mwari achazadzisa chinangwa chake chaakatisikira.

“Mwari . . . achapukuta misodzi yese pamaziso avo, uye hapazovi nerufu, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa.”ZVAKAZARURWA 21:3, 4.

Mwari achabvisa zvinokonzera kutambura.

Achaita izvi achishandisa Umambo hwake.

“Mwari wekudenga achaita kuti pave neumambo husingazomboparadzwi. Umambo hwacho hahuzosiyirwi vamwe vanhu. . . . Ndihwo hwega hucharamba huripo nekusingaperi.”DHANIERI 2:44.